Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Acts 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 When the day of Pentecost arrived, they were all together in one place. Zuva rePendekosti rakati rasvika, vakanga vakaungana vose panzvimbo imwe chete.
2 Suddenly a sound like a violent, rushing wind came from heaven and filled the entire house where they sat. Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga kukazadza imba yose yavakanga vagere.
3 What looked like divided tongues of fire appeared and rested on each one of them. Vakaona zvakanga zvakaita sendimi dzomoto dzakaparadzana uye dzakamhara pamusoro pomumwe nomumwe wavo.
4 All were filled with the Holy Spirit and began speaking in other tongues, as the Spirit gave them words to say. Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene vakatanga kutaura nedzimwe ndimi sokupiwa kwavakaitwa noMweya.
5 At that time devout Jews from every nation under heaven were living in Jerusalem. Zvino muJerusarema maigara vaJudha vaitya Mwari vaibva kundudzi dzose pasi pedenga.
6 When this sound rang out, a crowd gathered, confused, since each one heard them speak in his own language. Vakati vanzwa kutinhira uyu, vazhinji vakaungana pamwe chete vachishamiswa, nokuti mumwe nomumwe akavanzwa vachitaura norurimi rwake chairwo.
7 They were amazed and astonished, saying, "Are not all these who are speaking Galileans? Vakashamiswa kwazvo, vakabvunzana vachiti, “Ko, vanhu ava vose havasi vaGarirea here vari kutaura?
8 How is it, then, that each of us hears them in our own native language? Zvino seiko mumwe nomumwe wedu achivanzwa nomutauro waakaberekwa nawo?
9 Parthians, Medes, and Elamites; those who live in Mesopotamia, Judea and Cappadocia, Pontus and Asia, VaPatio, vaMedhia navaEramu; navanogara kuMesopotamia, Judhea neKapadhokia, Pondasi neEzhia,
10 Phrygia, Pamphylia, Egypt, the parts of Libya near Cyrene; visitors from Rome, Jews and converts to Judaism; Firigia nePamufiria, Ijipiti namativi eRibhia pedyo neKureni; vaeni vanobva kuRoma
11 Cretans and Arabs—we hear them telling in our own tongues the mighty works of our Father!" (zvose vaJudha navakatendeukira kuchiJudha); vaKirete navaArabhu, tinovanzwa vachitaura zvishamiso zvaMwari nendimi dzedu chaidzo!”
12 They were all amazed and perplexed, saying to one another, "What does this mean?" Vakakatyamara uye vakakanganisika, vakabvunzana vachiti, “Zvinoreveiko izvi?”
13 But others mocked and said, "They are full of sweet wine." Kunyange zvakadaro, vamwe vakavaseka vakati, “Vanwa waini yakawanda.”
14 But Peter stood with the eleven, raised his voice, and declared to them: "Men of Judea, everyone living in Jerusalem—know this and listen carefully to my words. Ipapo Petro akamira pamwe chete navane gumi nomumwe, akadanidzira kuvanhu vazhinji achiti, “Hama imi vaJudha nemi mose mugere muJerusarema, regai ndikutsanangurirei chinhu ichi; nyatsoteererai mashoko angu.
15 These people are not drunk, as you suppose, for it is only nine o'clock in the morning. Vanhu ava havana kudhakwa sezvamunofungidzira zvaichiri nguva yepfumbamwe mangwanani kudai!
16 No, this is what was spoken through the prophet Joel: Kwete, izvi ndizvo zvakataurwa nomuprofita Joere achiti,
17 'And in the last days, says our Father, I will pour out my Spirit on all people; your sons and your daughters will prophesy, your young men will see visions, and your old men will dream dreams. “ ‘Mumazuva okupedzisira,’ ndizvo zvinotaura Mwari, ‘ndichadurura Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita, majaya enyu achaona zviratidzo, vatana venyu vacharota hope.
18 Even on my male servants and my female servants in those days I will pour out my Spirit, and they will prophesy. Kunyange napamusoro pavaranda vangu, zvose varume navakadzi, ndichadurura Mweya wangu mumazuva iwayo, uye vachaprofita.
19 I will show wonders in the heavens above and signs on the earth below—blood and fire and billows of smoke. Ndicharatidza zvishamiso kudenga kumusoro, nezviratidzo panyika pasi, ropa nomoto uye nemhute youtsi.
20 The sun will be turned to darkness and the moon to blood, before the great and glorious day of the Lord comes. Zuva richashanduka rikava rima, uye mwedzi uchashanduka ukava ropa, zuva guru raShe uye rinobwinya risati rasvika.
21 And everyone who calls on the name of the Lord will be saved.'" Uye ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.’
22 "Men of Israel, hear these words: Jesus of Nazareth—a man our Father attested to you through miracles, wonders, and signs our Father did through him among you, as you yourselves know. “Imi vaIsraeri, teererai izvi: Jesu weNazareta akanga ari murume akaratidzwa kwamuri naMwari namabasa esimba, nezvishamiso uye nezviratidzo, zvakaitwa naMwari pakati penyu kubudikidza naye, sezvamunoziva imi pachenyu.
23 This man, handed over by our Father's set plan and foreknowledge, you crucified and killed by the hands of lawless men. Murume uyu akaiswa mumaoko enyu nourongwa uye nokuziva zviri mberi kwaMwari; uye imi, mukamuroverera pamuchinjikwa muchibatsirwa navanhu vakaipa.
24 But our Father raised him, freeing him from death's agony, since death could not hold him. Asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, akamusunungura kubva pakurwadza kworufu, nokuti zvakanga zvisingagoni kuti rufu rumubate.
25 For David says of him: 'I saw our Father always before me, for he's at my right hand, so I won't be shaken.' Dhavhidhi akataura nezvake achiti: “ ‘Ndakaona Ishe mberi kwangu nguva dzose. Nokuti ari kuruoko rwangu rworudyi, handingatongozungunuswi.
26 Therefore my heart was glad and my tongue rejoiced; moreover, my body also will rest in hope. Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu runofarisisa; uyezve muviri wangu uchararama netariro,
27 For you will not abandon my soul to the grave, nor let your Holy One see decay. nokuti imi hamuzondisiyi muguva, uye hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora.
28 You have shown me the paths of life; you will fill me with gladness in your presence." Makandizivisa nzira dzoupenyu; muchandizadza nomufaro pamberi penyu.’
29 "Brothers, I can tell you plainly: our ancestor David died, was buried, and his tomb remains with us to this day. “Hama, ndingakuudzai ndiine chokwadi kuti tateguru wedu Dhavhidhi akafa akavigwa, uye guva rake richiri pano kusvikira nhasi.
30 Since he was a prophet, he knew our Father had sworn an oath to seat one of his descendants on his throne, Asi akanga ari muprofita uye aiziva kuti Mwari akanga amuvimbisa nemhiko kuti aizogadza mumwe wezvizvarwa zvake pachigaro choushe.
31 he foresaw and spoke of the Christ's resurrection, that he was not abandoned to the grave, nor his body saw decay. Achiona zviri mberi, akataura nezvokumuka kwaKristu, kuti akanga asina kusiyiwa muguva, uye muviri wake hauna kuona kuora.
32 This Jesus our Father raised up, and we are all witnesses of it. Mwari akamutsa Jesu uyu kubva kuvakafa, uye isu tose tiri zvapupu zvacho.
33 So, lifted up to our Father's right hand, having received the promised Holy Spirit from the Father, he poured out what you now see and hear. Akasimudzirwa kuruoko rworudyi rwaMwari, akagamuchira kubva kuna Baba chipikirwa choMweya Mutsvene uye akadurura izvi zvamuri kuona nokunzwa iye zvino.
34 For David never went up into heaven, but he himself says: "Our Father said to my Lord, 'Sit at my right hand, Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi iye akati: “ ‘Ishe akati kuna She wangu: “Gara kuruoko rwangu rworudyi
35 until I make your enemies a footstool for your feet.'" kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako.” ’
36 "So let the whole house of Israel know for certain: our Father made this Jesus, whom you crucified, both Lord and Christ." “Naizvozvo vaIsraeri vose ngavazive izvi: Jesu uyu, wamakaroverera pamuchinjikwa, Mwari akamuita Ishe naKristu.”
37 Cut to the heart at this, they asked Peter and the other apostles, "Brothers, what should we do?" Vanhu vakati vachinzwa izvozvo, vakabayiwa pamwoyo vakati kuna Petro navamwe vapostori, “Hama, tichaiteiko?”
38 Peter said to them, "Repent, and each of you be baptized in the name of Jesus Christ for the forgiveness of your sins, and you will receive the gift of the Holy Spirit. Petro akapindura akati, “Tendeukai mubhabhatidzwe, mumwe nomumwe wenyu, muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvivi zvenyu, uye mugogamuchira chipo choMweya Mutsvene.
39 For the promise is for you, your children, and all far off—as many as the Sovereign our Father will call to himself." Chipikirwa ndechenyu navana venyu navose vari kure, navose vachazodanwa naShe Mwari wedu.”
40 And with many other words he warned and urged them, saying, "Save yourselves from this corrupt generation." Akavayambira namamwe mashoko mazhinji; uye akavakumbirisa achiti, “Muzviponese parudzi urwu rwakaora.”
41 So those who welcomed his message were baptized, and about 3,000 people were added that day. Avo vakagamuchira shoko rake vakabhabhatidzwa, uye pazuva iro, vanhu vanenge zviuru zvitatu vakawedzerwa pauwandu hwavo.
42 They devoted themselves to the apostles' teaching and deep communion, to the breaking of bread and the prayers. Vakazvipira pakudzidzisa kwavapostori napakuwadzana, pakumedura chingwa uye napakunyengetera.
43 Awe came over everyone, and many wonders and signs were done through the apostles. Vanhu vose vakabatwa nokutya, uye zvishamiso zvizhinji nezviratidzo zvakaitwa navapostori.
44 All who believed were together and had all things in common. Vatendi vose vaiva pamwe chete uye vakagoverana zvinhu zvose.
45 They sold their property and possessions and distributed the proceeds to all, as anyone needed. Vachitengesa zvavaiva nazvo nenhumbi dzavo, vakapa kuna ani naani aishayiwa.
46 Every day, devoting themselves together in the temple, breaking bread house to house, they shared food with joyful, sincere hearts, Mazuva ose vairamba vachiungana pamwe chete mutemberi. Vaimedura chingwa mudzimba dzavo uye vachidya pamwe chete nomufaro uye nomwoyo wakanaka,
47 praising our Father, with favor among all the people. The Lord added to their number daily those being saved. vachirumbidza Mwari uye vachidikanwa navanhu vose. Uye Ishe akawedzera pauwandu hwavo zuva rimwe nerimwe avo vakanga vachiponeswa.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]