Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Exodus 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Now a man from the house of Levi went and married a daughter of Levi. Zvino mumwe murume weimba yaRevhi akawana mukadzi,
2 The woman conceived and bore a son; seeing he was healthy, she hid him three months. uye mukadzi uyu akava nemimba akabereka mwanakomana. Paakaona kuti akanga ari mwana akanaka, akamuvanza kwemwedzi mitatu.
3 Unable to hide him longer, she got a papyrus basket, coated it with tar and pitch, put the child in, and set it among the reeds on the Nile's bank. Asi akati asisagoni kumuvanza, akamutorera tswanda yenhokwe akainama netara nenamo. Ipapo akaisa mwana imomo ndokuiisa pakati petsanga dzaiva mumahombekombe aNairi.
4 His sister stood at a distance to see what would happen to him. Hanzvadzi yake yakamira iri chinhambwe kuti ione kuti chii chaizoitika kwaari.
5 Pharaoh's daughter went down to bathe at the Nile, her maids walking along the Nile. She saw the basket among the reeds, sent her maid to get it. Ipapo mwanasikana waFaro akaburuka akaenda kurwizi Nairi kuti andoshamba, uye varandakadzi vake vakanga vachifamba vachitevedza mahombekombe. Akaona tswanda pakati petsanga ndokubva atuma murandakadzi wake kuti andoitora.
6 She opened it, saw the child—a baby boy, crying. Her heart went out to him, and she said, "This is one of the Hebrew children." Akaizarura akaona mwana. Akanga achichema, uye akamunzwira tsitsi. Akati, “Uyu ndomumwe wavana vavaHebheru.”
7 His sister asked Pharaoh's daughter, "Should I call a Hebrew woman to nurse the child for you?" Ipapo hanzvadzi yake yakakumbira mwanasikana waFaro ikati, “Ndingaenda here ndikandokutorerai mumwe wavakadzi vechiHebheru kuti azokurererai mwana?”
8 "Yes, go," Pharaoh's daughter answered. So the girl went and called the child's mother. Uye mwanasikana waFaro akapindura akati, “Hongu.” Uye musikana akaenda akandotora mai vomwana.
9 Pharaoh's daughter told her, "Take this child and nurse him for me; I'll pay your wages." The woman took the child and nursed him. Mwanasikana waFaro akati kwavari, “Tora mwana uyu unondirererawo, uye ini ndichakupa muripo wako.” Saka mukadzi akatora mwana akamurera.
10 The boy grew; she brought him to Pharaoh's daughter, who adopted him, naming him Moses: "Because I drew him from the water." Mwana akati akura, akamutora akaenda naye kumwanasikana waFaro akava mwanakomana wake. Akamutumidza zita rokuti Mozisi, achiti, “Ndakamutora mumvura.”
11 In those days Moses grew up, went out to his people, saw their burdens, and saw an Egyptian striking a Hebrew, one of his relatives. Rimwe zuva Mozisi akura, akaenda kwakanga kuna vanhu vokwake uye akavatarira vari pabasa ravo rakaoma. Akaona muIjipita achirova muHebheru, mumwe wavanhu vokwake.
12 He glanced around and, seeing no one, killed the Egyptian and hid him in the sand. Akaringa-ringa ndokuona kusina munhu achibva auraya muIjipita, ndokumuviga mujecha.
13 Next day he went out, saw two Hebrews fighting, and asked the offender, "Why hit your companion?" Zuva rakatevera, akabuda akaona vaHebheru vaviri vachirwa. Akabvunza uya akanga akanganisa akati, “Seiko uchirova mumwe wako muHebheru?”
14 He said, "Who made you ruler and judge over us? Are you thinking of killing me as you killed the Egyptian?" Moses was afraid and thought, "Indeed, the matter is known." Murume uya akati, “Ndianiko akakuita mubati nomutongi pamusoro pedu? Uri kuda kundiuraya sokuuraya kwawakaita muIjipita nhai?” Ipapo Mozisi akatya akafunga akati, “Zvandakaita zvinofanira kuva zvava kuzivikanwa.”
15 Pharaoh heard and sought to kill Moses; he fled from Pharaoh, settled in the land of Midian, and sat by a well. Faro akati anzwa izvi, akaedza kuuraya Mozisi, asi Mozisi akatiza Faro akaenda kundogara kuMidhiani, uye akagara patsime.
16 Midian's priest had seven daughters; they came to draw water and fill the troughs to water their father's flock. Zvino muprista weMidhiani akanga ana vanasikana vanomwe uye vakauya kuzochera mvura yokuti vazadze midziyo yainwira zvipfuwo zvababa vavo.
17 When the shepherds came and drove them away, Moses got up, rescued them, and watered their flock. Vamwe vafudzi vakasvika vakavadzinga, asi Mozisi akasimuka akavanunura uye akanwisa zvipfuwo zvavo.
18 When they returned to their father Reuel, he asked, "Why have you come back so early today?" Vasikana pavakadzokera kuna Reueri baba vavo, akavabvunza akati, “Makurumidza seiko kudzoka nhasi?”
19 They said, "An Egyptian saved us from the shepherds, even drew us water and watered the flock." Vakapindura vakati, “Tanunurwa nomuIjipita kubva kuvafudzi. Abva aticherera mvura uye akanwisa zvipfuwo.”
20 "Where is he?" he asked his daughters. "Why did you leave the man? Call him to eat." Akabvunza vanasikana vake akati, “Aripiko? Mamusiyirei? Mudanei, auye azodya.”
21 Moses agreed to stay with the man, who gave his daughter Zipporah to Moses in marriage. Mozisi akabvuma kugara nomurume uyu, uyo akazopa mwanasikana wake Zipora kuna Mozisi kuti ave mukadzi wake.
22 She bore a son; Moses named him Gershom, saying, "I have been a foreigner in a foreign land." Zipora akabereka mwanakomana, uye Mozisi akamutumidza zita rokuti Gerishomi, achiti, “Ndava mueni munyika yavatorwa.”
23 Long after, Egypt's king died. Israel's sons groaned from slavery, cried out; their cry rose to our Father from slavery. Zvino makore mazhinji akati apfuura, mambo weIjipiti akafa. VaIsraeri vakagomera muutapwa hwavo uye vakachema, kuchemera rubatsiro rwavo nokuda kwoutapwa hwavo kukakwira kuna Mwari.
24 Our Father heard their groaning, and he remembered his covenant with Abraham, with Isaac, and with Jacob. Mwari akanzwa kugomera kwavo uye akarangarira sungano yake naAbhurahama, naIsaka uye naJakobho.
25 Our Father looked on the Israelites, and he understood. Saka Mwari akatarisa pamusoro pavaIsraeri akava nehanya navo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]