Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Ecclesiastes 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 The words of the Teacher, son of David, king in Jerusalem. Mashoko oMuparidzi, mwanakomana waDhavhidhi, mambo muJerusarema:
2 "Utterly fleeting," says the Teacher, "utterly fleeting! Everything is fleeting." Zvanzi noMuparidzi, “Hazvina maturo! Hazvina maturo! Hazvina maturo chose! Zvose hazvina maturo.”
3 What does a person gain from all the labor at which they toil under the sun? Munhu achawaneiko kubva pakushanda kwake kwose kwaanoita nesimba pasi pezuva?
4 A generation goes, and a generation comes, but the earth remains forever. Zvizvarwa zvinouya uye zvizvarwa zvinoenda, asi nyika inogara nokusingaperi.
5 The sun rises and the sun sets, and hurries back to the place where it rises. Zuva rinobuda uye zuva rinovira, uye rinokurumidza kudzokerazve kwarinobudira.
6 The wind blows to the south and turns to the north; round and round it goes, ever returning on its circuits. Mhepo inovhuvhuta ichienda zasi, yozodzokera kumusoro; inotenderera nokutenderera ichingodzokerazve pagwara rayo.
7 All the streams run to the sea, yet the sea is never full; the streams return to their source and flow again. Nzizi dzose dzinodira mugungwa, kunyange zvakadaro gungwa harizari. Kunzvimbo kwadzinobva nzizi, ikoko ndiko kwadzinodzokerazve.
8 All things are wearisome, more than anyone can express; the eye is not satisfied with seeing, nor the ear filled with hearing. Zvinhu zvose zvinonetesa, zvisina ani angazvitaura. Ziso hariguti kuona, uye nzeve haizari nokunzwa.
9 What has been is what will be, and what has been done is what will be done; there is nothing new under the sun. Chakanga chiripo, chichazovapozve, chakamboitwa chichaitwazve; hapana chitsva pasi pezuva.
10 Is there anything anyone can point to and say, "Look, this is new"? It was already here, in the ages before us. Chiripo here chinhu chinganzi nomunhu, “Tarira! Chinhu ichi chitsva?” Chakanga chichingovapo, kare kare; chakanga chiripo isu tisati tavapo.
11 There is no remembrance of those who came before, and even those yet to come will not be remembered by those who follow them. Vanhu vakare havacharangarirwi; uye kunyange vanovatevera, havachazorangarirwi nevanozotevera.
12 I, the Teacher, was king over Israel in Jerusalem. Ini muparidzi ndakanga ndiri mambo weIsraeri muJerusarema.
13 I gave my heart to seek and explore by wisdom all that is done under heaven—a miserable task God has given mankind to struggle with. Ndakazvipira kunzvera nokutsvaka nouchenjeri zvose zvinoitwa pasi pedenga. Ibasa rinotambudza rakapiwa vanakomana vavanhu naMwari kuti vazvitambudze naro.
14 I saw all the deeds done under the sun, and look—it is all fleeting, a chasing after wind. Ndakaona zvinhu zvose zvinoitwa pasi pezuva; zvose hazvo hazvina maturo, kudzingana nemhepo bedzi.
15 What is crooked cannot be made straight, and what is lacking cannot be counted. Chakakombamiswa hachingatwasanudzwi; chinoshayikwa hachingaverengwi.
16 I told myself, "Look, I have grown great and gained more wisdom than all who ruled Jerusalem before me; my heart has seen much wisdom and knowledge." Ndakafunga mumwoyo mangu ndikati, “Tarira, ndazviwanira uchenjeri hwakawanda kupfuura vose vakanditangira kutonga muJerusarema; ndava nouchenjeri uye noruzivo rwakawanda.”
17 I set my mind to know wisdom, and madness and foolishness; I learned this too is a chasing after the wind. Ipapo ndakazvipira kutsvaka kunzwisisa uchenjeri uyezve noupengo noupenzi, asi ndakadzidzawo zvakare kuti, naizvozviwo kudzingana nemhepo.
18 For with much wisdom comes much grief, and the more knowledge, the more sorrow. Nokuti muuchenjeri huzhinji mune kusuwa kuzhinji; kuwanda kwezivo, kuwandawo kwokuchema.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]