Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Amos 9 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 I saw the Sovereign Father standing by the altar, and he said: "Strike the pillar tops so the thresholds shake, and shatter them on the heads of them all; those left I will kill with the sword. Not one will flee, not one will escape. Ndakaona Jehovha amire parutivi rwearitari, uye akati, “Rova misoro yembiru kuti zvikumbaridzo zvizunguzike. Zviputsire pasi pamisoro yevanhu vose; avo vachasara ndichavauraya nomunondo. Hapana kana mumwe chete achatiza, hapana achapunyuka.
2 Though they dig down into the grave, from there my hand will take them; though they climb up to heaven, from there I will bring them down. Kunyange vakachera kusvikira panoperera guva, kubva imomo ruoko rwangu ruchavatora. Kunyange vakakwira kumatenga, kubva ikoko ndichavadzikisa pasi.
3 Though they hide themselves on the top of Carmel, from there I will search them out and seize them; though they conceal themselves from my sight at the bottom of the sea, there I will command the serpent, and it will bite them. Kunyange vakazvivanza pamusoro peKarimeri, ipapo ndichavavhima ndigovabata. Kunyange vakahwanda kubva kwandiri pasi pegungwa, ipapo ndicharayira nyoka kuti ivarume.
4 Though they go into captivity before their enemies, there I will command the sword, and it will kill them; I will fix my eyes on them for harm and not for good." Kunyange vakaendeswa kuutapwa navavengi vavo, ikoko ndicharayira munondo kuti uvaparadze. Ndichananʼanidza meso angu pavari kuti ndivaitire zvakaipa, kwete zvakanaka.”
5 The Sovereign, the Father of heaven's armies—he who touches the earth and it melts, and all who dwell in it mourn; all of it rises like the Nile and sinks like the Nile of Egypt, Ishe, Jehovha Wamasimba Ose, iye anobata nyika igonyungudika, navose vagere mairi vagochema, nyika yose inozara seNairi, uye igoderera serwizi rweIjipiti,
6 who builds his upper chambers in the heavens and founds his vault upon the earth, who calls for the waters of the sea and pours them out on the face of the earth—our Father is his name. iye anovaka muzinda wake kumatenga agomisa hwaro hwawo panyika, anodana mvura dzegungwa agodzidururira pamusoro penyika, Jehovha ndiro zita rake.
7 "Are you not like the children of the Cushites to me, children of Israel?" declares our Father. "Did I not bring up Israel from the land of Egypt, and the Philistines from Caphtor and the Arameans from Kir? “Nhai imi vaIsraeri, ko, hamusi kwandiri vamwe chete savaEtiopia here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Handina kubudisa Israeri kubva kuIjipiti here, vaFiristia kubva kuKafitori navaAramu kubva kuKiri?
8 Look, the eyes of the Sovereign Father are on the sinful kingdom, and I will destroy it from the face of the earth—yet I will not utterly destroy the house of Jacob," declares our Father. “Zvirokwazvo meso aIshe Jehovha ari paumambo hunotadza. Ndichahuparadza kubva pamusoro penyika, asi handingaparadzi zvachose imba yaJakobho,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
9 "For look, I will give the command, and I will shake the house of Israel among all the nations as one shakes grain in a sieve, but not a pebble will fall to the ground. “Nokuti ndicharayira, uye ndichazunguza imba yaIsraeri pakati pendudzi dzose, sokuzunguzwa kunoitwa zviyo murusero, uye hapana kana tsanga imwe chete ichawira pasi.
10 All the sinners of my people will die by the sword—those who say, 'Disaster will not overtake or meet us.'" Vatadzi vose pakati pavanhu vangu vachafa nomunondo, vose vanoti, ‘Njodzi haingatiwiri kana kusangana nesu.’
11 "On that day I will raise up the fallen shelter of David, and repair its breaches, and raise up its ruins, and rebuild it as in the days of old, “Pazuva iro ndichamisazve tende raDhavhidhi rakawa. Ndichavakazve nzvimbo dzaro dzakaputsika, ndigovakazve matongo aro, uye ndicharivaka sezvarakanga rakaita,
12 that they may possess the remnant of Edom and all the nations who are called by my name," declares our Father, who does this. kuti vazvitorere zvakasara zvaEdhomu nendudzi dzose dzine zita rangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, iye achaita zvinhu izvi.
13 "The days are coming," declares our Father, "when the plowman will overtake the reaper, and the treader of grapes will overtake him who sows the seed; the mountains will drip sweet wine, and all the hills will flow with it. “Mazuva ari kuuya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “mucheki paachapfuurwa nomurimi, uye mudyari paachapfuurwa neanosvina mazambiringa. Waini itsva ichadonha kubva kumakomo, uye ichayerera kubva pazvikomo zvose.
14 I will restore the fortunes of my people Israel, and they will rebuild the ruined cities and live in them; they will plant vineyards and drink their wine, and make gardens and eat their fruit. Ndichadzosazve vanhu vangu vakatapwa, ivo vaIsraeri; vachavakazve maguta akaitwa matongo uye vachagara maari. Vachasima minda yemizambiringa vagonwa waini yayo. Vacharima mapindu uye vachadya zvibereko zvawo.
15 I will plant them on their own land, and they will never again be uprooted out of the land that I have given them," says your Father. Ndichasima Israeri munyika yavo voga, havangazodzurwizve kubva panyika yandakavapa,” ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari wako.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]