Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Amos 8 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 This is what the Sovereign Father showed me: a basket of summer fruit. Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: tswanda ine michero yakaibva.
2 He said, "Amos, what do you see?" I said, "A basket of summer fruit." Then our Father told me, "The end has come for my people Israel; I will never again pass them by." Akabvunza akati, “Unooneiko, Amosi?” Ndakapindura ndichiti, “Tswanda ine michero yakaibva.” Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Nguva yakwana kuvanhu vangu Israeri; handingavararamisizve.
3 "The songs of the temple will turn to wailing in that day," declares the Sovereign Father. "So many corpses, flung down everywhere—silence!" “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, “nziyo dzomutemberi dzichashanduka dzigova kuchema. Mitumbi yevakafa ichava mizhinji. Munzvimbo dzose icharaswa vanhu vanyerere.”
4 Hear this, you who trample the needy and do away with the poor of the land, Inzwai izvi imi munotsika-tsika vanoshayiwa uye muchiparadza varombo venyika,
5 saying, "When will the new moon be over, so we can sell grain? When will the Sabbath end, so we can open the wheat market—making the measure small and the weight large, and cheating with dishonest scales, muchiti, “Kugara kwoMwedzi kuchapfuura riniko kuti tigotengesa zviyo, uye kupera kweSabata kuti tigotengesa gorosi?” muchitapudza chiero, muchikwidza mitengo uye muchibiridzira nezvikero zvinonyengera,
6 buying the poor for silver and the needy for a pair of sandals, and selling the sweepings of the wheat?" muchitenga varombo nesirivha uye vanoshayiwa neshangu, muchitengesa kunyange makoto pamwe chete negorosi.
7 Our Father has sworn by the pride of Jacob: "I will never forget any of their deeds. Jehovha apika noKuzvikudza kwaJakobho achiti, “Handizokanganwi chinhu chipi nechipi zvacho chavakaita.
8 Will not the land tremble for this, and all who live in it mourn? It will all rise like the Nile, be churned up, and sink again like the Nile of Egypt. “Ko, nyika haingadederi nokuda kwaizvozvi here uye vose vanogara mairi havangachemi? Nyika yose ichadira seNairi, ichabvongodzwa uye igoderera sorwizi rweIjipiti.
9 On that day," declares the Sovereign Father, "I will make the sun go down at noon and darken the earth in broad daylight. “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, “ndichaita kuti zuva rivire masikati makuru uye ndichauyisa rima panyika masikati machena.
10 I will turn your festivals into mourning and all your songs into a dirge. I will put mourning clothes on every waist and shave every head. I will make it like mourning for an only son, and its end like a bitter day. Ndichashandura mitambo yenyu yechinamato ive kuchema, nokuimba kwose kuti kuve mhere. Ndichaita kuti mose mupfeke masaga uye mugoveura misoro yenyu. Ndichaita kuti nguva iyi ive samariro omwanakomana akaberekwa ari mumwe oga, uye magumo acho ave sezuva rakaipa kwazvo.
11 The days are coming," declares the Sovereign Father, "when I will send a famine on the land—not a famine of bread, nor a thirst for water, but of hearing my words. “Mazuva ari kuuya,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, “andichatumira nzara panyika yose, kwete nzara yezvokudya kana nyota yemvura, asi nzara yokunzwa mashoko aJehovha.
12 They will stagger from sea to sea and wander from north to east, searching for the word of our Father, but they will not find it. Vanhu vachadzedzereka vachibva kugungwa vachienda kune rimwe gungwa, uye vachadzungaira vachibva kumusoro vachienda kumabvazuva, vachitsvaka shoko raJehovha, asi havangariwani.
13 In that day the beautiful young women and the young men will faint from thirst. “Pazuva iro, “mhandara dzakaisvonaka namajaya akasimba vachaziya nenyota.
14 Those who swear by the Guilt of Samaria, who say, 'As your god lives, Dan,' and, 'As the way of Beersheba lives'—they will fall, never to rise again." Avo vanopika nokunyadzisa kweSamaria, kana vanoti, ‘Namwari wako mupenyu, iwe Dhani,’ kana kuti, ‘Namwari waBheerishebha mupenyu,’ vachawa, vasingazomukazve.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]