Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Acts 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Peter and John were going up to the temple at around three in the afternoon, the hour of prayer. Rimwe zuva Petro naJohani vakanga vachikwidza kuenda kutemberi nenguva yokunyengetera, panguva yechitatu yamasikati.
2 A man lame from birth was carried and placed daily at the temple gate called Beautiful, to beg from those entering the temple. Zvino mumwe murume akanga aberekwa ari chirema, aitakurwa achiendeswa pasuo retemberi rainzi Rakanaka, uye aiiswa ipapo mazuva ose kuti apemhe kuna avo vaipinda mutemberi.
3 Seeing Peter and John about to go into the temple, he asked them for money. Akati aona Petro naJohani voda kupinda, akavakumbira mari.
4 And Peter, gazing at him with John, said, "Look at us." Petro akamutarisisa, Johani akadarowo. Ipapo Petro akati kwaari, “Titarise!”
5 And he fixed his attention on them, expecting to receive something from them. Saka murume akavatarira, achifunga kuti achapiwa chinhu navo.
6 Peter said, "I own no silver or gold, but I give you what I have: in the name of Jesus Christ of Nazareth, rise and walk." Ipapo Petro akati, “Sirivha negoridhe handina, asi chandinacho ndinokupa. Muzita raJesu Kristu weNazareta, simuka ufambe.”
7 Taking his right hand, he raised him up; instantly his feet and ankles grew strong. Akamubata noruoko rworudyi, akamubatsira kuti asimuke, pakarepo tsoka dzomurume uyu nezviziso zvetsoka dzake zvikasimba.
8 Jumping up, he stood, began walking, and entered the temple with them, walking, jumping, and praising our Father. Akakwakuka, akamira, uye akatanga kufamba. Ipapo akapinda navo mutemberi, achifamba uye achisvetuka-svetuka, achirumbidza Mwari.
9 And all the people saw him walking and praising our Father. Vanhu vose vakati vachimuona achifamba achirumbidza Mwari,
10 They recognized him as the beggar who sat at the temple's Beautiful Gate, and were filled with wonder and amazement at what had happened to him. vakamuziva kuti ndiye murume uya aisigara achipemha ari pasuo retemberi rainzi Rakanaka, uye vakakatyamara vakashamiswa kwazvo nezvakanga zvaitika kwaari.
11 As he held on to Peter and John, all the people ran to them at the portico called Solomon's, utterly astonished. Mupemhi akati achakabatirira pana Petro naJohani, vanhu vose vakashamiswa vakauya kwavari vachimhanya kunzvimbo yainzi Biravira raSoromoni.
12 Seeing this, Peter said to the people, "Israelites, why does this amaze you? Why stare at us, as if by our own power or godliness we made him walk? Petro akati aona izvi, akati kwavari, “Imi varume veIsraeri, seiko izvi zvichikushamisai? Munotarisireiko kwatiri sokunge taita kuti murume uyu afambe nokuda kwesimba redu kana nokuda kwokururama kwedu?
13 The God of Abraham, Isaac, and Jacob, the God of our fathers, glorified his servant Jesus, whom you handed over and denied before Pilate, when Pilate decided to release him. Mwari waAbhurahama, Isaka naJakobho, Mwari wamadzibaba edu, akudza muranda wake Jesu. Makamuendesa kundourayiwa, uye imi makamuramba pamberi paPirato, kunyange akanga afunga kumuregedza hake.
14 But you denied the Holy and Righteous One, asking that a murderer be given to you. Makaramba iye Mutsvene naiye Akarurama Oga uye mukakumbira kuti mhondi isunungurwe.
15 You killed the Author of life; our Father raised him from the dead. To this we are witnesses. Makauraya muvambi woupenyu, asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa. Isu tiri zvapupu zvezvinhu izvi.
16 His name, through faith in his name, has made this man strong—the very man you see and know. And faith in Jesus has given him this complete health right before your eyes. Nokutenda muzita raJesu, munhu uyu wamunoona uye wamunoziva, asimbiswa. Izita raJesu uye nokutenda kunouya kubudikidza naye kwauyisa kuporeswa uku kwaari, sezvamunoona imi mose.
17 "And now, brothers, I know that you acted in ignorance, as did also your rulers. “Zvino, hama dzangu, ndinoziva kuti makaita nokusaziva sezvakangoitawo vatungamiri venyu.
18 But our Father fulfilled what he predicted through all the prophets: his Christ would suffer. Asi ndiwo mazadzisiro akaita Mwari zvaakataura kare kubudikidza navaprofita vose, achitaura kuti Kristu wake aizotambudzika.
19 Repent, then, and turn back, so your sins are wiped out, Naizvozvo, tendeukai zvino, mudzokere kuna Mwari, kuitira kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzokuvandudzwa dzinobva kuna She dzisvike
20 that times of refreshing may come from our Father's presence, and that he may send the Christ appointed for you, Jesus, uye kuti atume Kristu, iye akagadzwa nokuda kwenyu, iye Jesu.
21 whom heaven must receive until all things are restored, about which our Father spoke through his holy prophets long ago. Anofanira kumboramba ari kudenga kusvikira nguva yokuti Mwari avandudze zvinhu zvose yasvika, sezvaakavimbisa kare kare kubudikidza navaprofita vake vatsvene.
22 Moses said, 'Your Father will raise up a prophet like me for you, from your brothers. Listen to him in everything he tells you.' Nokuti Mozisi akati, ‘Ishe Mwari wenyu achakumutsirai muprofita akafanana neni kubva pakati pavanhu venyu chaivo; munofanira kuteerera zvose zvaanokuudzai.
23 Anyone who does not listen to that prophet will be utterly destroyed from among the people.' Ani naani zvake asingamuteereri achaparadzwa kwazvo pakati pavanhu vokwake.’
24 All the prophets who spoke, from Samuel onward, also announced these days. “Zvirokwazvo, vaprofita vose kubva kuna Samueri zvichienda mberi, vazhinji vavo vakataura, vakaprofita nezvamazuva ano.
25 You are the sons of the prophets and of the covenant our Father made with your fathers, telling Abraham, 'By your offspring all the families of the earth will be blessed.' Imi muri vadyi venhaka yavaprofita neyesungano yakaitwa naMwari namadzibaba enyu. Akati kuna Abhurahama, ‘Marudzi ose apanyika acharopafadzwa kubudikidza navana vako.’
26 Our Father raised up his servant and sent him to you first, to bless you by turning each of you from your evil." Mwari akati amutsa muranda wake, akatanga kumutuma kwamuri kuti akuropafadzei nokukutendeutsai mumwe nomumwe wenyu kubva panzira dzenyu dzakaipa.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]