1Then the high priest asked, "Are these things true?"OSCBIpapo muprista mukuru akamubvunza akati, “Izvi zvauri kupomerwa ndezvechokwadi here?”
2Stephen said, "Brothers and fathers, listen: Our Father of glory appeared to our father Abraham in Mesopotamia, before he lived in Haran,OSCBIye akapindura achiti, “Hama dzangu nemi madzibaba, nditeererei! Mwari wokubwinya akazviratidza kuna baba vedu Abhurahama paakanga achiri kuMesopotamia, asati agara muHarani.
3and told him, 'Leave your land and relatives, and go to the land I'll show you.'OSCBMwari akati kwaari, ‘Ibva munyika yako nokuhama dzako, uende kunyika yandichakuratidza.’
4He left the Babylonians' land and settled in Haran. After his father died, our Father moved him from there into this land you now live in.OSCB“Saka akabva munyika yavaKaradhea akandogara muHarani. Shure kwokufa kwababa vake, Mwari akamutuma munyika ino yamugere zvino.
5He gave him no inheritance in it, not even a foot of ground—yet promised it to him and his descendants after him as a possession, though he had no child.OSCBHaana kumupa nhaka imomo, kunyange paangatsika norutsoka rwake. Asi Mwari akamuvimbisa kuti iye nezvizvarwa zvake zvaimutevera vaizotora nyika ino, kunyange panguva iyoyo Abhurahama akanga asina mwana.
6And our Father said his offspring would be foreigners in a land not their own, enslaved and mistreated 400 years.OSCBMwari akataura naye achiti, ‘Zvizvarwa zvako zvichava vatorwa munyika isiri yavo, uye vachaitwa varanda vagotambudzwa kwamakore mazana mana.
7'I will judge the nation they serve,' our Father said, 'and after, they will come out and worship me in this place.'OSCBAsi ndicharanga rudzi rwavachashandira senhapwa,’ ndizvo zvakataurwa naMwari, ‘uye shure kwaizvozvo vachabuda munyika iyoyo vagondishumira panzvimbo ino.’
8He gave him the covenant of circumcision. Abraham fathered Isaac and circumcised him on the eighth day; Isaac fathered Jacob, and Jacob the twelve ancestors.OSCBIpapo akapa Abhurahama sungano yokudzingiswa. Abhurahama akabereka Isaka akamudzingisa zuva rorusere shure kwokuberekwa kwake. Shure kwaizvozvo Isaka akabereka Jakobho, uye Jakobho akabereka madzitateguru ane gumi navaviri.
9The ancestors, jealous of Joseph, sold him into Egypt, but our Father was with him,OSCB“Nokuti madzitateguru akaitira godo Josefa, vakamutengesa senhapwa kuIjipiti. Asi Mwari akanga anaye
10and rescued him from all his troubles, gave him favor and wisdom before Pharaoh king of Egypt, who made him ruler over Egypt and Pharaoh's whole household.OSCBakamununura kubva pamatambudziko ake ose. Akapa Josefa uchenjeri uye akaita kuti adikanwe naFaro mambo weIjipiti; saka akamuita mutongi weIjipiti nomuzinda wake wose.
11A famine and great suffering struck all Egypt and Canaan, and our fathers found no food.OSCB“Zvino nzara yakasvika muIjipiti yose neKenani, kukava nokutambudzika kukuru, uye madzibaba edu akashayiwa zvokudya.
12Hearing there was grain in Egypt, Jacob sent our fathers there first.OSCBJakobho akati anzwa kuti kuIjipiti kwaiva nezviyo, akatuma madzibaba edu parwendo rwavo rwokutanga.
13On the second visit, Joseph made himself known to his brothers, and Pharaoh learned of Joseph's family.OSCBParwendo rwavo rwechipiri, Josefa akaudza madzikoma ake kuti iye aiva ani uye Faro akanzwa nezvemhuri yaJosefa.
14And Joseph sent for his father Jacob and all his relatives, seventy-five persons in all.OSCBShure kwaizvozvo, Josefa akatuma shoko kuti baba vake Jakobho, nemhuri yavo yose, vanhu makumi manomwe navashanu pamwe chete, vauye.
15And Jacob went down into Egypt, and he died, he and our fathers.OSCBIpapo Jakobho akaburuka akaenda kuIjipiti, uko kwaakandofira iye namadzibaba edu.
16They were taken back to Shechem, and buried in the tomb Abraham had bought for silver from Hamor's sons in Shechem.OSCBMitumbi yavo yakatakurwa ikaendeswa kuShekemu vakavigwa muguva rakanga ratengwa naAbhurahama kubva kuvanakomana vaHamori, paShekemu, nomutengo wemari yakati kuti.
17As the time of the promise our Father gave Abraham neared, the people grew and multiplied in Egypt,OSCB“Nguva yakati yaswedera yokuti Mwari azadzise chipikirwa chake kuna Abhurahama, uwandu hwavanhu vedu muIjipiti hwakawedzerwa zvikuru.
18until there arose over Egypt another king who did not know Joseph.OSCBIpapo mumwe mambo, akanga asingazivi nezvaJosefa, akava mutongi weIjipiti.
19This king exploited our people and mistreated our fathers, forcing them to abandon their infants to die.OSCBAkabata vanhu vedu zvakaipa akadzvinyirira madzitateguru edu achivamanikidza kuti varase vana vachangoberekwa kuitira kuti vagofa.
20At that time Moses was born, beautiful in our Father's sight. He was raised three months in his father's house.OSCB“Panguva iyoyo Mozisi akaberekwa, uye akanga asiri mwanawo zvake. Akachengetwa mumba mababa vake kwemwedzi mitatu.
21And when he was abandoned, Pharaoh's daughter adopted him and brought him up as her own son.OSCBPaakasiyiwa kunze, mwanasikana waFaro akamutora akamurera somwanakomana wake.
22Moses was trained in all Egyptian wisdom, and was strong in speech and action.OSCBMozisi akadzidziswa uchenjeri hwose hweIjipiti uye aigona kwazvo kutaura nokuita zvinhu.
23When he was forty years old, he decided to visit his brothers, the sons of Israel.OSCB“Mozisi paakanga ava namakore makumi mana okuberekwa, akafunga zvokundoshanyira hama dzake ivo vaIsraeri.
24Seeing one of them wronged, he defended the oppressed man and avenged him by striking down the Egyptian.OSCBAkaona mumwe wavo achitambudzwa nomuIjipita, saka akasvika akamurwira akatsiva nokuuraya muIjipita uya.
25He thought his brothers would understand our Father was giving them salvation through his hand, but they didn't understand.OSCBMozisi akafunga kuti vanhu vake vachaziva kuti Mwari ainge achimushandisa kuti avanunure, asi ivo havana kuzviziva.
26The next day he came upon them as they were fighting and tried to reconcile them, saying, 'Men, you are brothers. Why do you wrong each other?'OSCBFume mangwana Mozisi akasvikowana vaIsraeri vaviri vachirwa. Akaedza kuvayananisa achiti, ‘Varume, muri hama imi; munodireiko kukuvadzana?’
27But the man wronging his neighbor shoved Moses aside, saying, 'Who made you ruler and judge over us?OSCB“Asi murume uya akanga achitambudza mumwe akasundidzira Mozisi padivi akati, ‘Ndianiko akakuita mubati nomutongi wedu?
28Do you want to kill me as you killed the Egyptian yesterday?'OSCBUnoda kundiuraya sokuuraya kwawakaita muIjipita nezuro?’
29At this word, Moses fled and lived as a foreigner in the land of Midian, where he fathered two sons.OSCBMozisi paakanzwa izvozvo, akatiza akaenda kuMidhiani, uko kwaakandogara ari mutorwa uye akabereka vanakomana vaviri.
30Forty years later, an angel appeared to him in the wilderness of Mount Sinai, in a burning bush's flame.OSCB“Makore makumi mana akati apfuura, mutumwa akazviratidza kuna Mozisi ari mumurazvo womoto mugwenzi, mugwenga raiva pedyo neGomo reSinai.
31Moses saw it and was amazed; as he approached to look closer, our Father's voice came:OSCBPaakaona chinhu ichi, akashamiswa nezvaakaona. Akati achiswedera kuti anyatsoona, akanzwa inzwi raIshe richiti,
32'I am the God of your fathers—the God of Abraham, Isaac, and Jacob.' Moses trembled, not daring to look.OSCB‘Ndini Mwari wamadzibaba ako, Mwari waAbhurahama, Isaka naJakobho.’ Mozisi akadedera nokutya akatadza kana kutarisa.
33Then our Father told him, 'Take the sandals off your feet, for the place you're standing on is holy ground.'OSCB“Ipapo Jehovha akati kwaari, ‘Bvisa shangu dzako; nokuti nzvimbo yaumire pairi itsvene.
34I have indeed seen my people's suffering in Egypt, heard their groaning, and come down to rescue them. Now go—I'm sending you to Egypt.OSCBZvirokwazvo ndaona kudzvinyirirwa kwavanhu vangu muIjipiti. Ndanzwa kugomera kwavo, saka ndaburuka kuti ndizovasunungura. Zvino uya, ndinoda kukutuma udzokere kuIjipiti.’
35This Moses, whom they rejected, saying, 'Who made you ruler and judge?'—this is the one our Father sent as both ruler and redeemer, through the hand of the angel who appeared to him in the bush.OSCB“Ndiye Mozisi uya wavakanga varamba namashoko okuti, ‘Ndianiko akakuita mubati nomutongi wedu?’ Ndiye akatumwa naMwari pachake kuti ave mubati nomusununguri wavo, kubudikidza nomutumwa akazviratidza kwaari mugwenzi.
36This man led them out, doing wonders and signs in the land of Egypt, at the Red Sea, and in the wilderness for forty years.OSCBNdiye akavabudisa muIjipiti uye akaita zvishamiso nezviratidzo muIjipiti, paGungwa Dzvuku uye kwamakore makumi mana murenje.
37This is the Moses who told Israel's sons, 'Our Father will raise up a prophet like me for you, from your brothers.'OSCB“Ndiye Mozisi uya akaudza vaIsraeri kuti, ‘Mwari achakutumirai muprofita akaita seni anobva muvanhu venyu chaivo.’
38This is the one who was in the wilderness assembly with the angel speaking to him at Mount Sinai, and with our fathers—he received living words to give us.OSCBAkanga ari muungano yaiva murenje, pamwe chete nomutumwa akataura kwaari paGomo reSinai, uye namadzibaba edu; uye akagamuchira mashoko mapenyu kuti azoasvitsa kwatiri.
39Our fathers refused to obey him; they rejected him and in their hearts turned back to Egypt,OSCB“Asi madzibaba edu akaramba kumuteerera. Vakamuramba uye mumwoyo yavo vakadzokerazve kuIjipiti.
40telling Aaron, 'Make us gods to go ahead of us. As for this Moses who led us out of the land of Egypt, we don't know what happened to him.'OSCBVakati kuna Aroni, ‘Tiitire vamwari vachatitungamirira. Kana ari Mozisi uyu akatibudisa muIjipiti, hatizivi zvakamuwira!
41They made a calf in those days, offered a sacrifice to the idol, and celebrated what their hands had made.OSCBNdiyo nguva yavakaumba chifananidzo chakaita semhuru. Vakauya nezvibayiro kwachiri vakachipemberera vachikudza chinhu chakaitwa namaoko avo.
42But our Father turned away, giving them over to worship the host of heaven, as written in the prophets' book: 'Did you bring me slaughtered animals and sacrifices for forty years in the wilderness, house of Israel?OSCBAsi Mwari akavafuratira akavasiya kuti vanamate hondo dzokudenga, sezvazvakanyorwa mubhuku ravaprofita zvichinzi: “ ‘Makandivigira zvibayiro nezvipo makore makumi mana murenje here, imi imba yaIsraeri?
43You carried Moloch's tent and your god Rephan's star, the idols you fashioned to worship them; so I will banish you far beyond Babylon.'OSCBMakatakura tabhenakeri yaMoreki nenyeredzi yamwari wenyu Refani, zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate. Naizvozvo ndichakuendesai kuutapwa’ mberi kweBhabhironi.
44Our ancestors had the tent of witness in the wilderness, as he who spoke to Moses directed him to make it, matching the pattern he'd seen.OSCB“Madzitateguru edu akanga ane tabhenakeri yeChipupuriro pakati pavo murenje. Yakanga yakagadzirwa sokurayirwa kwakanga kwaitwa Mozisi naMwari, maererano nomufananidzo waakanga aona.
45Our fathers in turn brought it in with Joshua when they dispossessed the nations that our Father drove out before them. So it was until the days of David,OSCBVakagamuchira tabhenakeri, vachitungamirirwa naJoshua, madzibaba edu akauya pamwe chete nayo paya pavakatora nyika kubva kundudzi dzakanga dzadzingwa pamberi pavo naMwari. Tabhenakeri yakagara munyika iyo kusvikira panguva yaDhavhidhi,
46who found favor with our Father and asked to find a dwelling place for our Father.OSCBuyo akaitirwa zvakanaka naMwari uye akakumbira kuti avakire Mwari waJakobho nzvimbo yokugara.
47But it was Solomon who built a house for him.OSCBAsi Soromoni ndiye akazomuvakira imba.
48Yet the Most High does not live in houses made by human hands, as the prophet says:OSCB“Kunyange zvakadaro, Wokumusoro-soro haagari mudzimba dzakavakwa navanhu. Sezvinorehwa nomuprofita achiti:
49'Heaven is my throne, and the earth is my footstool. What kind of house will you build for me, says our Father, or what is the place of my rest?OSCB“ ‘Denga ndicho chigaro changu choushe uye nyika ndiyo chitsiko chetsoka dzangu. Ko, muchandivakira imba yakaita sei? ndizvo zvinotaura Ishe. Kana kuti nzvimbo yangu yokuzorora ichava kupiko?
50Did not my hand make all these things?'OSCBKo, ruoko rwangu haruna kuita izvozvi zvose here?’
51"You stubborn people, uncircumcised in heart and ears, always resist the Holy Spirit—like your fathers, so do you.OSCB“Imi vanhu vemitsipa mikukutu, vane mwoyo nenzeve dzisina kudzingiswa! Makangoita samadzibaba enyu: Munogara muchidzivisa Mweya Mutsvene!
52Which of the prophets did your fathers not persecute? They killed those who announced beforehand the Righteous One's coming—whom you have now betrayed and murdered.OSCBKwakambova nomuprofita asina kutambudzwa namadzibaba enyu here? Vakauraya kunyange vaya vakaprofita kuuya kwaIye Oga Akarurama. Uye zvino makamupandukira mukamuuraya,
53You who received the law through angels and yet did not keep it."OSCBiyemi makagamuchira murayiro wamakapiwa kubudikidza navatumwa, asi mukasauteerera.”
54Now when they heard these things they were enraged, and they ground their teeth at him.OSCBVakati vanzwa izvi, vakashatirwa zvikuru uye vakamurumanyira meno avo.
55But Stephen, full of the Holy Spirit, looked into heaven, saw the glory of our Father, and Jesus standing at the right hand of our Father.OSCBAsi Sitefani, azere noMweya Mutsvene, akatarisa kudenga akaona kubwinya kwaMwari, uye Jesu amire kuruoko rworudyi rwaMwari.
56And he said, "Look, I see the heavens opened and the Son of Man standing at our Father's right hand."OSCBAkati, “Tarirai, ndinoona denga razaruka uye Mwanakomana woMunhu amire kuruoko rworudyi rwaMwari.”
57But they cried out with a loud voice, covered their ears, and rushed at him.OSCBPavakanzwa izvi vakadzivira nzeve dzavo vakamhanyira kwaari vose, vachidanidzira namanzwi ari pamusoro-soro,
58They threw him out of the city and stoned him. The witnesses laid their coats at the feet of a young man named Saul.OSCBvakamuzvuzvurudzira kunze kweguta vakatanga kumutaka namabwe. Uye, vaya vaiva zvapupu vakandoisa nguo dzavo patsoka dzejaya rainzi Sauro.
59And as they were stoning him, Stephen called out, "Lord Jesus, receive my spirit."OSCBVachiri kumutaka namabwe, Sitefani akanyengetera, akati, “Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu.”
60Kneeling, he cried out loudly, "Lord, do not hold this sin against them." Then he fell asleep.OSCBIpapo akapfugama namabvi ake akadanidzira achiti, “Ishe, musavapa mhosva yechivi ichi.” Akati ataura izvi, akavata.