Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Daniel 5 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 King Belshazzar held a great feast for 1,000 nobles, drinking wine in the presence of the 1,000. Mambo Bherishazari akaitira makurukota chiuru mabiko makuru akanwa waini pamwe chete navo.
2 While tasting the wine, Belshazzar ordered in the gold and silver vessels his father Nebuchadnezzar took from Jerusalem's temple, for the king, his nobles, wives, and concubines to drink from. Bherishazari achiri kunwa waini yake, akarayira kuti vauyise midziyo yegoridhe neyesirivha iya yakanga yatorwa nababa vake Nebhukadhinezari kubva kutemberi yokuJerusarema, kuitira kuti mambo namakurukota ake, navakadzi vake uye navarongo vake vanwiremo.
3 Then they brought the gold vessels taken from the temple, our Father's house in Jerusalem; the king, his nobles, wives, and concubines drank from them. Saka vakauyisa midziyo yegoridhe yakanga yatorwa mutemberi yaMwari muJerusarema, uye mambo namakurukota ake, vakadzi vake navarongo vake vakanwira mairi.
4 They drank the wine and praised the gods of gold, silver, bronze, iron, wood, and stone. Pavakanga vachinwa waini, vakarumbidza vamwari vegoridhe, vesirivha, vendarira, vesimbi, vamatanda nevamabwe.
5 Just then a human hand's fingers appeared and wrote on the plaster of the king's palace wall opposite the lampstand, and the king watched the hand writing. Pakarepo minwe yoruoko rwomunhu yakaonekwa ikanyora pamadziro akanamwa, pedyo napachigadziko chomwenje mumuzinda wamambo. Mambo akatarisa chanza pachakanga chichinyora.
6 The king's face changed color, his thoughts terrified him, his hips gave way, and his knees knocked. Chiso chake chakashanduka akatsvukuruka uye akavhunduka zvikuru, mabvi ake akadedera uye makumbo ake akarukutika.
7 The king shouted for the enchanters, astrologers, and fortune-tellers, telling Babylon's wise men, "Whoever reads this writing and tells me what it means will wear purple, a gold chain on his neck, and rule third in the kingdom." Mambo akadana vaya vamazango, vazivi vezvenyeredzi navavuki kuti vaunzwe ndokuti kuvarume ava vakachenjera veBhabhironi, “Ani naani anoverenga runyoro urwo uye akanditaurira zvarunoreva achapfekedzwa nguo dzepepuru uye nouketani hwegoridhe mumutsipa wake, uye achaitwa mutongi wapamusoro-soro wechitatu muumambo.”
8 Then all the king's wise men came in, but none could read the writing or tell him its meaning. Ipapo vakachenjera vose vamambo vakapinda, asi havana kugona kuverenga runyoro kana kutaurira mambo zvarwaireva.
9 So King Belshazzar grew even more terrified, his face paler still, and his nobles were bewildered. Saka Mambo Bherishazari akanyanya kutya uye uso hwake hukanyanya kutsvukuruka. Makurukota ake akakanganisika.
10 At the king's and his nobles' words, the queen entered the banquet hall, saying, "King, live forever! Don't let your thoughts terrify you or your face turn pale. Mambokadzi akati achinzwa inzwi ramambo namakurukota ake, akauya muimba yaiitirwa mabiko, akati, “Imi mambo, raramai nokusingaperi! Musatya! Regai kutsvukuruka kuuso kwenyu!
11 A man in your kingdom has the spirit of the holy gods. In your father's days he showed insight, understanding, and wisdom like the gods' wisdom. King Nebuchadnezzar your father—your father the king—made him chief of magicians, enchanters, astrologers, and fortune-tellers, Muumambo hwenyu muno murume ano mweya wavamwari vatsvene maari. Panguva yababa venyu iye akawanikwa achigona zviri mberi nezivo nouchenjeri hwakafanana nohwavamwari. Mambo Nebhukadhinezari baba venyu, ndati baba venyu imi mambo, vakamugadza kuti ave mukuru wenʼanga, nowevamazango, vazivi vezvenyeredzi navavuki.
12 because extraordinary spirit, knowledge, and understanding—interpreting dreams, explaining riddles, untying knots—were found in this Daniel, whom the king named Belteshazzar. Now call Daniel; he will interpret." Murume uyu Dhanieri, iye akatumidzwa zita rokuti Bheriteshazari namambo, akawanikwa aine pfungwa dzine shungu nezivo uye ano kunzwisisa, kugona kududzira kurota, nokutsanangura zvirahwe uye nokupedza matambudziko akaoma. Daidzai Dhanieri, uye iyeye achakuudzai zvinoreva runyoro.”
13 Daniel was brought before the king, who asked, "Are you Daniel, one of the Judean exiles my father the king brought from Judah? Saka Dhanieri akauyiswa pamberi pamambo, mambo akati kwaari, “Ndiwe Dhanieri mumwe wavakatapwa nababa vangu mambo kubva kuJudha here?
14 I heard the spirit of the gods is in you—light, understanding, and rare wisdom found in you. Ndanzwa kuti mweya wavamwari uri mauri uye kuti unoona zviri mberi, une zivo nouchenjeri hwapamusoro.
15 The wise men and enchanters were brought before me to read this writing and tell me its meaning, but couldn't. Vachenjeri nevamazango vakauyiswa pamberi pangu kuti vazoverenga runyoro urwu uye vagondiudza zvarunoreva, asi havana kugona kunditsanangurira.
16 I've heard you can interpret and untie knots. If you read this writing and tell me its meaning, you'll wear purple, a gold chain on your neck, and rule third in the kingdom." Zvino ndanzwa kuti unogona kupa dudziro uye unopedza matambudziko akaoma. Kana ukagona kuverenga runyoro uye ukanditaurira zvarunoreva, uchapfekedzwa nguo yepepuru, uchaiswa uketani hwegoridhe pamutsipa wako, uye uchaitwa mutongi wechitatu wapamusoro-soro muumambo.”
17 Daniel answered the king, "Keep your gifts; give your rewards to another. Still, I will read the king the writing and tell him its meaning. Ipapo Dhanieri akapindura mambo achiti, “Zvichengeterei henyu zvipo zvenyu uye mugopa mibayiro yenyu kuno mumwe. Kunyange zvakadaro, ndichaverengera mambo runyoro ndigomuudza zvarunoreva.”
18 Your Majesty, the Most High our Father gave your father Nebuchadnezzar the kingdom, greatness, glory, and majesty. “Haiwa mambo, Mwari Wokumusoro-soro akapa baba venyu Nebhukadhinezari ushe, ukuru, kukudzwa nokubwinya.
19 Because of the greatness he gave him, all peoples, nations, and languages trembled and feared before him. He killed whom he wished, let live whom he wished, raised whom he wished, humbled whom he wished. Nokuda kwechinzvimbo chakakwirira chaakamupa, vanhu vose nendudzi dzose navanhu vemitauro yose vakadedera uye vakamutya. Avo vaaida kuuraya, aiuraya, avo vaaida kuraramisa, airaramisa; avo vaaida kusimudzira, aisimudzira; uye avo vaaida kuninipisa, aininipisa.
20 When his heart grew proud and his spirit hardened into arrogance, he was deposed from his royal throne and his glory taken away. Asi mwoyo wake wakati wazvikudza uye waomeswa nokuzvikudza, akabviswa pachigaro chake choushe vakamutorera kukudzwa kwake.
21 He was driven from people, his mind made like an animal's; he lived with wild donkeys, was fed grass like an ox, and the dew of heaven soaked him—until he knew the Most High our Father rules the kingdom of men and sets over it whomever he chooses. Akadzingwa pakati pavanhu akapiwa pfungwa yemhuka; akagara pakati pembizi akadya uswa semombe; uye muviri wake ukanyoroveswa nedova rokudenga, kusvikira aziva kuti Mwari Wokumusoro-soro ndiye ishe pamusoro poushe hwavanhu uye kuti anogadza pamusoro pavo ani zvake waanoda.
22 But you, Belshazzar his son, have not humbled your heart, though you knew all this. “Asi imi mwanakomana wake, imi Bherishazari, hamuna kuzvininipisa, kunyange maiziva henyu chinhu ichi.
23 Instead, you lifted yourself against heaven's Sovereign. You had his house's vessels brought before you, and you, your nobles, wives, and concubines drank wine from them. You praised gods of silver, gold, bronze, iron, wood, and stone—gods that cannot see, hear, or know anything. But the One holding your breath in his hand, who owns all your ways—our Father—you have not honored. Pamusoro pezvo imi masarudza kurwa naIshe wokudenga. Maita kuti midziyo yegoridhe iuyiswe kwamuri ichibva kutemberi, uye imi namakurukota enyu, vakadzi venyu navarongo venyu manwira waini mairi. Marumbidza vamwari vesirivha, vegoridhe, vendarira, vesimbi, vamatanda nevamabwe, vasingagoni kuona, kunzwa kana kunzwisisa. Asi hamuna kukudza Mwari akabata muruoko rwake upenyu hwenyu nenzira dzenyu dzose.
24 Therefore he sent the hand that wrote this inscription. Naizvozvo akatumira ruoko rwakanyora zvakanyorwa.
25 This is the writing that was inscribed: MENE, MENE, TEKEL, PARSIN. “Izvi ndizvo zvakanyorwa: mene, mene, tekere, ufasini.
26 This is what it means: MENE—our Father counted your kingdom's days and ended it. “Hezvino zvinoreva mashoko aya: “Mene: Mwari akaverenga mazuva okutonga kwenyu akaagumisa.
27 TEKEL—you have been weighed on the scales and found wanting. Tekere: Makayerwa pachiyero mukawanikwa makareruka.
28 PERES—your kingdom has been divided and given to the Medes and Persians." Peresi: Umambo hwenyu hwakakamuraniswa hukapiwa vaMedhia navaPezhia.”
29 Then Belshazzar gave the order, and they clothed Daniel in purple, put a gold chain on his neck, and proclaimed him third ruler in the kingdom. Ipapo Bherishazari akarayira kuti Dhanieri ashongedzwe nguo dzepepuru, ketani yegoridhe ikaiswa pamutsipa wake, zvikaziviswa kuti akanga ava mutongi wapamusoro wechitatu muumambo.
30 That very night Belshazzar, king of the Babylonians, was killed. Usiku ihwohwo Bherishazari, mambo wavaBhabhironi akaurayiwa,
31 And Darius the Mede received the kingdom, being about sixty-two years old. Dhariasi muMedhia akatora umambo ane makore makumi matanhatu namaviri.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]