Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Ecclesiastes 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 In my heart I said, "Come, I'll test you with pleasure; enjoy what's good." But this too was fleeting. Ndakati mumwoyo mangu, “Uya zvino, ndichakuedza nomufaro kuti uzive chakanaka.” Asi naizvozviwo hazvina maturo.
2 I said of laughter, "It is madness," and of pleasure, "What does it accomplish?" Ndakati, “Kuseka upenzi, uyezve mafaro anobatsireiko?”
3 I explored in my heart how to cheer my body with wine—my heart still guiding me with wisdom—and to grasp foolishness, until I might see what is good for people to do under heaven the few days of their lives. Ndakaedza kuzvifadza newaini, uye kumbundikira upenzi, pfungwa dzangu dzichinditungamirira nouchenjeri. Ndaida kuona kuti chii chakafanira kuti vanhu vaite pasi pedenga mumazuva mashoma oupenyu hwavo.
4 I undertook great works. I built houses for myself and planted vineyards. Ndakaita mabasa makuru; ndakazvivakira dzimba ndikazvirimira minda yemizambiringa.
5 I made myself gardens and parks, and planted in them all kinds of fruit trees. Ndakazvigadzirira mapindu, neminda yemiti uye ndikasimamo miti yemichero yendudzi dzose.
6 I made myself pools of water to irrigate a forest of growing trees. Ndakavaka madhamu kuti ndidiridzire sango remiti yaikura.
7 I bought male and female slaves, and had home-born slaves too. I owned larger herds and flocks than anyone before me in Jerusalem. Ndakatenga varandarume navarandakadzi, uye ndaiva navamwe varanda vakaberekerwa mumba mangu. Ndaivawo nepfuma zhinji yemombe namakwai, kupfuura ani zvake akanditangira kuvapo paJerusarema.
8 I gathered for myself silver and gold, the treasure of kings and provinces. I got male and female singers, and men's delights—many concubines. Ndakazviunganidzira sirivha negoridhe, uye nepfuma yamadzimambo uye neyamatunhu. Ndakatsvaka vaimbi, varume navakadzi, uye nezviridzwa, nezvinofadza vanakomana vavanhu, navarongowo vazhinji.
9 So I became great, greater than all before me in Jerusalem; and my wisdom stayed with me. Saka ndakava mukuru kwazvo kupfuura ani zvake akanditangira paJerusarema. Mune izvi zvose uchenjeri hwangu hwakaramba huneni.
10 Whatever my eyes wanted I did not withhold. I refused my heart no joy, for my heart delighted in all my work, and this was my reward for all my work. Handina kuzvirambidza zvinhu zvaidiwa nameso angu, handina kurambidza mwoyo wangu mufaro. Mwoyo wangu wakafadzwa nebasa rangu rose, uye uyu ndiwo wakava mubayiro wokushanda kwangu kwose.
11 Then I surveyed all my hands had done and the toil I spent doing it, and it was all fleeting, chasing wind; nothing was gained under the sun. Asi pandakaongorora mabasa ose akanga aitwa namaoko angu uye zvandakatambudzikira kuti ndiwane, zvose zvakanga zvisina maturo, kwaingova kudzingana nemhepo; hapana chaibatsira pasi pezuva.
12 So I turned to consider wisdom, madness, and foolishness. For what can the king's successor do? Only what has already been done. Naizvozvo ndakapindura pfungwa dzangu kuti ndicherechedze uchenjeri, urema uye noupenzi. Chii chimwe chingaitwa nomunhu anotevera mumwe paumambo kunze kwezvakatoitwa kare?
13 I saw that wisdom has more gain than foolishness, as light has more than darkness. Ndakaona kuti uchenjeri huri nani pano upenzi, sezvo chiedza chiri nani pane rima.
14 The wise person has eyes in his head, but the fool walks in darkness. And yet I perceived that the same fate befalls them all. Meso omunhu akachenjera ari mumusoro make, nokuno rumwe rutivi benzi richifamba murima; asi ndakasvika pakuziva kuti vose vanowirwa nedambudziko rimwe chete.
15 Then I thought, "The fool's fate is mine too. So why have I been so very wise?" And I decided this too is fleeting. Ipapo ndakafunga mumwoyo mangu ndikati, “Magumo ebenzi achandiwanawo neni. Chii zvino chandinowana pakuva munhu akachenjera?” Ndakati mumwoyo mangu, “Izviwo hazvina maturo.”
16 The wise, like the fool, will not be remembered for long; in days to come both are forgotten. How the wise die just like fools! Nokuti munhu akachenjera akafanana nebenzi pakusarangarirwa; mumazuva anouya vose vachazokanganwikwa. Kufanana nebenzi, akachenjera anofanira kufawo!
17 So I hated life, because the work done under the sun grieved me; it is all fleeting, a chasing after wind. Saka ndakavenga upenyu, nokuti basa rinoitwa pasi pezuva rakandirwadza kwazvo. Zvose hazvo hazvina maturo, kudzingana nemhepo.
18 I hated all my labor under the sun, since I must leave it to the one after me. Ndakavenga zvinhu zvose zvandakashingairira pasi pezuva, nokuti ndinofanira kuzvisiyira anonditevera.
19 Who knows if he will be wise or a fool? Yet he will control all I worked for with my wisdom under the sun. This too is fleeting. Uye ndiani angaziva kana achizova akachenjera kana benzi? Kunyange zvakadaro achava nesimba pamusoro pebasa rose randakatamburira nesimba nounyanzvi hwangu pasi pezuva. Izviwo hazvina maturo.
20 So I gave my heart up to despair over all the toil I labored at under the sun. Saka mwoyo wangu wakatanga kushungurudzika pamusoro pokutambudzika nokushanda kwangu pasi pezuva.
21 One may work with wisdom, knowledge, and skill, yet must leave it all to be enjoyed by someone who never worked for it. This too is fleeting, a great evil. Nokuti munhu angaite basa rake nouchenjeri, noruzivo uye nounyanzvi, zvino ipapo ozofanira kusiya zvose zvaanazvo kuno mumwe asina kuzvishandira. Naizvozviwo hazvina maturo uye chinhu chakaipa kwazvo.
22 What does a person gain from all the toil and striving of heart he labors at under the sun? Munhu anowanei pakushanda kwose nokushingaira kwomwoyo nokuda kwokushanda kwake pasi pezuva?
23 All his days bring sorrow, his work grief; even at night his mind gets no rest. This too is fleeting. Mazuva ake ose basa rake kurwadziwa nokusuwa; kunyange nousiku pfungwa dzake hadzizorori. Naizvozviwo hazvina maturo.
24 Nothing is better for a person than to eat, drink, and enjoy his work. This too, I saw, is from God's hand, Munhu haana chaangaita chinopfuura kudya nokunwa kuti awane kugutswa pakushanda kwake. Naizvozviwo, ndinoona kuti zvinobva muruoko rwaMwari,
25 for apart from him, who can eat or who can find enjoyment? nokuti kana pasina iye, ndiani angadya kana kuwana mufaro?
26 God gives wisdom, knowledge, and joy to the person who pleases him, but to the sinner he gives the work of gathering and collecting, only to hand it to one who pleases God. This too is fleeting, chasing wind. Kuno munhu anomufadza, Mwari anopa uchenjeri, nezivo nomufaro asi kuno mutadzi, anopa basa rokuunganidza nokuchengetera upfumi kuti agozvipa uyo anofadza Mwari. Naizvozviwo hazvina maturo, kudzingana nemhepo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]