Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Daniel 4 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 King Nebuchadnezzar, to all peoples, nations, and languages living throughout the earth: May your peace be multiplied. Mambo Nebhukadhinezari: Kuvanhu, nokundudzi navanhu vemitauro yose, vagere munyika yose: Budirirai zvikuru!
2 I am glad to declare the signs and wonders the Most High God has done for me. Ndafara kwazvo kuti ndikuzivisei zviratidzo nezvinoshamisa zvandakaitirwa naMwari Wokumusoro-soro.
3 How great are his signs, and how mighty are his wonders! His kingdom is an everlasting kingdom, and his dominion is from generation to generation. Zviratidzo zvake zvikuru sei, zvishamiso zvake zvine simba sei! Umambo hwake umambo husingaperi; kubata kwake ushe kunosvika kuzvizvarwa nezvizvarwa.
4 I, Nebuchadnezzar, was at ease in my house and flourishing in my palace. Ini Nebhukadhinezari ndakanga ndiri mumba mumuzinda wangu, ndakanyatsogutsikana uye ndichinyatsobudirira.
5 I saw a dream that frightened me; thoughts on my bed and visions in my head terrified me. Ndakarota hope dzakandityisa. Pandakanga ndivete pamubhedha wangu, zvifananidzo nezviratidzo zvakapinda mupfungwa dzangu zvakandivhundutsa.
6 So I ordered all Babylon's wise men brought before me to tell me the dream's meaning. Saka ndakarayira kuti varume vakachenjera veBhabhironi vauyiswe pamberi pangu kuti vazondidudzira kurota uku.
7 Then the magicians, enchanters, Babylonians, and astrologers entered. I told them the dream, but they could not interpret it for me. Nʼanga, navaya vanofarira mazango, navazivi vezvenyeredzi navafemberi vakati vauya, ndakavaudza kurota kwangu, asi havana kugona kundidudzira.
8 Finally Daniel came before me—named Belteshazzar after my god's name, the holy gods' spirit in him—and I told him the dream. Pakupedzisira, Dhanieri akauya pamberi pangu ndikamuudza kurota kwangu. (Ndiye anonzi Bheriteshazari, akapiwa zita ramwari wangu, uye mweya wavamwari vatsvene uri maari.)
9 Belteshazzar, chief magician, I know the spirit of the holy gods is in you, and no mystery baffles you—tell me the visions of my dream that I saw, and their meaning. Ndakati, “Bheriteshazari, iwe mukuru wenʼanga, ndinoziva kuti mweya wavamwari vatsvene uri mauri, uye hakuna chakavanzika chinokuomera. Hezvino zvandakarota; chindidudzira.
10 The visions in my mind while in bed: I saw a tree in the middle of the earth, very tall. Hezvino zvandakaratidzwa, zvandakaona ndivete pamubhedha wangu: Ndakatarisa, ndikaona pamberi pangu pamire muti, uri pakati penyika. Kureba kwawo kwakanga kuri kukuru kwazvo.
11 The tree grew and became strong, and its top reached to heaven, and it was visible to the ends of the whole earth. Muti wakakura ukasimba uye manhengenya awo aisvika kudenga; wakanga uchioneka kusvika kumigumo yenyika.
12 Its leaves were beautiful and its fruit abundant, and in it was food for all. Wild animals found shade under it, and the birds of the heavens lived in its branches, and all flesh was fed from it. Mashizha awo akanga akanaka, uye michero yawo yakawanda chose, uye pamusoro pawo pakanga pane zvokudya zvazvose. Mhuka dzesango dzakawana mumvuri pasi pawo, uye shiri dzedenga dzaimhara pamatavi awo; zvipenyu zvose zvaidya pauri.
13 In my visions in bed I saw a watcher, a holy one, coming down from heaven. “Ndakaona muzviratidzo, ndakavata pamubhedha wangu, ndikatarisa, ipapo pamberi pangu pakanga pano mutumwa, iye mutsvene, achiburuka kubva kudenga.
14 He shouted: Cut down the tree, chop its branches, strip its leaves, scatter its fruit. Let animals flee from under it, birds from its branches. Akadanidzira nenzwi guru achiti, ‘Temai muti uyu mugokwanhura matavi awo; pururai mashizha awo mugoparadzira michero yawo. Mhuka ngadzitize pasi pawo, neshiri ngadzibve pamatavi awo.
15 But leave the stump of its roots in the earth, bound with a band of iron and bronze, in the grass of the field. Let him be drenched with the dew of heaven, and let his portion be with the wild animals in the grass of the earth. Asi hunde nemidzi yawo, yacho zvakasungwa nesimbi nendarira, ngazvisare muvhu, muuswa hwesango. “ ‘Ngaanyoroveswe nedova rokudenga, uye ngaagare nemhuka pakati pemiti yenyika.
16 Let his human mind be taken away and a beast's mind be given to him, and let seven periods of time pass over him. Pfungwa dzake ngadzishandurwe kubva pane dzomunhu uye ngaapiwe pfungwa dzemhuka, kusvikira nguva nomwe dzamuperera.
17 The sentence is by the decree of the watchers, the decision by the word of the holy ones, so that the living may know that the Most High rules over the kingdom of men and gives it to whom he will and sets over it the lowliest of men.' “ ‘Kutonga uku kwaziviswa navatumwa, vatsvene ndivo vareva zvakatongwa, kuitira kuti vapenyu vagoziva kuti Wokumusoro-soro ndiye ishe pamusoro poushe hwavanhu uye anohupa kuna ani naani waanoda anogadza pamusoro pavo munhu wapasipasi.’
18 This is the dream I, King Nebuchadnezzar, saw. Tell me its meaning, Belteshazzar, for my kingdom's wise men can't explain it, but you can—the spirit of the holy gods is in you. “Ndiko kurota kwandakaita, ini Mambo Nebhukadhinezari. Zvino chindiudza zvazvinoreva, iwe, Bheriteshazari, nokuti hakuna varume vakachenjera muushe hwangu vangagona kundidudzira. Asi iwe unogona, nokuti mweya wavamwari vatsvene uri mauri.”
19 Then Daniel, called Belteshazzar, was stunned briefly, alarmed by his thoughts. The king said, "Belteshazzar, don't let the dream or its meaning alarm you." Belteshazzar answered, "My lord, may the dream be for your haters, its meaning for your enemies!" Ipapo Dhanieri (ndiyewo Bheriteshazari) akakatyamara zvikuru kwechinguva uye pfungwa dzake dzakamuvhundutsa. Saka mambo akati kwaari, “Bheriteshazari, kurota uku kana zvakunoreva ngakurege kukuvhundutsa.” Bheriteshazari akapindura achiti, “Ishe wangu, dai chete kurota uku kwareva vavengi venyu nedudziro yacho vadzivisi venyu!
20 The tree you saw grew strong, its top reaching heaven, visible to all the earth, Muti wamakaona, wakakura uye ukasimba, una manhengenya awo anosvika kudenga, unoonekwa pasi pose,
21 beautiful leaves, abundant fruit, food for all—wild animals lived beneath it, birds of the sky nested in its branches. una mashizha akanaka nemichero mizhinji, uchipa zvokudya kuna vose, uchipa mumvuri kumhuka dzesango, uye nenzvimbo dzamatendere eshiri dzedenga pamatavi awo,
22 It is you, king—you have grown and become strong; your greatness has grown, reaching heaven, your dominion to the ends of the earth. imi, iyemi mambo, ndimi muti wacho! Mava mukuru uye mune simba; ukuru hwenyu hwakakura kusvika kudenga, uye ushe hwenyu hunosvika kumagumo enyika.
23 Because the king saw a watcher, a holy one, come down from heaven, saying: Cut down the tree, destroy it—but leave the stump of its roots in the ground, bound with a band of iron and bronze in the field's grass. Let him be drenched with the dew of heaven; his portion with the wild animals, until seven periods of time pass over him. “Imi, iyemi mambo, makaona mutumwa, iye mutsvene, achiburuka kubva kudenga achiti, ‘Temai muti uyo muuparadze, asi musiye hunde, yakasungwa nesimbi nendarira, mukati mebundo resango, asi midzi yawo iri muvhu. Ngaanyoroveswe nedova redenga; ngaararame semhuka dzesango, kusvikira nguva nomwe dzamuperera.’
24 This is the interpretation, my king: the Most High's decree has come upon my lord the king, “Uku ndiko kududzirwa kwazvo, imi mambo, ichi ndicho chirevo cheWokumusoro-soro chapiwa pamusoro penyu, ishe wangu mambo:
25 you'll be driven from people to live among wild animals, eating grass like oxen, drenched with the dew of heaven, until seven times pass over you and you know the Most High rules the human kingdom, giving it to whoever he chooses. Muchadzingwa pakati pavanhu uye muchagara nemhuka dzesango; muchadya bundo semombe uye muchanyoroveswa nedova redenga. Nguva nomwe dzichakupfuurai kusvikira maziva kuti Wokumusoro-soro ndiye ishe pamusoro poushe hwavanhu uye anohupa kuna ani zvake waanenge ada.
26 The command to leave the stump and its roots in the ground: your kingdom will be restored to you once you know Heaven rules. Zvakarayirwa kuti hunde yomuti nemidzi yawo zvirambe zviripo zvinoreva kuti umambo hwenyu huchavandudzwa pamuchayeuka kuti denga rinotonga.
27 So, king, accept my advice: break from your sins through righteousness, your wrongdoing through mercy to the poor, so your prosperity may continue. Naizvozvo, imi mambo, farirai kugamuchira zvandinokurayirai: Siyai zvivi zvenyu nokuita zvakarurama, uye kuipa kwenyu nokuitira zvakanaka vanomanikidzwa. Zvimwe zvingaitika kuti ipapo kubudirira kwenyu kuchaenderera mberi.”
28 All this came upon King Nebuchadnezzar. Zvose izvi zvakaitika kuna Mambo Nebhukadhinezari.
29 Twelve months later, he was walking on the roof of Babylon's royal palace. Shure kwemwedzi gumi nemiviri, mambo paakanga achifamba pamusoro pedenga romuzinda wamambo weBhabhironi,
30 The king said, "Is this not great Babylon I built as a royal house by my mighty power, for the glory of my majesty?" akati, “Ko, iri harizi Bhabhironi guru randakavaka sougaro hwoushe, nesimba rangu guru uye nokuda kwokubwinya kwoushe hwangu here?”
31 The words were still in the king's mouth when a voice fell from heaven: "King Nebuchadnezzar, this is said to you: the kingdom has left you. Mashoko akanga achiri mumuromo make pakauya inzwi richibva kudenga richiti, “Hezvino zvawatemerwa, iwe Mambo Nebhukadhinezari: Simba roumambo hwako rabviswa kwauri.
32 You'll be driven from people, living with wild animals, eating grass like an ox. Seven periods will pass over you, until you know the Most High rules mankind's kingdom and gives it to whomever he wills." Uchadzingwa pakati pavanhu uye uchagara nemhuka dzesango; uchadya uswa semombe. Nguva nomwe dzichakuperera kusvikira waziva kuti Wokumusoro-soro ndiye Ishe pamusoro poushe hwavanhu uye kuti anohupa kuna ani zvake waanenge ada.”
33 At once the word came true against Nebuchadnezzar: driven from people, he ate grass like cattle, his body soaked by the dew of heaven, until his hair grew like eagle feathers, his nails like bird claws. Pakarepo, zvakanga zvarehwa pamusoro paNebhukadhinezari zvakazadzisika. Akadzingwa pakati pavanhu akafura uswa semombe. Muviri wake wakanyoroveswa nedova redenga kusvikira bvudzi rake rareba seminhenga yegondo uye nzara dzake dzafanana nedzeshiri.
34 When the days ended, I, Nebuchadnezzar, raised my eyes to heaven, and my reason returned. I blessed the Most High, praised and honored the One who lives forever, whose rule is everlasting, whose kingdom spans every generation. Nguva iyoyo yakati yapera, ini, Nebhukadhinezari, ndakasimudzira meso angu kudenga, uye pfungwa dzangu dzakadzoredzerwa. Ipapo ndakarumbidza Wokumusoro-soro; ndakamuremekedza uye ndikamukudza iye anogara nokusingaperi. Ushe hwake hahuperi; umambo hwake hunogara kubva kuchizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa.
35 All the inhabitants of the earth are counted as nothing, and he does according to his will among the host of heaven and among the inhabitants of the earth; and no one can hold back his hand or say to him, "What have you done?" Vanhu vose venyika vanoonekwa sevasina maturo. Iye anoita sezvaanoda namasimba okudenga uye navanhu venyika. Hakuna munhu angakonesa ruoko rwake kana kuti kwaari, “Waiteiko?”
36 Then my sanity returned; my majesty and splendor returned for my kingdom's glory. My advisers and nobles sought me; I was restored over my kingdom, and surpassing greatness was added to me. Panguva yacho iyoyo yakavandudzwa pfungwa dzangu, kukudzwa kwangu nokubwinya kwangu kwakadzorerwa kwandiri nokuda kwokubwinya kwoushe hwangu. Vanamupamazano vangu namakurukota vakanditsvaka, uye ndakadzorerwazve pachigaro changu choushe ndikava mukuru kunyange kupfuura kare.
37 Now I, Nebuchadnezzar, praise, exalt, and honor Heaven's King, for all his works are right, his ways just; those walking in pride he can humble. Zvino ini Nebhukadhinezari, ndinorumbidza, ndinosimudzira uye ndinokudza Mambo wokudenga, nokuti zvose zvaanoita zvakarurama uye nzira dzake dzose dzakarurama. Uye iye anogona kuninipisa vaya vanofamba mukuzvikudza.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]