Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Amos 6 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Woe to those who are at ease in Zion, and to those who feel secure on the mountain of Samaria—the notable men of the foremost nation, to whom the house of Israel comes! Mune nhamo imi makavarairwa muZioni, nemi munofunga kuti mugere pakasimba paGomo reSamaria, imi varume vanozivikanwa vorudzi rukuru, kunoenda vanhu veIsraeri!
2 Cross over to Calneh and look; from there go on to Hamath the great; then go down to Gath of the Philistines. Are you better than these kingdoms? Or is their territory greater than yours? Endai kuKarine mundoritarisa; muchibvapo moenda kuHamati guta guru, uye mozodzika kuGati muFiristia. Vari nani kupfuura umambo hwenyu huviri here?
3 You push away the day of disaster, yet you bring near a reign of violence. Munoti zuva rakaipa ngarirege kusvika muchiswededza pedyo utongi hwokuvhundutsira.
4 They lie on beds of ivory and sprawl on their couches, eating lambs from the flock and calves from the fattening pen. Munovata pamibhedha yenyanga dzenzou, muchizorora pazvigaro zvenyu. Munodya makwayana akaisvonaka nemhuru dzakakodzwa.
5 They strum away on the harp and, like David, invent musical instruments for themselves. Munoridza zvenyu mbira dzenyu saDhavhidhi, uye munozvigadzirira zviridzwa.
6 They drink wine by the bowlful and anoint themselves with the finest oils, but they are not grieved over the ruin of Joseph. Munonwa waini yakawanda, muchizora mafuta akaisvonaka, asi hamuchemi nokuda kwamatongo aJosefa.
7 Therefore they will now go into exile at the head of the exiles, and the revelry of those who sprawl at ease will pass away. Naizvozvo muchava pakati pevachatanga kuenda kuutapwa; mabiko enyu nokuzorora kwenyu zvichapera.
8 The Sovereign Father has sworn by himself—this is the declaration of the Father of heaven's armies: I despise the pride of Jacob and hate his strongholds, and I will hand over the city and everything in it. Ishe Jehovha akapika naiye pachake, Jehovha Mwari Wamasimba Ose anoti, “Ndinosema kuzvikudza kwaJakobho, uye ndinovenga nhare dzake; ndichaisa guta kuvavengi nezvose zviri mariri.”
9 And if ten men are left in one house, they too will die. Kana varume gumi vakasiyiwa muimba imwe chete naivowo vachafa.
10 And when a man's relative, the one who burns the bodies, lifts him to carry the bones out of the house, and calls to whoever is in the innermost room, "Is anyone still with you?" and he answers, "No one," then he will say, "Hush! We must not invoke the name of our Father." Uye kana hama inofanira kupisa mitumbi ikauya kuzovabudisa mumba, uye ikabvunza munhu achakahwanda imomo ichiti, “Pane mumwe waunaye here?” uye akati, “Kwete,” ipapo iye achati, “Nyarara! Hatifaniri kuti titaure zita raJehovha.”
11 For look, our Father gives the command, and the great house will be smashed to fragments and the little house to bits. Nokuti Jehovha akarayira, uye achaparadza imba huru igoita murwi, nemba duku igoti mwarara.
12 Do horses gallop on a cliff? Does one plow the sea with oxen? Yet you have turned justice into poison and the fruit of righteousness into bitter poison. Ko, mabhiza angamhanya paruware here? Ko, pane angaparima ipapo nemombe here? Asi makashandura kururamisira mukakuita muchetura, nechibereko chokururama mukachiita gavakava,
13 You who rejoice over Lo-debar and say, "Have we not by our own strength taken Karnaim for ourselves?" imi munopembera pakukundwa kweRo Dhibhari uye munoti, “Hatina kuzvitorera Karinaini nesimba redu here?”
14 But look—I am raising up against you a nation, house of Israel, declares the Father of heaven's armies, and they will oppress you from Lebo-hamath all the way to the Brook of the Arabah. Nokuti Jehovha Mwari Wamasimba Ose anoti, “Ndichakumutsirai rumwe rudzi kuti rukumukirei, imi imba yaIsraeri, ruchakutambudzai panzira yenyu yose, kubva kuRebho Hamati kusvikira kumupata weArabha.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]