Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Ecclesiastes 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 For everything there is a season, and a time for every matter under heaven: Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho, uye basa rimwe nerimwe rine nguva yaro pasi pedenga:
2 a time to be born, and a time to die; a time to plant, and a time to uproot what is planted; nguva yokuberekwa nenguva yokufa, nguva yokusima nenguva yokudzura;
3 a time to kill, and a time to heal; a time to tear down, and a time to build up; nguva yokuuraya nenguva yokuporesa, nguva yokuputsa nenguva yokuvaka;
4 a time to weep, and a time to laugh; a time to mourn, and a time to dance; nguva yokuchema nenguva yokuseka, nguva yokuungudza nenguva yokudzana;
5 a time to throw away stones, and a time to gather stones together; a time to embrace, and a time to refrain from embracing; nguva yokurasa mabwe nenguva yokuaunganidza pamwe chete, nguva yokumbundikira nenguva yokurega;
6 a time to seek, and a time to lose; a time to keep, and a time to throw away; nguva yokutsvaka nenguva yokurega zvirasike, nguva yokuchengeta nenguva yokurasa;
7 a time to tear, and a time to sew; a time to be silent, and a time to speak; nguva yokubvarura nenguva yokusona, nguva yokunyarara nenguva yokutaura;
8 a time to love, and a time to hate; a time for war, and a time for peace. nguva yokuda nenguva yokuvenga, nguva yehondo nenguva yorugare.
9 What gain has the worker from his toil? Ko, mushandi anowanei kubva mukushanda kwake kwose?
10 I have seen the task that God has given people to keep them busy. Ndakaona mutoro wakapiwa vanhu naMwari.
11 He made everything beautiful in its time, and set eternity in the human heart—yet no one can grasp what God has done from start to end. Akaita chinhu chimwe nechimwe chakanaka nenguva yacho. Akaisawo zvisingaperi mumwoyo yavanhu; kunyange zvakadaro havangagoni kunzwisisa zvakaitwa naMwari kubva pakutanga kusvika pakupedzisira.
12 I know nothing is better for them than to enjoy life and do good while they live. Ndinoziva kuti hakuna chinhu chakanakira munhu kupfuura kuti afare uye kuti aite zvakanaka achiri mupenyu.
13 Also, that everyone eat, drink, and find satisfaction in all their work—this is God's gift. Kuti munhu wose adye uye anwe uye azviwanire kugutsikana kubva pakushanda kwake kwose, ichi ndicho chipo chaMwari.
14 I know all God does lasts forever; nothing can be added, nothing removed. He has done it so people will fear before him. Ndinoziva kuti zvose zvinoitwa naMwari zvichagara nokusingaperi; hapana chingawedzerwa pazviri uye hapana chingabviswa pazviri. Mwari anozviita kuti vanhu vamukudze.
15 What is has already been, and what will be has already been; and God seeks out what was driven away. Chipi nechipi chiripo zvino, chakagara chiripo kare, uye zvichazovapo zvakatovapo kare; uye Mwari anotsvakazve zvakapfuura.
16 I also saw under the sun: evil in the place of judgment, and evil in the place of righteousness. Uyezve ndakaona chimwe chinhu pasi pezuva: Panzvimbo yokururamisira, zvakaipa zvakanga zviripo, panzvimbo yokururama, zvakaipa zvakanga zviripo.
17 I said in my heart: "God will judge the righteous and the wicked, for there's a time for every matter and every deed, there." Ndakafunga mumwoyo mangu ndikati, “Mwari achatonga vose vakarurama nevakaipa, nokuti pachava nenguva yebasa rimwe nerimwe.”
18 I said in my heart: "God tests people, so that they may see they're just animals." Ndakatizve, “Kana vari vanhu, Mwari anovaedza kuti vaone kuti vakangofanana nemhuka.
19 Humans and animals share one fate: one dies as the other dies; both have the same breath. Humans have no advantage over animals—all is vapor. Zvinoitika kumunhu zvakafanana nezvinoitika kumhuka; zvose zvinoitirwa zvimwe chetezvo: sokufa kunoita chimwe, chimwe chinofawo. Zvose zvinofema mweya mumwe; munhu hapana paanopfuura mhuka. Zvose hazvina maturo.
20 All go to one place; all came from the dust, and all return to the dust. Zvose zvinoenda kunzvimbo imwe chete; zvose zvinobva kuvhu, uye kuvhu zvose zvinodzokera.
21 Who knows whether the human spirit goes up, and whether the animal's spirit goes down to the earth? Ndiani angaziva kana mweya womunhu uchikwira kuenda kumusoro uye kana mweya wemhuka uchidzika pasi?”
22 So I saw nothing is better than a person rejoicing in their work, since that is their lot. For who can show them what comes after them? Saka ndakaona kuti hapana chingapfuure ichi, kuti munhu afadzwe nebasa rake, nokuti uyu ndiwo mugove wake. Nokuti ndiani achazomudzosazve kuti aone zvichazoitika shure kwake?
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]