Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Acts 4 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 While Peter and John were speaking to the people, the priests, the temple captain, and the Sadducees came up to them, Vaprista nomukuru wavarindi vetemberi navaSadhusi vakauya kuna Petro naJohani pavakanga vachiri kutaura navanhu.
2 greatly annoyed because they were teaching the people and proclaiming the resurrection from the dead in Jesus. Vakakanganisika zvikuru nokuti vapostori vakanga vachidzidzisa vanhu uye vachiparidza kumuka kwavakafa muna Jesu.
3 They arrested them and put them in custody until the next day, since it was already evening. Vakabata Petro naJohani, uye nokuda kwokuti aiva manheru, vakavaisa mujeri kusvikira zuva raitevera.
4 But many who heard the message believed, and the men's number reached about 5,000. Asi vazhinji vakanzwa shoko vakatenda, uye varume vakasvika zviuru zvinenge zvishanu pauwandu.
5 The next day their rulers, elders, and teachers of the law gathered together in Jerusalem, Fume mangwana, vabati, vakuru navadzidzisi vomurayiro vakasangana muJerusarema.
6 with Annas the high priest, Caiaphas, John, Alexander, and all who were of the high-priestly family. Anasi muprista mukuru aivapo, uye Kayafasi Johani, Arekizanda navamwe varume vemhuri yomuprista mukuru vaivapowo.
7 They stood them in the middle and asked, "By what power or by what name did you do this?" Vakaita kuti Petro naJohani vauyiswe pamberi pavo vakatanga kuvabvunza vachiti, “Makaita izvi nesimba raani kana kuti nezita raani?”
8 Then Peter, filled with the Holy Spirit, said to them, "Rulers of the people and elders, Ipapo Petro azere noMweya Mutsvene, akati kwavari, “Imi vabati nemi vakuru vavanhu,
9 if we're questioned today about a good deed to a sick man, how he was healed. kana tadanwa nhasi nokuda kwebasa rakanaka rakaitwa kuchirema uye tichibvunzwa kuti akaporeswa sei,
10 Know this, all of you and all Israel's people: by the name of Jesus Christ of Nazareth, whom you crucified, whom our Father raised from the dead—by him this man stands before you well. zvino muzive izvi, imi navanhu vose veIsraeri kuti: Zvakaitwa nezita raJesu Kristu weNazareta, iye wamakaroverera pamuchinjikwa asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, ndiye aita kuti murume uyu amire pamberi penyu apora kudai.
11 This Jesus is "the stone you builders rejected, which has become the cornerstone." Ndiye “ ‘ibwe ramakaramba imi vavaki, rakazova musoro wekona.’
12 Salvation is in no one else; no other name under heaven is given among people by which we must be saved." Ruponeso haruwanikwi kuna ani zvake, nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa kuvanhu ratingaponeswa naro.”
13 Seeing Peter and John's boldness, and realizing they were uneducated, ordinary men, they were amazed and recognized they had been with Jesus. Vakati vachiona kusatya kwaPetro naJohani uye vachiziva kuti vakanga vasina kudzidza, vachingova vanhuwo zvavo, vakakatyamara uye vakarangarira kuti varume ava vaiva naJesu.
14 Seeing the healed man standing with them, they had nothing to say against it. Asi vachiona murume akanga aporeswa amire navo ipapo, havana chavakagona kutaura.
15 So they ordered them to leave the council, and then they conferred among themselves, Saka vakavarayira kuti vabve paDare Guru, uye ivo vakasara vachitaurirana.
16 saying, "What should we do with these men? A notable sign has happened through them, plain to all who live in Jerusalem, and we cannot deny it. Vakati, “Tichaita seiko navarume ava? Munhu wose anogara muJerusarema anoziva kuti vakaita chishamiso chikuru uye isu hatigoni kuzviramba.
17 But to stop this from spreading further among the people, let's warn them to speak to no one in this name again." Asi kuti chinhu ichi chirege kuramba chichipararira pakati pavanhu, tinofanira kuyambira varume ava kuti varege kutaura kuna ani zvake muzita iri.”
18 They called them and ordered them not to speak or teach at all in Jesus' name. Ipapo vakavadanazve kuti vapinde ndokuvarayira kuti varege kutaura kana kutongodzidzisa muzita raJesu.
19 Peter and John answered them, "You judge whether it's right before our Father to listen to you rather than to him. Asi Petro naJohani vakapindura vakati, “Tongai henyu imi kana zvakarurama pamberi paMwari kuti titeerere imi kupfuura Mwari.
20 For we cannot help speaking about what we have seen and heard." Nokuti isu hatigoni kurega kutaura pamusoro pezvatakaona nezvatakanzwa.”
21 After more threats, they released them, finding no way to punish them because of the people, since all were glorifying our Father for what happened. Shure kwokuvayambirazve vakavarega vakaenda. Havana kugona kufunga kuti vangavaranga sei, nokuti vanhu vose vakanga vachirumbidza Mwari pamusoro pezvakanga zvaitika.
22 For the man who had received this sign of healing was over forty years old. Nokuti murume akanga aporeswa nechishamiso akanga ana makore anodarika makumi mana.
23 Once released, they went to their own people and reported all the chief priests and elders had said to them. Vakati vasunungurwa, Petro naJohani vakadzokera kuvanhu vokwavo vakandovaudza zvose zvakanga zvarehwa navaprista vakuru navakuru.
24 Hearing this, they raised their voices together to our Father and said, "Sovereign Father, you made heaven, earth, sea, and everything in them. Vakati vanzwa izvi, vakasimudza manzwi pamwe chete kuna Mwari vakanyengetera vachiti, “Ishe Mwari, imi makaita denga nenyika negungwa, nezvose zvirimo.
25 You spoke by the Holy Spirit through the mouth of our father David, your servant: "Why did the nations rage and the peoples plot in vain?" Makataura noMweya Mutsvene kubudikidza nomuromo womuranda wenyu, baba vedu Dhavhidhi, muchiti: “ ‘Ndudzi dzinoitireko hasha uye vanhu vanofungireiko zvisina maturo?
26 The kings of the earth took their stand, and the rulers gathered together against our Father and against his Anointed." Madzimambo enyika azvigadzirira uye vabati vanoungana pamwe chete kuzorwa naIshe uye noMuzodziwa Wake.’
27 For truly, in this city, Herod and Pontius Pilate gathered with the Gentiles and peoples of Israel against your holy servant Jesus, whom you anointed, Zvirokwazvo Herodhi naPondiasi Pirato vakaungana pamwe chete neveDzimwe Ndudzi uye navanhu veIsraeri muguta rino kuzorangana kurwisa Jesu muranda wenyu mutsvene, iye wamakazodza.
28 to do whatever your hand and your plan had decided beforehand should happen. Vakaita zvakanga zvatongwa nesimba renyu uye nokuda kwenyu kuti zvichaitika.
29 Now, Father, see their threats, and let your servants speak your word with all boldness, Zvino, Ishe, tarirai kutyisidzira kwavo mugobatsira varanda venyu kuti vataure shoko renyu nokushinga kukuru.
30 as you reach out your hand to heal, and signs and wonders occur through the name of your holy servant Jesus. Tambanudzai ruoko rwenyu kuti muporese uye muite zviratidzo nezvishamiso kubudikidza nezita raJesu muranda wenyu mutsvene.”
31 After they prayed, the place they were gathered in shook; all were filled with the Holy Spirit and spoke the word of our Father boldly. Shure kwokunge vanyengetera, nzvimbo yavakanga vakaungana pairi yakazungunuswa. Uye vose vakazadzwa noMweya Mutsvene vakataura shoko raMwari vasingatyi.
32 All the believers were one in heart and soul; no one called any possession their own, but held everything in common. Vatendi vose vakanga vano mwoyo mumwe nendangariro imwe. Hakuna aiti chimwe chezvaaiva nazvo ndechake oga, asi vakagovana zvose zvavakanga vanazvo.
33 With great power the apostles testified to the Lord Jesus's resurrection, and great grace rested on them all. Vapostori vakaramba vachipupura nesimba kumuka kwaIshe Jesu, uye nyasha huru dzaiva pamusoro pavo.
34 No one among them was needy: all who owned land or houses sold them and brought the price of what was sold, Pakanga pasina vanoshayiwa pakati pavo. Nokuti nguva nenguva vaya vakanga vane minda kana dzimba vakazvitengesa, vakauyisa mari yezvavakatengesa
35 and laid it at the apostles' feet, and it was distributed to each according to their need. vakazviisa patsoka dzavapostori, uye yakagoverwa kuna ani zvake sokushayiwa kwake.
36 Joseph, a Levite from Cyprus, whom the apostles called Barnabas (which means Son of Encouragement), Josefa, muRevhi aibva kuSaipurasi, uyo akatumidzwa navapostori kunzi Bhanabhasi (kureva kuti Mwanakomana woKukurudzira),
37 sold a field he owned, brought the money, and laid it at the apostles' feet. akatengesa munda wake akauya nemari akaiisa pamberi pavapostori.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]