Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Amos 7 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 This is what the Sovereign Father showed me: he was forming a swarm of locusts as the late crop began to sprout—the late crop after the king's mowings. Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: Akanga achigadzirira chimokoto chemhashu mushure mokukohwewa kwomugove wamambo uye mumera wechipiri uchangobuda.
2 When they finished eating the land's plants, I said, "Sovereign Father, please forgive! How can Jacob stand? He is so small!" Dzakati dzapedza zvose zvaiva munyika, ndakadanidzira ndichiti, “Ishe Jehovha chikanganwirai henyu! Ko, Jakobho angararame sei? Muduku kwazvo!”
3 Our Father relented concerning this. "It will not happen," said our Father. Nokudaro Jehovha akadzora mwoyo. Jehovha akati, “Izvi hazvichazoitika.”
4 This is what the Sovereign Father showed me: the Sovereign Father called for judgment by fire; it devoured the great deep and was consuming the land. Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: Ishe Jehovha akanga achidanidzira kuti pave nokutonga nomoto; wakaomesa gungwa rakadzika uye ukaparadza nyika.
5 Then I said, "Sovereign Father, please stop! How can Jacob stand? He is so small!" Ipapo ndakadanidzira ndichiti, “Ishe Jehovha, ndinokukumbirai, imbomirai henyu. Ko, Jakobho angararame sei? Muduku kwazvo!”
6 Our Father relented concerning this. "This also will not happen," said the Sovereign Father. Nokudaro Jehovha akadzora mwoyo. Ishe Jehovha akati, “Izviwo hazvichaitiki.”
7 This is what he showed me: the Sovereign Father stood by a wall built straight, a plumb line in his hand. Izvi ndizvo zvaakandiratidza: Jehovha akanga akamira pamadziro akanga akavakwa zvakaenzaniswa nerwodzi, ane rwodzi rwokuyeresa muruoko rwake.
8 And our Father said to me, "What do you see, Amos?" I said, "A plumb line." Then the Sovereign Father said, "Look, I am setting a plumb line among my people Israel; I will never again pass them by." Uye Jehovha akandibvunza akati, “Unooneiko, Amosi?” Ndakapindura ndikati, “Rwodzi rwokuyeresa.” Ipapo Jehovha akati, “Tarira, ndichaisa rwodzi rwokuyeresa pakati pavanhu vangu vaIsraeri, handichavaponesazve.
9 "The hilltop shrines of Isaac will be laid waste, and the sanctuaries of Israel will be ruined, and I will rise against the house of Jeroboam with the sword." “Nzvimbo dzakakwirira dzaIsaka dzichaparadzwa, uye nzvimbo tsvene dzaIsraeri dzichaitwa matongo; ndichamukira imba yaJerobhoamu nomunondo wangu.”
10 Amaziah, priest of Bethel, sent word to Jeroboam king of Israel: "Amos has conspired against you within the house of Israel. The land cannot bear all his words. Ipapo Amazia muprista weBheteri akatumira shoko kuna Jerobhoamu mambo weIsraeri achiti, “Amosi akaita rangano yokukumukirai pakati chaipo pemwoyo weIsraeri. Nyika haigoni kugamuchira mashoko ake ose.
11 This is what Amos said: 'Jeroboam will die by the sword, and Israel will surely go into exile, away from its land.'" Nokuti izvi ndizvo zviri kutaurwa naAmosi: “ ‘Jerobhoamu achafa nomunondo, uye Israeri ichaenda kuutapwa, zvirokwazvo kure nenyika yavo yechizvarwa.’ ”
12 Amaziah said to Amos, "Go, seer! Run to Judah. Earn your bread there, prophesy there. Ipapo Amazia akati kuna Amosi, “Ibva muno, iwe muoni! Dzokera kunyika yeJudha. Uzviwanire zvokudya zvako ikoko, uchiprofita ikoko.
13 But never prophesy again at Bethel, for it is the king's sanctuary, a royal temple." Usaprofitazve paBheteri, nokuti iyi ndiyo nzvimbo tsvene yamambo uye netemberi youmambo.”
14 Amos answered Amaziah, "I was no prophet or prophet's son, but a herdsman and a grower of sycamore figs. Amosi akapindura Amazia achiti, “Ndakanga ndisiri muprofita, kana mwanakomana womuprofita, asi ndaiva mufudzi nomutariri wemionde yemisikamo.
15 But our Father took me from following the flock, and our Father told me, 'Go, prophesy to my people Israel.' Asi Jehovha akanditora kubva paufudzi hwamakwai akati kwandiri, ‘Enda uprofite kuvanhu vangu Israeri.’
16 Now hear the word of our Father. You say, 'Do not prophesy against Israel, do not preach against the house of Isaac.' Zvino, chinzwa shoko raJehovha. Iwe unoti, “Usaprofita pamusoro paIsraeri, uye rega kuparidza pamusoro peimba yaIsaka.”
17 So our Father says: 'Your wife will become a prostitute in the city, your sons and daughters will fall by the sword, your land will be divided by a measuring line, and you yourself will die in an unclean land. Israel will surely go into exile, away from its own land.'" “Naizvozvo zvanzi naJehovha: “ ‘Mukadzi wako achava chifeve muguta, uye vanakomana nevanasikana vako vachaparadzwa nomunondo. Nyika yako ichayerwa igoganhurwa, uyezve iwe pachako uchafira munyika yevedzimwe ndudzi, Uye zvirokwazvo Israeri ichaenda kuutapwa, kure nenyika yavo yechizvarwa.’ ”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]