Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Acts 8 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Saul approved of Stephen's killing. That day a great persecution erupted against the Jerusalem church, scattering everyone except the apostles through Judea and Samaria. Uye Sauro akanga aripo achibvumirana nokufa kwake. Nomusi uyo kutambudzwa kukuru kwakatanga pakereke yepaJerusarema, uye vose vakaparadzirwa muJudhea rose nomuSamaria, kukasara vapostori chete.
2 Devout men buried Stephen and mourned loudly over him. Varume vaitya Mwari vakaviga Sitefani uye vakamuchema zvikuru.
3 But Saul was destroying the church, entering house after house, dragging off men and women, throwing them in prison. Asi Sauro akatanga kuparadza kereke. Achipinda muimba neimba, akazvuzvurudza varume navakadzi achivaisa mutorongo.
4 So those scattered went everywhere, proclaiming the good news of the word. Vaya vakanga vaparadzirwa vakaparidza shoko kwose kwose kwavaienda.
5 Philip went down to the city of Samaria and proclaimed Christ to them. Firipi akaburuka akaenda kuguta raiva muSamaria akaparidza Kristu ikoko.
6 The crowds paid attention together to Philip's words, hearing and seeing the signs he did. Vanhu vazhinji vakati vanzwa Firipi uye vakaona zviratidzo zvaakaita, vose vakanyatsoteerera kune zvaaitaura.
7 Unclean spirits came out of many who were possessed, screaming loudly, and many paralyzed and lame were healed. Nokuti mweya yetsvina yakabuda muvanhu ichidanidzira nenzwi guru, uye vazhinji vakanga vakaoma mitezo navakanga vakaremara vakaporeswa.
8 So there was great joy in that city. Nokudaro kwakava nomufaro mukuru muguta iro.
9 A man named Simon had already practiced magic in that city, amazing Samaria's people and claiming to be someone great. Zvino kwechinguva mumwe murume ainzi Simoni akanga aita unʼanga muguta uye akashamisa vanhu vose veSamaria. Aizvirumbidza achiti iye akanga ari munhu mukuru,
10 Everyone, from least to greatest, listened to him, saying, "This man is God's power, called Great." uye vanhu vose kubva kuna vakakwirira kusvikira kuna vari pasi pasi, vaimuteerera vachiti, “Munhu uyu ndiye simba guru raMwari.”
11 They paid attention to him because for a long time he had amazed them with his magic. Vaimutevera nokuti akanga avashamisa kwenguva refu namashiripiti ake.
12 But when they believed Philip's good news about the kingdom of our Father and the name of Jesus Christ, men and women were baptized. Asi vakati vatenda Firipi sezvo aiparidza vhangeri roumambo hwaMwari nezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa, vose varume navakadzi.
13 Simon himself believed, was baptized, and stayed close to Philip, amazed at the signs and great miracles he saw. Simoni pachake akatenda uye akabhabhatidzwa. Uye akatevera Firipi kwose kwose, achikatyamadzwa nezviratidzo zvikuru zvaakaona.
14 When the apostles in Jerusalem heard Samaria had received our Father's word, they sent Peter and John to them. Vapostori vaiva muJerusarema vakati vanzwa kuti vaSamaria vagamuchira shoko raMwari, vakatumira Petro naJohani kwavari.
15 When they arrived, they prayed for them that they might receive the Holy Spirit, Vakati vasvika, vakavanyengeterera kuti vagamuchire Mweya Mutsvene,
16 for the Holy Spirit had not yet fallen on any of them; they were only baptized into the name of the Lord Jesus. nokuti Mweya Mutsvene akanga asati auya pamusoro paani zvake wavo; vakanga vangobhabhatidzwa muzita raIshe Jesu.
17 Then they laid their hands on them, and they received the Holy Spirit. Ipapo Petro naJohani vakaisa maoko pamusoro pavo, vakagamuchira Mweya Mutsvene.
18 When Simon saw the Spirit given through the apostles' laying on of hands, he offered them money, Simoni akati aona kuti Mweya Mutsvene waipiwa nokuiswa kwamaoko avapostori, akavapa mari
19 saying, "Give me this power too, so whoever I lay hands on receives the Holy Spirit." akati, “Ndipeiwo simba iri kuti munhu wose wandichaisa maoko pamusoro agamuchire Mweya Mutsvene.”
20 Peter said to him, "May your silver perish with you, since you thought you could buy our Father's gift with money! Petro akapindura akati, “Mari yako ngaiparare pamwe chete newe, nokuti wafunga kuti ungatenga chipo chaMwari nemari!
21 You have no part or share in this matter, for your heart is not right before our Father. Iwe hauna chikamu kana mugove muushumiri uhu, nokuti mwoyo wako hauna kunaka pamberi paMwari.
22 So turn from this evil, and pray to our Father that, if possible, your heart's intent may be forgiven you. Tendeuka ubve pakuipa uku uye unyengetere kuna She. Zvimwe achakukanganwira pakuva nepfungwa yakadai mumwoyo mako.
23 I see you poisoned by bitterness and bound by evil." Nokuti ndinoona kuti iwe uzere nduru inovava uye wakasungwa nechivi.”
24 Simon answered, "Pray to God for me, that nothing you have said may come upon me." Ipapo Simoni akapindura akati, “Ndinyengetererei kuna She kuti zvose zvamataura zvirege kuitika kwandiri.”
25 So, having testified and spoken our Lord Jesus's word, they returned to Jerusalem, preaching the good news in many Samaritan villages. Vakati vapupura uye vakaparidza shoko raShe, Petro naJohani vakadzokera kuJerusarema, vachiparidza vhangeri mumisha yakawanda yomuSamaria.
26 Then an angel of our Father told Philip, "Get up and go south to the road going down from Jerusalem to Gaza"—a desert road. Zvino mutumwa waShe akati kuna Firipi, “Buruka uende zasi kumugwagwa, wokugwenga, unoburuka uchibva kuJerusarema uchienda kuGaza.”
27 He got up and went. There was an Ethiopian eunuch, a court official of Candace, queen of the Ethiopians, in charge of all her treasury, who had come to Jerusalem to worship, Saka akasimuka akapinda munzira uye akasangana nomuyunaki wechiEtiopia, muchinda mukuru aichengeta pfuma yaKandase, mambokadzi weEtiopia. Murume uyu akanga aenda kundonamata kuJerusarema,
28 and was returning, seated in his chariot and reading the prophet Isaiah. uye pakudzoka kwake kumusha akanga agere mungoro achiverenga bhuku raIsaya muprofita.
29 And the Holy Spirit said to Philip, "Go over and catch up with that chariot." Mweya Mutsvene akati kuna Firipi, “Enda kungoro iyo, uswedere pedyo nayo.”
30 Philip ran up, heard him reading the prophet Isaiah, and asked, "Do you understand what you're reading?" Ipapo Firipi akamhanya achienda kungoro akanzwa murume uya achiverenga kubva kuna Isaya muprofita. Firipi akati kwaari, “Uri kunzwisisa zvauri kuverenga here?”
31 He said, "How can I, unless someone guides me?" and invited Philip up to sit with him. Iye akati, “Ndinganzwisisa seiko kana pasina munhu anonditsanangurira?” Saka akadana Firipi kuti akwire mungoro agare nayemo.
32 Now the passage of Scripture he was reading was this: "Like a sheep he was led to the slaughter, and like a lamb silent before its shearer, so he did not open his mouth. Muyunaki uyu aiverenga chitsauko ichi choRugwaro: “Akatungamirirwa segwai raindobayiwa, uye segwayana rinyerere pamberi pomuveuri, saka haana kushamisa muromo wake.
33 In his humiliation justice was denied him. Who can describe his generation? For his life is taken away from the earth." Mukuninipiswa kwake akashayiwa kururamisirwa. Ndianiko angataura nezvezvizvarwa zvake? Nokuti upenyu hwake hwakabviswa panyika.”
34 The eunuch said to Philip, "Tell me, of whom does the prophet say this—himself, or someone else?" Muyunaki uyu akabvunza Firipi akati, “Ndapota, ndiudze, muprofita ari kutaura pamusoro paaniko, anozvireva iye kana mumwe munhuwo?”
35 Philip opened his mouth and, starting from this Scripture, told him the good news about Jesus. Ipapo Firipi akatanga nechitsauko ichocho choRugwaro akamuparidzira vhangeri raJesu.
36 Traveling the road, they reached water, and the eunuch said, "Look, water! What stops me from being baptized?" Zvavakanga vachifamba nomugwagwa, vakasvika pakanga pane mvura saka muyunaki akati, “Tarirai, heino mvura. Chingandikonesa kubhabhatidzwa chiiko?”
37 Not in this edition Uye Firipi akati, “Kana uchitenda nomwoyo wako wose, zvinogoneka.” Iye akapindura akati, “Ndinotenda kuti Jesu Kristu ndiye Mwanakomana waMwari.”
38 He ordered the chariot to stop; both went down into the water, Philip and the eunuch, and Philip baptized him. Akarayira kuti ngoro imiswe. Ipapo vose vari vaviri, Firipi nomuyunaki vakapinda mumvura, Firipi akamubhabhatidza.
39 When they came up out of the water, the Spirit of our Father snatched Philip away; the eunuch never saw him again, but went on his way rejoicing. Vakati vabuda mumvura, Mweya waShe wakatora Firipi pakarepo, uye muyunaki haana kuzomuonazve, asi akafamba munzira yake achifara kwazvo.
40 Philip found himself at Azotus. He traveled through, announcing the good news in every town until he reached Caesarea. Zvakadaro hazvo, Firipi akazoonekwa paAzotasi uye akafamba achiparidza vhangeri mumaguta ose kusvikira asvika kuKesaria.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]