Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Acts 6 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 In those days, as the disciples multiplied, the Greek-speaking Jews grumbled against the Hebrews because their widows were overlooked in the daily distribution of food. Mumazuva iwayo vadzidzi zvavakanga vachiwedzerwa pauwandu, vaJudha vaitaura chiGiriki vaiva pakati pavo vakagununʼuna pamusoro pavaJudha vaitaura chiHebheru nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikwa pakugoverwa kwezvokudya zvemisi yose.
2 So the Twelve called all the disciples together and said, "It's not right for us to neglect our Father's word to serve tables. Saka vane gumi navaviri vakaunganidza vadzidzi vose pamwe chete vakati, “Hazvingavi zvakanaka kwatiri kuti tirege ushumiri hweshoko raMwari kuti tishande pamatafura.
3 So, brothers, pick seven men among you, well-respected, full of the Holy Spirit and wisdom, whom we'll appoint to this task. Hama, sarudzai varume vanomwe pakati penyu vanozivikanwa kuti vakazadzwa noMweya nouchenjeri. Isu tichaisa basa iri kwavari,
4 But we will devote ourselves to prayer and to the ministry of the word." uye ticharamba tiri pakunyengetera napaushumiri hweshoko.”
5 The whole assembly approved, and chose Stephen—full of faith and the Holy Spirit—along with Philip, Prochorus, Nicanor, Timon, Parmenas, and Nicolaus, a convert from Antioch. Shoko iri rakafadza boka rose. Vakasarudza Sitefani, murume akanga azere nokutenda uye noMweya Mutsvene; uyezve Firipi, Pirokorasi, Nikano, Timoni, Pamenasi, naNikorasi aibva kuAndioki, akanga akatendeukira kuchitendero chechiJudha.
6 They presented these men to the apostles, who prayed and laid their hands on them. Vakaisa varume ava kuvapostori, ivo vakavanyengeterera vakaisa maoko pamusoro pavo.
7 The word of our Father spread, and disciples in Jerusalem multiplied greatly; a great number of priests became obedient to the faith. Saka shoko raMwari rakapararira. Vadzidzi vakawanda kwazvo paJerusarema, uye boka guru ravaprista rakagamuchira kutenda.
8 Now Stephen, full of grace and power, was performing great wonders and signs among the people. Zvino Sitefani, murume akanga azere nenyasha dzaMwari nesimba, akaita zvishamiso zvikuru nezviratidzo pakati pavanhu.
9 Some from the so-called Synagogue of the Freedmen—Cyrenians, Alexandrians, and men from Cilicia and Asia—rose up to argue with Stephen. Kusapindirana kwakamuka, kuchibva kunhengo dzeSinagoge reVokusununguka (ndiro raiva zita ravo), vaJudha vokuSairini nevokuArekizandiria pamwe chete namatunhu eKirikia neEzhia. Varume ava vakatanga kukakavadzana naSitefani,
10 Yet they could not stand up against the wisdom and the Spirit with which he was speaking. asi havana kugona kukunda uchenjeri hwake kana Mweya waaitaura nawo.
11 Then they secretly instructed men to say, "We heard him speak blasphemous words against Moses and God." Ipapo vakakurudzira vamwe varume muchivande kuti vati, “Tanzwa Sitefani achitaura mashoko okumhura Mozisi naMwari.”
12 They stirred up the people, elders, and scribes; came upon him, seized him, and brought him before the council. Nokudaro vakamutsa mwoyo yavanhu navakuru uye navadzidzisi vomurayiro. Vakabata Sitefani vakamuuyisa pamberi peDare Guru.
13 They brought in false witnesses, saying, "This man never stops speaking against this holy place and the law. Vakabudisa zvapupu zvenhema, zvikati, “Munhu uyu haamboregi kutaura zvakaipa pamusoro penzvimbo tsvene ino uye napamusoro pomurayiro.
14 For we heard him say this Jesus of Nazareth will destroy this place and change the customs Moses handed down to us." Nokuti takamunzwa achiti Jesu uyu weNazareta achaparadza nzvimbo ino uye agoshandura tsika dzatakapiwa naMozisi.”
15 Everyone sitting in the council stared at him and saw his face was like an angel's face. Vose vakanga vagere muDare Guru vakatarisisa Sitefani vakaona kuti chiso chake chakanga chaita sechiso chomutumwa.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]