Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Acts 5 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Now a man named Ananias, together with his wife Sapphira, sold a piece of property. Zvino mumwe murume ainzi Ananiasi, pamwe chete nomukadzi wake Safira, akatengesawo chikamu chepfuma yake.
2 He kept back part of the proceeds for himself, with his wife aware, and brought only a portion, laying it at the apostles' feet. Mukadzi wake achinyatsozvizivawo, akazvikamurira chimwe chikamu chemari, asi yakasara akauya nayo akaiisa pamberi pavapostori.
3 But Peter said, "Ananias, why has Satan filled your heart to lie to the Holy Spirit and keep back part of the land's price? Ipapo Petro akati, “Ananiasi, Satani azadzireiko mwoyo wako kudai, kuti usvike pakureva nhema kuMweya Mutsvene uye wazvikamurira imwe mari yawawana pakutengesa munda?
4 Wasn't it yours while unsold? After selling, wasn't the money yours to control? Why did you plan this in your heart? You didn't lie to people, but to our Father." Ko, wakanga usiri wako here usati watengeswa? Uye shure kwokunge wautengesa, mari yakanga isiri yako here? Chiiko chakaita kuti ufunge kuita chinhu chakadai? Hauna kureva nhema kuvanhu asi kuna Mwari.”
5 Hearing these words, Ananias fell down and died; great fear seized all who heard. Ananiasi akati anzwa izvi, akawira pasi akabva afa. Uye kutya kukuru kwakabata vose vakanga vanzwa zvakanga zvaitika.
6 Then the young men rose, wrapped up his body, carried him out, and buried him. Ipapo majaya akaswedera, akaputira muviri wake, akamutakura akaenda naye kunze vakandomuviga.
7 About three hours later his wife came in, not knowing what had happened. Shure kwamaawa anenge matatu mukadzi wake akasvikopinda, asingazivi zvakanga zvaitika.
8 Peter asked her, "Tell me, did you sell the land for this much?" She said, "Yes, for that much." Petro akamubvunza akati, “Ndiudze, uyu ndiwo here mutengo wamakawana, iwe naAnaniasi, pamunda?” Iye akati, “Hongu, ndiwoyu mutengo.”
9 Then Peter said to her, "Why did you conspire to test the Spirit of our Father? Look, the feet of those who buried your husband are at the door, and they'll carry you out too." Petro akati kwaari, “Matenderana seiko kuti muedze Mweya waShe? Tarira! Tsoka dzamajaya aviga murume wako dziri pamukova, uye vachakutakura newewo.”
10 At once she fell at his feet and died. The young men came in, found her dead, carried her out, and buried her beside her husband. Pakarepo akawira pasi, patsoka dzake akabva afa. Ipapo majaya akapinda uye akamuwana afa, akamutakura akaenda naye kunze akandomuviga parutivi pomurume wake.
11 And great fear came upon the whole church and upon all who heard of these things. Kutya kukuru kwakabata kereke yose navose vakanzwa zvinhu izvi.
12 Many signs and wonders happened among the people through the apostles' hands. They all gathered together in Solomon's Portico. Vapostori vakaita zviratidzo zvizhinji nezvishamiso pakati pavanhu. Uye vatendi vose vaiwanzosangana pamwe chete muBiravira raSoromoni.
13 None of the rest dared to join them, but the people held them in high honor. Hakuna munhu akatsunga kubatana navo kunyange zvazvo vakanga vachikudzwa zvikuru navanhu.
14 Even more believers were added to the Lord—crowds of men and women, Zvisinei zvazvo, varume vazhinji navakadzi vakatenda kuna She uye vakawedzera uwandu.
15 so they even carried the sick into the streets and put them on cots and mats, hoping that at least Peter's shadow might fall on some of them as he passed. Nokuda kwaizvozvo, vanhu vakauya navairwara munzira dzomumisha vakavaradzika pamibhedha napahukwe vachiitira kuti mumvuri waPetro uwire pane vamwe vavo paainge ava kupfuura napavari.
16 Crowds also came from towns around Jerusalem, bringing the sick and those tormented by unclean spirits, and all were healed. Vanhu vazhinji zhinji vaibva mumaguta akapoteredza Jerusarema vakaunganawo, vakauya navarwere vavo navaya vaitambudzwa nemweya yakaipa, uye vose vakaporeswa.
17 The high priest rose up, and all with him, the Sadducee party, and they were filled with jealousy. Ipapo muprista mukuru navamwe vose vaaiva navo, avo vakanga vari nhengo dzebato ravaSadhusi, vakazadzwa negodo.
18 They arrested the apostles and put them in the public prison. Vakasunga vapostori vakavaisa mujeri.
19 But at night an angel of our Father opened the prison doors, led them out, and said, Asi mutumwa waShe akauya usiku akazarura mukova wejeri akavabudisa,
20 "Go, stand in the temple and speak to the people all the words of this Life." akati, “Endai, mundomira muzvivanze zvetemberi, mugoudza vanhu mashoko ose oupenyu hutsva uhu.”
21 Hearing this, they went into the temple at dawn and began teaching. When the high priest and those with him arrived, they convened the council—the full assembly of elders of Israel—and sent to the jail to have them brought. Vakapinda mutemberi mangwanani, sezvavakanga vaudzwa, vakatanga kudzidzisa vanhu. Muprista mukuru navamwe vake vakati vasvika, vakaunganidza Dare Guru ramakurukota, ungano yose yavakuru, vakatumira vanhu kuti vandotora vapostori kujeri.
22 But the guards found no one there when they arrived; they returned and reported, Asi vabati vakati vasvika pajeri, vakawana vasimo. Saka vakadzokera vakasvikoti,
23 "We found the prison locked tight, guards standing at the doors, but opening them, found no one inside." “Tawana jeri rakanyatsozarirwa, navarindi vamire pamikova; asi patazarura, hatina kuwana munhu mukati.”
24 Hearing this, the temple guard captain and chief priests were baffled, wondering where it would lead. Vakati vanzwa chiziviso ichi, mukuru wavarindi vetemberi navaprista vakuru vakakanganisika, vachishaya kuti chii chaizoitika.
25 Someone came and reported, "Look, the men you jailed are standing in the temple teaching the people!" Ipapo mumwe akasvika akati, “Tarirai! Varume vamakaisa mujeri vamire mutemberi vachidzidzisa vanhu.”
26 Then the captain and officers went and brought them, without force, fearing the people would stone them. Paakazvinzwa, mukuru wavarindi akabva aenda navabati vake akandouya navapostori. Havana kuzviita nokumanikidza, nokuti vaitya kuti vanhu vangavatake namabwe.
27 When they had brought them, they set them before the council. And the high priest questioned them, Vakati vauya navapostori, vakavamisa pamberi peDare Guru kuti vabvunzwe nomuprista mukuru.
28 saying, "We strictly ordered you not to teach in this name, yet you've filled Jerusalem with your teaching and intend to bring this man's blood on us." Akati, “Takakurayirai zvakasimba kuti murege kudzidzisa muzita iri. Asi mazadza Jerusarema rose nedzidziso yenyu uye munoda kuti tive nemhosva yeropa romurume uyu.”
29 But Peter and the apostles answered, "We must obey our Father rather than men. Petro navamwe vapostori vakapindura vachiti, “Tinofanira kuteerera Mwari kukunda vanhu!
30 The God of our fathers raised Jesus, whom you killed by hanging him on a tree. Mwari wamadzibaba edu akamutsa Jesu kubva kuvakafa uyo wamakaita kuti aurayiwe nokumuturika pamuti.
31 Our Father exalted him to his own right hand as Ruler and Savior, to give Israel repentance and forgiveness of sins. Mwari akamusimudzira kuruoko rwake rworudyi soMuchinda noMuponesi kuti ape kutendeuka nokuregererwa kwezvivi kuvaIsraeri.
32 We are witnesses of these things, and so is the Holy Spirit, whom our Father gave to those who obey him." Isu tiri zvapupu zvezvinhu izvi, uyewo noMweya Mutsvene wakapiwa naMwari kuna avo vanomuteerera.”
33 When they heard this, they were enraged and wanted to kill them. Vakati vanzwa izvi, vakashatirwa uye vakada kuvauraya.
34 But a Pharisee named Gamaliel, a law teacher honored by all the people, stood up in the council and ordered the men taken outside briefly. Asi mumwe muFarisi ainzi Gamarieri, mudzidzisi womurayiro, uyo aikudzwa navanhu vose, akasimuka pakati pedare akarayira kuti vanhu vambobudiswa panze kwechinguvana.
35 He told them, "Israelites, think carefully about what you're about to do with these men. Ipapo akati kwavari, “Imi varume veIsraeri, nyatsofungai pamusoro pezvamuri kuda kuita kuvanhu ava.
36 Before this, Theudas appeared, claiming to be somebody; about 400 men followed him. He was killed, his followers all scattered, and it came to nothing. Munguva yakapfuura, kwakambova naTudhasi aizviti iye munhu mukuru, uye varume vanenge mazana mana vakamutevera. Akaurayiwa, vose vaimutevera vakaparadzirwa, uye zvikaguma zvava pasina.
37 After him, Judas the Galilean rose up during the census and drew people away after him. He too died, and all who followed him were scattered. Shure kwake, Judhasi weGarirea akambovapowo pamazuva okuverengwa kwavanhu akatungamirira boka ravanhu mune zvokupanduka. Naiyewo akaurayiwa, uye vose vaimutevera vakaparadzirwa.
38 Now I tell you: stay away from these men and leave them alone. If this plan or work is from men, it will fail. Naizvozvo, panyaya iyi ndinokurayirai kuti: Regai vanhu ava vakadaro! Regai vaende! Nokuti kana kufunga kwavo kuri kwomunhu, kuchaguma.
39 But if it's from our Father, you won't be able to overthrow them; you might even find yourselves fighting our Father." So they were persuaded by him. Asi kana kuchibva kuna Mwari, hamungagoni kukonesa vanhu ava; muchazoona kuti muri kurwa naMwari.”
40 Persuaded by him, they called in the apostles, beat them, ordered them not to speak in the name of Jesus, and released them. Kutaura kwake kwakavadzikamisa. Vakadana vapostori kuti vapinde vakaita kuti varohwe. Ipapo vakavarayira kuti varege kutaura muzita raJesu, uye vakavaregedza.
41 So they left the council, rejoicing they'd been counted worthy to be shamed for the name. Vapostori vakabva paDare Guru, vachifara nokuda kwokuti vakanga vanzi vakafanira kutambudzwa nokunyadziswa nokuda kweZita iri.
42 Every day, in the temple and house to house, they never stopped teaching and proclaiming the good news: the Christ is Jesus. Zuva rimwe nerimwe havana kumborega kudzidzisa nokuparidza shoko rakanaka vari mutemberi nomudzimba nedzimba kuti Jesu ndiye Kristu.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]