Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Daniel 6 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Darius appointed 120 satraps over the kingdom, stationed throughout the whole kingdom, Zvakafadza Dhariasi kugadza machinda zana namakumi maviri kuti vatonge muushe hwose,
2 and three officials over them, one of them Daniel, so the satraps would answer to them and the king lose nothing. navakuru vatatu vaiva pamusoro pavo, mumwe wavo akanga ari Dhanieri. Machinda aitsanangura zvose pamusoro pemabasa avo kwavari kuti mambo arege kurasikirwa.
3 Daniel outshone the administrators and satraps, because an extraordinary spirit was in him, and the king planned to set him over the whole kingdom. Zvino Dhanieri akagona akakunda vakuru namachinda mumaitiro ake aishamisa zvokuti mambo akaronga kumugadza kuti ave pamusoro poumambo hwose.
4 Administrators and satraps sought grounds to charge Daniel over the kingdom, but found none—no corruption—since he was faithful; no negligence or corruption was found in him. Ipapo, vakuru namachinda vakaedza kutsvaka mhosva yavangapomera Dhanieri pamusoro pokufambisa kwake mabasa ehurumende, asi havana chavakagona kuwana. Havana kuwana uori maari, nokuti akanga akatendeka uye pasina uori kana kushaya hanya maari.
5 Then these men said, "We'll find no charge against Daniel unless we find one in his God's law." Pakupedzisira varume ava vakati, “Hatingambowani hwaro hwokupomera Dhanieri mhosva kunze kwechinhu chine chokuita nezvomurayiro waMwari wake.”
6 So the administrators and satraps went together to the king and said, "King Darius, live forever! Saka vakuru namachinda vakaenda vose pamwe chete kuna mambo vakandoti, “Haiwa Mambo Dhariasi, raramai nokusingaperi!
7 All the kingdom's administrators, prefects, satraps, counselors, and governors agreed the king should issue a royal statute and firm decree: whoever petitions any god or man but you, king, for thirty days, will be thrown into the lions' den. Vakuru voushe vatariri, machinda, navapangi vamazano uye vabati vakatenderana vose kuti mambo ngaateme chirevo nokusimbisa chirevo kuti ani naani anonyengetera kuna mwari upi zvake kana munhu pakati pamazuva makumi matatu, kunze kwokwamuri imi mambo, achakandwa mugomba reshumba.
8 Now, king, issue the decree and sign it in writing, unalterable, under the law of the Medes and Persians, which cannot be revoked. Zvino, imi mambo isai chirevo uye muchinyore kuitira chirege kushandurwa zvinoenderana nemirayiro yavaMedhia navaPezhia, usingagoni kushandurwa.”
9 So King Darius signed the document and the ordinance." Saka Mambo Dhariasi akanyora chirevo.
10 Learning the decree was signed, Daniel went home to his upstairs room, windows open toward Jerusalem, knelt three times daily, and prayed, giving thanks before his Father as always. Zvino Dhanieri akati anzwa kuti chirevo chakanga chaziviswa, akaenda muimba yake yapamusoro yaiva namawindo akanga akatarira kuJerusarema. Akapfugama namabvi ake akanyengetera katatu pazuva, achivonga kuna Mwari wake, sezvaaisiita.
11 Then these men came together and found Daniel praying and pleading for mercy before his Father. Ipapo varume ava vakaenda vose pamwe chete vakawana Dhanieri achinyengetera, achikumbira kubatsirwa naMwari.
12 They approached the king about the decree: "Did you not sign a decree that for thirty days, anyone petitioning any god or man except you, king, would be thrown into the lions' den?" The king answered, "The matter stands, by the law of the Medes and Persians, unchangeable." Saka vakaenda kuna mambo vakataura naye pamusoro pechirevo chake choushe vachiti, “Ko, hamuna kuzivisa here chirevo chokuti pakati pamazuva makumi matatu anotevera, ani naani anonyengetera kuna mwari kana munhu upi kunze kwokwamuri, imi mambo, achakandwa mugomba reshumba?” Mambo akapindura akati, “Chirevo chakadaro chiripo, chinoenderana nomurayiro wavaMedhia navaPezhia, usingagoni kushandurwa.”
13 They told the king, "Daniel, one of Judah's exiles, ignores you, king, and your signed decree—praying three times daily." Ipapo vakati kuna mambo, “Dhanieri, mumwe wavakatapwa vakabva Judha, haakuteererei, imi mambo, kana kuchirevo chamakatema norunyoro rwenyu. Achiri kunyengetera katatu pazuva.”
14 Hearing this, the king was deeply troubled, determined to save Daniel, and worked until sunset to rescue him. Mambo akati anzwa izvi, akatambudzika zvikuru; akanga achida kurwira Dhanieri uye akaedza nzira dzose dzokumuponesa kusvikira kwadoka.
15 Then these men gathered before the king and said, "Know, king: by law of the Medes and Persians, no decree or edict the king issues can be changed." Ipapo varume vakaenda vose pamwe chete kuna mambo vakati kwaari, “Rangarirai imi mambo, kuti maererano nomurayiro wavaMedhia navaPezhia, hakuna chirevo kana mutemo unopiwa namambo unogona kushandurwa.”
16 Then the king gave the command, and they brought Daniel and threw him into the lions' den. The king said to Daniel, "May your God, whom you serve continually, rescue you." Saka mambo akarayira, akauyisa Dhanieri ndokumukanda mugomba reshumba. Mambo akati kuna Dhanieri, “Mwari wako, waunoramba uchishumira, ngaakurwire!”
17 A stone was brought, placed over the den's mouth, and sealed by the king with his signet ring and his nobles' rings, so nothing about Daniel could change. Vakauyisa ibwe vakariisa pamusoro pomuromo wegomba, mambo ndokurisimbisa nechisimbiso chake uye nezvisimbiso zvamakurukota ake, kuitira kuti mamiriro aDhanieri arege kushandurwa.
18 Then the king went to his palace and fasted that night; no entertainment was brought before him, and sleep fled from him. Ipapo mambo akadzokera kumuzinda wake akavata usiku hwose asina kudya uye hakuna chinhu chipi chaivaraidza chakauyiswa kwaari. Uye akashayiwa hope.
19 Then, at the first light of dawn, the king rose and hurried to the den of lions. Panguva dzamambakwedza, mambo akamuka akamhanyira kugomba reshumba.
20 Nearing the den, he cried out to Daniel anxiously. The king said to Daniel, "Daniel, servant of the living God, has your God, whom you serve continually, been able to rescue you from the lions?" Akati aswedera pagomba, akadanidzira kuna Dhanieri nenzwi rokuchema achiti, “Dhanieri, iwe muranda waMwari mupenyu, Mwari wako, iye waunoshumira nguva dzose, agona kukurwira pamuromo weshumba here?”
21 Then Daniel said to the king, "King, may you live forever! Dhanieri akapindura akati, “Imi mambo, raramai nokusingaperi!
22 My Father sent his angel and shut the lions' mouths. They haven't harmed me, because I was found innocent before him, and before you, king, I've done no wrong." Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivira miromo yeshumba. Hadzina kundikuvadza, nokuti ndakawanikwa ndisina mhosva pamberi pake. Uye handina kumboita chinhu chakaipa pamberi penyu, imi mambo.”
23 The king was overjoyed and ordered Daniel lifted from the den. Daniel was lifted out with no injury at all, for he had trusted in his Father. Mambo akafara zvikuru akarayira kuti Dhanieri abudiswe mugomba. Uye Dhanieri akati abudiswa mugomba, hakuna vanga rakawanikwa paari, nokuti akanga avimba naMwari wake.
24 The king ordered the men who had falsely accused Daniel brought and thrown into the lions' den—with their children and wives. Before they reached the bottom, the lions overpowered them and crushed all their bones. Mambo akarayira kuti varume vakanga vapomera Dhanieri varwiswe, uye kuti vakandwe mugomba reshumba, pamwe chete navakadzi vavo navana vavo. Uye vasati vasvika pasi pegomba, shumba dzakavakurira dzikapwanya mapfupa avo ose.
25 Then King Darius wrote to all peoples, nations, and languages living on earth: "May your peace overflow! Ipapo Mambo Dhariasi akanyorera vanhu vose, nendudzi dzose navanhu vemitauro yose panyika yose achiti: “Mubudirire zvikuru kwazvo!
26 I decree: in all my kingdom, people must tremble and fear before Daniel's God—the living God, enduring forever. His kingdom will never be destroyed; his rule never ends. “Ndinotema chirevo chokuti munzvimbo dzose dzoumambo hwangu vanhu vanofanira kutya Mwari waDhanieri uye vamuremekedze. “Nokuti ndiye Mwari mupenyu, anogara nokusingaperi; umambo hwake hahungaparadzwi, ushe hwake hahutongogumi.
27 He rescues and delivers; he works signs and wonders in the heavens and on the earth; he is the one who rescued Daniel from the power of the lions." Anorwira uye anoponesa; anoita zviratidzo nezvishamiso mudenga napamusoro penyika. Akarwira Dhanieri pasimba reshumba.”
28 So this Daniel thrived in the reign of Darius and of Cyrus the Persian. Saka Dhanieri akabudirira pamazuva okutonga kwaDhariasi nokutonga kwaSirasi muPezhia.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]