Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Samuel 17 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Then Ahithophel said to Absalom, "Let me pick 12,000 men and set out tonight after David. Ahitoferi akati kuna Abhusaromu, “Regai ndisarudze varume zviuru gumi nezviviri ndigosimuka usiku huno nditevere Dhavhidhi.
2 I will attack him while he is weary and weak, panic him, and all his people will flee; then I will strike down only the king. Uye ndichamurwisa achakaneta uye asina simba. Ndichamutyisidzira, uye ipapo vanhu vose vaanavo vachatiza. Ndichauraya mambo chete.
3 I will bring all the people back to you. The one man you seek—his death means everyone returns, and all the people will be at peace." Ndichadzosera vanhu vose kwamuri. Kufa kwomunhu wamunotsvaka kuchareva kudzoka kwavose; ipapo vanhu vose vachava norugare.”
4 This plan seemed good to Absalom and all the elders of Israel. Shoko iri rakafadza Abhusaromu navakuru vose veIsraeri.
5 Absalom said, "Call Hushai the Archite too, and let's hear what he also says." Asi Abhusaromu akati, “Danaiwo Hushai muAriki, kuti tigonzwa kuti anoti kudii.”
6 When Hushai came to him, Absalom said, "Ahithophel advised this. Should we do what he says? If not, you speak." Hushai akati asvika kwaari, Abhusaromu akati, “Ahitoferi apa zano iri. Toita zvaareva here? Kana zvisizvo, tipewo pfungwa yako.”
7 Hushai said to Absalom, "The counsel Ahithophel has given is not good this time. Hushai akapindura Abhusaromu akati, “Zano ramapiwa naAhitoferi harina kunaka panguva ino.
8 Hushai added, "You know your father and his men—fierce warriors, like a bear robbed of her cubs in the field. Your father is a seasoned fighter; he won't sleep with the troops." Munoziva baba venyu navanhu vavo; varwi, uye vanotyisa kunge bere rabvutirwa vana varo. Pamusoro pezvo, baba venyu murwi ano ruzivo; havangavati namauto usiku.
9 Even now he's hidden in a pit or elsewhere. If some of your men fall first, whoever hears will say, 'Absalom's men have been slaughtered!' Kunyange izvozvi vakavanda mubako kana pane imwe nzvimbo. Kana vakatanga kurwa navarwi venyu, ani naani anonzwa nezvazvo achati, ‘Pakati pavarwi vanotevera Abhusaromu paurayiwa vanhu.’
10 Then even the bravest, whose heart is a lion's heart, will melt with fear, for all Israel knows your father is a warrior and those with him are brave. Ipapo kunyange murwi akashinga kwazvo, ane mwoyo wakaita soweshumba, achati rukutu nokutya, nokuti vaIsraeri vose vanoziva kuti baba venyu murwi uye kuti vose vavanavo vakashinga.
11 So here is my counsel: gather all Israel to you, from Dan to Beersheba, as many as the sand by the sea, and go into battle yourself. “Saka zano rangu nderiri: VaIsraeri vose, kubva kuDhani kusvikira kuBheerishebha, vakawanda sejecha rokumhenderekedzo dzegungwa, ngavaungane kwamuri, iyemi pachenyu muchivatungamirira kundorwa.
12 We'll reach him wherever he is, settle on him like dew on the ground, and leave alive neither him nor any of his men. Ipapo tichavarwisa kwose kwavanenge vari, uye tichawira paari sedova rinowira pasi. Hakuna kana mumwe wavo zvake achasara ari mupenyu.
13 If he pulls back into a city, all Israel will bring ropes there, and we will drag it into the valley until not a pebble is left." Kana akadzokera muguta, ipapo vaIsraeri vose vachauya namabote kuguta iroro, uye ticharizvuzvurudzira pasi kumupata kusvikira pasisina kunyange nechimedu charo chingawanikwa.”
14 Absalom and all the men of Israel said, "Hushai the Archite's counsel is better than Ahithophel's." For our Father had determined to defeat Ahithophel's good counsel, so our Father could bring disaster on Absalom. Abhusaromu navarume vose veIsraeri vakati, “Zano raHushai muAriki riri nani pane raAhitoferi.” Nokuti Jehovha aida kukonesa zano rakanaka raAhitoferi kuitira kuti auyise njodzi pamusoro paAbhusaromu.
15 Hushai told the priests Zadok and Abiathar, "This is what Ahithophel advised Absalom and Israel's elders, and this is what I advised. Ipapo Hushai akati kuna Zadhoki naAbhiatari, vaprista, “Ahitoferi arayira Abhusaromu navakuru veIsraeri kuti vaite ichi nechocho.
16 Now send word quickly to David: 'Don't stay tonight at the wilderness fords; cross over without fail, or the king and all the people with him will be swallowed up.'" Zvino chituma shoko nokukurumidza uye uudze Dhavhidhi kuti, ‘Musavata pamazambuko omurenje usiku huno; yambukai musamborega, nokuti mambo navanhu vose vaanavo vangamedzwa.’ ”
17 Jonathan and Ahimaaz waited at En-rogel; a servant girl would go and tell them, and they would go and tell King David, for they could not be seen entering the city. Jonatani naAhimaazi vakanga vachigara paEni Rogeri uye mumwe murandakadzi ndiye aifanira kundovazivisa, uye ivo vachienda kundoudza Mambo Dhavhidhi, nokuti havazaifanira kuonekwa vachipinda muguta.
18 But a young man saw them and told Absalom. So the two hurried off and reached a man's house at Bahurim, who had a well in his courtyard, and they climbed down into it. Asi mumwe mujaya akavaona ndokubva andoudza Abhusaromu. Saka vaviri ava vakabva nokukurumidza vakaenda kumba yomumwe murume aiva muBhahurimi. Akanga ane tsime muruvazhe, uye vakapinda mariri.
19 The man's wife spread a covering over the well's mouth and scattered grain on it, so nothing was noticed. Mukadzi wake akatora chifukidzo akachiwaridza pamusoro pomuromo wetsime uye akayanika zviyo pamusoro pacho. Hakuna akaziva chinhu pamusoro pazvo.
20 When Absalom's servants came to the woman at the house, they asked, "Where are Ahimaaz and Jonathan?" She said, "They crossed the brook." The men searched, found no one, and returned to Jerusalem. Varume vokwaAbhusaromu vakati vasvika kumukadzi akanga ari pamba, vakabvunza vakati, “VanaAhimaazi naJonatani varipi?” Mukadzi akati kwavari, “Vayambuka rukova.” Varume vakatsvaka asi havana munhu wavakawana, saka vakadzokera kuJerusarema.
21 After they left, the two climbed out of the well and went and reported to King David. They said to him, "Get up and cross the water quickly, for Ahithophel has plotted this against you." Shure kwokunge varume ava vaenda, vaviri vaya vakakwira vakabuda mutsime uye vakaenda kundozivisa Mambo Dhavhidhi izvozvo. Vakati kwaari, “Simukai izvozvi muyambuke rwizi urwu; Ahitoferi apa zano rokuti nerokuti pamusoro penyu.”
22 So David and everyone with him got up and crossed the Jordan. By daybreak not one was left who had not crossed it. Saka Dhavhidhi navanhu vose vakanga vanaye vakasimuka vakayambuka Jorodhani. Kuchiedza, hapana akanga asara asati ayambuka Jorodhani.
23 When Ahithophel saw his advice was not followed, he saddled his donkey and went home to his town. He set his house in order, then hanged himself. He died and was buried in his father's tomb. Ahitoferi akati aona kuti zano rake rakanga risina kutevedzwa, akaisa chigaro pambongoro yake akaenda kumba kwake muguta rokwake. Akaronga zvose zveimba yake ndokubva azvisungirira. Saka akafa uye akavigwa muhwiro rababa vake.
24 David came to Mahanaim, while Absalom crossed the Jordan with all the men of Israel beside him. Dhavhidhi akaenda kuMahanaimi, uye Abhusaromu akayambuka Jorodhani navarume vose veIsraeri.
25 Absalom had set Amasa over the army instead of Joab. Amasa's father was Ithra the Israelite, who had married Abigail daughter of Nahash, sister of Zeruiah, Joab's mother. Abhusaromu akanga agadza Amasa kuti ave mutungamiri wehondo pachinzvimbo chaJoabhu. Amasa akanga ari mwanakomana womumwe murume ainzi Jeteri, muIsraeri akanga awana Abhigairi, mwanasikana waNahashi uye ari mununʼuna waZeruya mai vaJoabhu.
26 Israel and Absalom camped in the land of Gilead. VaIsraeri naAbhusaromu vakadzika misasa yavo munyika yeGireadhi.
27 When David reached Mahanaim, Shobi son of Nahash from Rabbah of the Ammonites, Machir son of Ammiel from Lo-debar, and Barzillai the Gileadite from Rogelim, Dhavhidhi akati asvika kuMahanaimi, Shobhi mwanakomana waNahashi aibva kuRabha ravaAmoni, naMakiri mwanakomana waAmieri weRo Dhebha, uye Bhazirai muGireadhi wokuRogerimi
28 brought beds, basins, and pottery, along with wheat, barley, flour, roasted grain, beans, lentils, vakauya nenhoo nembiya nemidziyo yevhu. Vakauyawo negorosi nebhari, upfu hwakatsetseka nezviyo zvakakangwa, nyimo nenyemba,
29 honey, curds, sheep, and cheese from the herd for David and his people to eat, for they said, "The people are hungry, tired, and thirsty in the wilderness." uchi namafuta, makwai uye noruomba rwaibva mumukaka wemhou, kuti Dhavhidhi navanhu vake vadye. Nokuti vakati, “Vanhu vava nenzara, vaneta uye vava nenyota murenje.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]