Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Exodus 9 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Then our Father told Moses, "Go tell Pharaoh, 'This is what the Father of the Hebrews says: "Let my people go to worship me. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuna Faro undoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Mwari wavaHebheru: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata.
2 For if you refuse to let them go and keep holding them, Kana uchiramba kuti vaende uye ukaramba uchivadzivisa,
3 the hand of our Father will be on your livestock in the field: horses, donkeys, camels, herds, and flocks—a very severe plague. ruoko rwaJehovha ruchauyisa hosha yakaipa pakati pezvipfuwo zvako zviri muminda napamusoro pamabhiza ako nembongoro dzako nengamera napamusoro pemombe dzako uye napamusoro pamakwai nembudzi.
4 But our Father will distinguish Israel's livestock from Egypt's, so none of Israel's will die."'" Asi Jehovha achaisa mutsauko pakati pezvipfuwo zveIsraeri nezveIjipiti, kuitira kuti parege kuva nezvipfuwo zvavaIsraeri zvichafa.’ ”
5 And our Father set a time, saying, "Tomorrow I will do this in the land." Jehovha akatsaura nguva uye akati, “Mangwana Jehovha achaita izvi munyika.”
6 The next day our Father did this: all Egypt's livestock died, but Israel's livestock—not one died. Uye chifumi chamangwana Jehovha akazviita: Zvipfuwo zvose zvavaIjipita zvakafa, asi hapana kana chipfuwo chimwe chete chavaIsraeri chakafa.
7 Pharaoh sent to check: not one of Israel's animals had died. Yet Pharaoh's heart stayed hard, and he refused to let the people go. Faro akatuma vanhu kundoferefeta uye akawana kuti pakanga pasina kunyange chipfuwo chimwe chete chavaIsraeri chakanga chafa. Asi mwoyo wake wakanga uri mukukutu saka haana kutendera vanhu kuenda.
8 Then our Father told Moses and Aaron, "Take handfuls of soot from a kiln, and let Moses scatter it skyward before Pharaoh. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Torai tsama dzamadota kubva pachoto mugoita kuti Mozisi aakushe mumhepo pamberi paFaro.
9 It will become fine dust over all Egypt, breaking into festering boils on people and animals throughout Egypt." Richava guruva rakatsetseka pamusoro penyika yose yeIjipiti, uye mamota anoputika achamera pavanhu napazvipfuwo munyika yose.”
10 They took kiln soot and stood before Pharaoh. Moses threw it skyward, and boils broke out, festering on people and animals. Saka vakatora madota pachoto vakandomira pamberi paFaro. Mozisi akaakusha mumhepo, mamota anoputika akamera pamusoro pavanhu napamusoro pezvipfuwo.
11 The magicians could not stand before Moses, for boils were on them and all Egyptians. Nʼanga hadzina kugona kumira pamberi paMozisi nokuda kwamamota akanga ari pavari uye napavaIjipita vose.
12 But our Father hardened Pharaoh's heart; he wouldn't listen to them, as our Father had told Moses. Asi Jehovha akaomesa mwoyo waFaro uye haana kuda kuteerera kuna Mozisi naAroni, zvakanga zvarehwa naJehovha kuna Mozisi.
13 Then our Father told Moses, "Get up early in the morning, stand before Pharaoh, and say to him: 'This is what the Father of the Hebrews says: "Let my people go to worship me. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Muka mangwanani-ngwanani undosangana naFaro ugoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha Mwari wavaHebheru: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata,
14 This time I am sending all my plagues against you, your officials, and your people, so you know there is no one like me in all the earth. kana zvikasadaro nenguva ino ndichatuma matambudziko angu ose pamusoro pako napamusoro pavaranda vako uye napamusoro pavanhu vako, kuti ugoziva kuti hakuna mumwe akafanana neni munyika yose.
15 By now I could have raised my hand and struck you and your people with a plague, erasing you from the earth. Nokuti iye zvino ndingadai ndakatambanudza ruoko rwangu ndikakurova iwe navanhu vako nehosha yaigona kukuparadzai panyika.
16 But I raised you up to show you my power and proclaim my name throughout all the earth. Asi ndakakumutsa nokuda kwechinangwa ichi, kuti ndikuratidze simba rangu uye kuti zita rangu riparidzwe munyika yose.
17 You are still setting yourself against my people and refusing to let them go. Iwe wakazvigadzirira kurwa navanhu vangu uye haudi kuvatendera kuti vaende.
18 Tomorrow at this time I will rain down hail so severe none like it has hit Egypt from its founding until now. Naizvozvo, nenguva ino mangwana ndichatuma chimvuramabwe chakaipisisa kwazvo chisina kumbovapo pamusoro peIjipiti, kubva pazuva rayakavambwa kusvikira zvino.
19 Now send: get your livestock and all you have in the field to safety, for the hail will fall on every person and animal left in the field, not brought inside, and they will die."'" Chirayira izvozvi kuti zvipfuwo zvako nezvose zviri musango zvipinde mumatanga, nokuti chimvuramabwe chichawira pamusoro pomunhu wose napamusoro pezvipfuwo zvisina kupfigirwa zvichiri musango, uye zvichafa.’ ”
20 Those among Pharaoh's officials who feared the word of our Father hurried their servants and livestock indoors, Machinda aFaro ayo akanga achitya shoko raJehovha akakurumidza kupinza vatapwa vavo nezvipfuwo zvavo mukati.
21 but whoever ignored the word of our Father left his servants and livestock in the field. Asi vaya vakazvidza shoko raJehovha vakarega vatapwa vavo nezvipfuwo zviri musango.
22 Then our Father said to Moses, "Stretch your hand toward the sky, and hail will fall on all Egypt—on people, animals, and every plant in the field, throughout Egypt." Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga kuti chimvuramabwe chiwire pamusoro peIjipiti yose, pamusoro pavanhu napamusoro pezvipfuwo napamusoro pezvinhu zvose zvinomera muminda yeIjipiti.”
23 Moses stretched his staff toward the sky, and our Father sent thunder and hail, and fire ran to the ground. Our Father rained hail on the land of Egypt. Mozisi akati atambanudzira tsvimbo yake kudenga, Jehovha akatuma kutinhira nechimvuramabwe, uye mheni yakapenya yakananga pasi. Saka Jehovha akanayisa chimvuramabwe pamusoro penyika yeIjipiti;
24 There was hail, and fire flashing continually within the hail, so heavy that nothing like it had occurred in all the land of Egypt since it became a nation. chimvuramabwe chakawa uye mheni yakapenya mberi neshure. Ndiro rakava dutu rakaipisisa kwazvo munyika yose yeIjipiti, kubva panguva yavakatanga kuva rudzi.
25 Throughout Egypt hail struck everything in the field, both people and animals; it struck every plant of the field and shattered every tree of the field. Munyika yose yeIjipiti, chimvuramabwe chakarova zvinhu zvose zvakanga zviri musango, zvose vanhu nezvipfuwo; chakarovera pasi zvose zvaimera musango ndokuparadza miti yose.
26 Only in the land of Goshen, where the people of Israel lived, was there no hail. Nzvimbo yachisina kunaya chete inyika yeGosheni, uko kwaiva navaIsraeri.
27 Pharaoh sent for Moses and Aaron and said, "This time I've sinned. God is right; I and my people are wrong. Ipapo Faro akadana Mozisi naAroni akati, “Nguva ino ndatadza. Jehovha ndiye akarurama asi ini navanhu vangu hatina kururama.
28 Plead with your Father—there's been enough of God's thunder and hail. I will let you go; stay no longer." Nyengeterai kuna Jehovha, nokuti kutinhira nechimvuramabwe zvanyanya. Ndichakutenderai kuti muende; hamuchafaniri kuramba mugerezve muno.”
29 Moses told him, "Once I leave the city, I'll spread my hands to our Father. The thunder will stop and hail will end, so you'll know the earth is our Father's. Mozisi akapindura akati, “Pandichabuda muguta, ndichatambanudza maoko angu ndichinyengetera kuna Jehovha. Mutinhiro uchapera uye hakuchazovazve nechimvuramabwe, kuti ugoziva kuti nyika ndeyaJehovha.
30 But as for you and your officials, I know that you still do not fear our Father." Asi ndinoziva kuti iwe namachinda ako hamutyi Jehovha Mwari nazvino.”
31 (Flax and barley were ruined, because barley had headed and flax was blooming. (Miti yeshinda nebhari zvakanga zvaparadzwa, sezvo bhari rakanga rava nehura uye miti yava namaruva.
32 But the wheat and the emmer wheat were not ruined, because they ripen later.). Kunyange zvakadaro gorosi nesipereti, hazvina kuparadzwa, nokuti zvakanga zvisati zvaibva.)
33 Moses left Pharaoh, went out of the city, and spread his hands to our Father. The thunder and hail stopped, and rain no longer poured on the land. Ipapo Mozisi akabva pana Faro akabuda muguta. Akatambanudzira maoko ake kuna Jehovha; kutinhira nechimvuramabwe zvakamira, uye mvura haina kuzonayazve panyika.
34 When Pharaoh saw the rain, hail, and thunder had stopped, he sinned again, hardening his heart—he and his officials. Faro akati aona kuti mvura nechimvuramabwe uye nokutinhira zvapera, akatadzazve: Iye namachinda ake vakaomesa mwoyo yavo.
35 So Pharaoh's heart hardened; he refused to let Israel go, as our Father had said through Moses. Saka mwoyo waFaro wakaoma uye akasada kutendera vaIsraeri kuenda, sokutaura kwakanga kwaita Jehovha kubudikidza naMozisi.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]