Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Daniel 7 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 In Belshazzar king of Babylon's first year, Daniel dreamed and saw visions in his head on his bed. He wrote the dream, summarizing the matters. Mugore rokutanga ramambo Bherishazari, mambo weBhabhironi, Dhanieri akarota hope, uye akaona zviratidzo mumusoro make paakanga avete pamubhedha wake. Akanyora zvose zvaakarota.
2 Daniel said: In my night vision I saw the four winds of heaven churning the great sea. Dhanieri akati, “Muchiratidzo changu usiku, ndakatarira, uye hapo pamberi pangu pakanga pane mhepo ina dzokudenga dzaibvongodza gungwa guru.
3 And four great beasts came up out of the sea, each different from the others. Mhuka huru ina, dzisina kufanana dzakabuda kubva mugungwa.
4 The first was like a lion, with eagle's wings. I watched until its wings were torn off; it was lifted off the ground, set on two feet like a human, and given a human heart. “Yokutanga yakanga yakaita seshumba, uye yakanga ina mapapiro egondo. Ndakatarisa kusvikira mapapiro ayo abviswa uye ikasimudzwa kubva pasi zvokuti yakamira namakumbo maviri somunhu, uye yakapiwa mwoyo womunhu.
5 A second beast appeared, like a bear, raised up on one side, three ribs in its mouth between its teeth. It was told, 'Get up, eat much flesh.' “Uye hapo pamberi pangu pakanga pane mhuka yechipiri, yakanga yakafanana nebere. Yakanga yakasimudzwa kuno rumwe rutivi rwayo, uye yakanga yakaruma mbabvu nhatu mumuromo mayo. Yakanzi, ‘Simuka udye nyama yako ugute!’
6 After this I watched: another beast, like a leopard, with four bird wings on its back, four heads, and given authority to rule. “Shure kwaizvozvo, ndakatarisa, uye hapo pamberi pangu pakanga pane imwe mhuka, yakanga yakafanana neingwe. Uye yakanga ina mapapiro mana akaita seeshiri kumusana kwayo. Mhuka iyi yakanga ine misoro mina, uye yakapiwa simba rokutonga.
7 After this, in my night vision, a fourth beast appeared—dreadful, terrifying, incredibly strong, with huge iron teeth. It devoured, crushed, and trampled the rest underfoot, different from every beast before it, with ten horns. “Shure kwaizvozvo, ndakatarisa muchiratidzo changu usiku, uye hapo pamberi pangu pakanga pane mhuka yechina, yaityisa uye yaivhundutsa, uye ine simba guru. Yakanga ina meno makuru esimbi; yakapwanya ikadya nyama yayo uye ikatsika-tsika namakumbo ayo zvose zvakanga zvasara. Yakanga yakasiyana nedzimwe mhuka dzose dzakare, uye yakanga ine nyanga gumi.
8 While I watched the horns, another—a little horn—rose among them, and three of the first horns were uprooted before it. It had eyes like human eyes and a mouth speaking boastfully. “Ndichiri kufunga pamusoro penyanga, hapo pamberi pangu pakanga pava norumwe runyanga, ruduku rwakabuda pakati padzo; uye dzimwe nyanga nhatu dzokutanga dzakadzurwa pamberi parwo. Runyanga urwu rwakanga runa meso akafanana nameso omunhu uye nomuromo waitaura zvokuzvikudza.
9 As I watched, thrones were set in place, and the Ancient of Days, our Father, took his seat. His clothing was white as snow; the hair of his head was like pure wool. His throne was flaming with fire, and its wheels were all ablaze. “Ndichakatarisa, “zvigaro zvoushe zvakagadzikwa, uye Iye Wamazuva Akare akagara pachigaro chake. Nguo dzake dzakanga dzakachena sechando; bvudzi romusoro wake rakanga rakachena sewuru. Chigaro chake chainganduma nomoto, uye mavhiri acho ose aipfuta.
10 A river of fire flowed out, streaming from before him. Thousands of thousands served him, and 10,000 upon 10,000 stood before him. The court sat, and the books were opened. Rwizi rwomoto rwaiyerera, ruchibuda pamberi pake. Zviuru nezviuru zvakanga zvichimushandira; zviuru gumi zvakapetwa kanokwana gumi zvakamira pamberi pake. Dare rakagara pasi, mabhuku ndokuzarurwa.
11 I watched because of the boastful words the horn spoke; I watched until the beast was killed, its body destroyed and given to the burning fire. “Ipapo ndakaramba ndakatarira nokuda kwamashoko okuzvikudza akanga achitaurwa norunyanga. Ndakaramba ndakatarira kusvikira mhuka iyi yaurayiwa uye muviri wayo waparadzwa ikakandwa mumoto waipfuta.
12 The rest of the beasts lost authority but had their lives prolonged for a set time and season. Kana dziri dzimwe mhuka dzakanga dzatorerwa simba radzo, asi dzakatenderwa kurarama kwechinguva.
13 In my night vision I looked, and there before me, coming with the clouds of heaven, was one like a son of man. He approached the Ancient of Days, our Father, and was led into his presence. “Ndakatarisa pachiratidzo changu usiku, uye hapo pamberi pangu pakanga pano mumwe akaita somwanakomana womunhu, akanga achiuya namakore okudenga. Akaenda kuna Wamazuva Akare akasvitswa pamberi pake.
14 And he was given authority, glory, and a kingdom, so that all peoples, nations, and languages would serve him. His dominion is an everlasting dominion that will not pass away, and his kingdom is one that will never be destroyed. Akapiwa simba, kubwinya nesimba roushe; vanhu vose, ndudzi dzose uye vanhu vemitauro yose vakamunamata. Ushe hwake hunogara nokusingaperi husingatongopfuuri, uye umambo hwake ndihwo husingazomboparadzwi.
15 I, Daniel, was troubled in spirit, and the visions that passed through my mind alarmed me. “Ini Dhanieri ndakatambudzika mumweya wangu, uye zviratidzo zvakasvika mumusoro mangu zvakanditambudza.
16 I approached one of those standing there and asked him the truth about all this. He told me, revealing its interpretation. Ndakaenda kuno mumwe wavakanga vakamirapo ndikamubvunza chaizvo zvaireva izvi zvose. “Saka akandiudza ndokundidudzira zvinhu izvi, achiti,
17 'These four great beasts are four kings who will rise from the earth. ‘Mhuka huru ina ndidzo umambo huna huchamuka panyika.
18 But the holy ones of the Most High, our Father, will receive and possess the kingdom forever, forever and ever. Asi vatsvene veWokumusoro-soro vachapiwa umambo uhu uye huchava hwavo nokusingaperi, hongu nokusingaperi-peri.’
19 Then I wanted the truth about the fourth beast, different from all others—most terrifying, iron teeth, bronze claws—devouring, crushing, and trampling what remained underfoot. “Ipapo ndakada kuziva chokwadi chezvinoreva mhuka yechina, yakanga yakasiyana nedzimwe dzose uye yaityisa kwazvo, namazino ayo esimbi nenzara dzendarira, mhuka yakapwanya ikadya nyama uye ikatsika-tsika namakumbo ayo zvose zvakanga zvasara.
20 I also wanted to know about the ten horns on its head, and the other horn that came up before which three fell—the horn with eyes and a boastful mouth, appearing bigger than the rest. Ndakadawo kuziva pamusoro penyanga gumi dzakanga dziri pamusoro wayo uye napamusoro porumwe runyanga rwuya rwakabuda, dzimwe dzacho nhatu dzikawa pamberi payo, runyanga rwuya rwainyanya kuva nomukundo kupfuura dzimwe, uye rwakanga runa meso uye nomuromo waitaura mashoko okuzvikudza.
21 As I watched, this horn was waging war against the holy ones and was defeating them, Ndichakatarisa, runyanga urwu rwakanga ruchirwa hondo navatsvene ruchivakunda,
22 until the Ancient of Days, our Father, came, judgment was given for the holy ones of the Most High, our Father, and the holy ones' time came to possess the kingdom.' kusvikira Iye Wamazuva Akare asvika akaruramisira vatsvene veWokumusoro-soro, uye nguva ikasvika yavakatora umambo.
23 He said: 'The fourth beast is a fourth kingdom on earth, unlike all other kingdoms. It will devour, trample, and crush the whole earth. “Akandipa tsananguro iyi achiti, ‘Mhuka yechina ndiyo umambo hwechina huchaonekwa panyika. Huchasiyana nohumwe umambo uye huchaparadza nyika yose, huchiitsika-tsika huchiiparadza.
24 The ten horns: ten kings will arise from this kingdom. After them another arises, different from the first, and subdues three kings. Nyanga gumi ndidzo madzimambo gumi achabva kuumambo uhu. Shure kwavo kuchamuka mumwe mambo, akasiyana navaya vokutanga; achakunda madzimambo matatu.
25 He will speak words against the Most High, our Father, oppress the holy ones of the Most High, our Father, and try to change the set times and the law. The holy ones will be handed to him for a time, times, and half a time. Achataura zvinorwisana neWokumusoro-soro achimanikidza vatsvene vake, uye achaedza kushandura nguva dzakatarwa nemirayiro. Vatsvene vachaiswa kwaari kwechinguva, nedzimwe nguva nehafu yenguva.
26 But the court will sit in judgment, and his dominion will be taken away, consumed and destroyed forever. “ ‘Asi dare richagara, uye simba rake richatorwa rigoparadzwa zvachose nokusingaperi.
27 Kingdom, dominion, and greatness of all kingdoms under heaven will be given to the people, the holy ones of the Most High, our Father. His kingdom is a kingdom without end; all rulers will serve and obey him.' Ipapo simba roumambo, simba noukuru hwoumambo pasi pedenga rose richapiwa kuvatsvene, ivo vanhu veWokumusoro-soro. Umambo hwake huchava hwokusingaperi, vatongi vose vachamunamata uye vachamuteerera.’
28 This ends the matter. I, Daniel—my thoughts terrified me, my face turned pale, but I kept it to myself. “Aya ndiwo magumo enyaya. Ini, Dhanieri, ndakatambudzika zvikuru nepfungwa dzangu, uye uso hwangu hwakatsvukuruka, asi ndakachengeta nyaya iyi mumwoyo mangu.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]