Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Samuel 16 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 When David had passed a little beyond the summit, Ziba, Mephibosheth's servant, met him with a pair of saddled donkeys carrying 200 loaves, one hundred raisin clusters, one hundred summer fruits, and a skin of wine. Dhavhidhi akati afamba chinhambwe chiduku pamusoro pegomo, akaona Zibha, muranda waMefibhosheti akamumirira. Akanga ane mbongoro mbiri dzakanga dzakatakudzwa mazana maviri ezvingwa, nezana ramakeke amaonde nedende rewaini.
2 The king asked Ziba, "Why have you brought these?" Ziba said, "The donkeys for the king's household to ride, the bread and summer fruit for the young men to eat, the wine for whoever grows faint in the wilderness to drink." Mambo akabvunza Zibha akati, “Ko, wauyirei nezvinhu izvi?” Zibha akapindura akati, “Mbongoro ndedzeveimba yamambo kuti vatasve, zvingwa nemichero ndezvavarume kuti vadye, uye waini ndeyokupedza nyota yeavo vanga vaneta nokuda kwerenje.”
3 The king asked, "Where is your master's son?" Ziba answered, "He is staying in Jerusalem, for he said, 'Today the house of Israel will return my father's kingdom to me.'" Mambo akabvunza akati, “Ko, muzukuru watenzi wako aripi?” Zibha akati kwaari, “Ari kugara muJerusarema, nokuti anoti iye, ‘Nhasi veimba yaIsraeri vachandidzorera umambo hwasekuru vangu.’ ”
4 The king told Ziba, "Everything Mephibosheth owned is now yours." Ziba said, "I bow before you. May I find favor with you, my lord the king." Ipapo mambo akati kuna Zibha, “Tarira, zvose zvanga zviri zvaMefibhosheti zvava zvako.” Zibha akati, “Ndinozvideredza. Dai ndawana nyasha pamberi penyu, ishe wangu mambo.”
5 When King David reached Bahurim, a man from Saul's family, Shimei son of Gera, came out cursing continually. Mambo Dhavhidhi paakanga ava kusvika kuBhahurimi, mumwe murume aibva kurudzi rumwe chete nemhuri yaSauro akabudamo. Zita rake ainzi Shimei mwanakomana waGera, uye aituka paaibuda.
6 He threw stones at David and all King David's servants, while all the people and all the mighty warriors were on his right and left. Akapotsera mabwe kuna Dhavhidhi namakurukota ose amambo, kunyange zvazvo varwi vose navachengeti vake vakanga vari kurudyi nokuruboshwe rwake.
7 As he cursed, Shimei said: "Get out, get out, you man of bloodshed, you worthless man! Shimei akatuka achiti, “Ibva kuno, ibva kuno, iwe munhu weropa, munhu akaipa!
8 Our Father has returned on you all the blood of Saul's house, in whose place you reigned, and our Father has given the kingdom into the hand of your son Absalom. Now you are caught in your own evil, for you are a man of blood." Jehovha akuripira ropa rose rawakadeura muimba yaSauro, uyo wawakatorera chigaro chokutonga. Jehovha apa ushe kumwanakomana wako Abhusaromu. Wasvika pakuparara nokuti uri munhu weropa!”
9 Then Abishai son of Zeruiah said to the king, "Why let this dead dog curse my lord the king? Let me go over and cut off his head." Ipapo Abhishai mwanakomana waZeruya akati kuna mambo, “Ko, iyi imbwa yakafa ingatukirei ishe mambo wangu? Regai ndiende ndinodimura musoro wake.”
10 But the king said, "What does this concern you, sons of Zeruiah? If he curses because our Father told him, 'Curse David,' who can ask, 'Why have you done this?'" Asi mambo akati, “Ko, ini nemi takafanana pakudii, imi vanakomana vaZeruya? Ko, kana achituka nokuti Jehovha ati kwaari, ‘Tuka Dhavhidhi,’ ndiani angati, ‘Ko, unoitirei izvi?’ ”
11 David told Abishai and all his servants, "My own son, from my own body, wants to kill me; how much more this Benjamite! Leave him, let him curse, for our Father told him to. Ipapo Dhavhidhi akati kuna Abhishai namakorokota ake ose, “Mwana wangu, anova wenyama yangu chaiyo, ari kuda kundiuraya. Ko, kuzoti uyu zvake, muBhenjamini! Musiyei akadaro; regai atuke, nokuti Jehovha amutuma.
12 Maybe our Father will see my misery and repay me good for today's cursing. Zvichida Jehovha angaona kutambura kwangu uye zvimwe angandiripira zvakanaka nokuda kwokutukwa kwandiri kugamuchira nhasi.”
13 David and his men went on along the road, while Shimei kept pace on the hillside opposite, cursing as he went, throwing stones at him and flinging dust." Ipapo Dhavhidhi navanhu vake vakaramba vachifamba nenzira, Shimei paakanga achifamba ari kuno rumwe rutivi rwegomo, achituka achingoenda achipotsera matombo kwaari achimupfumburira guruva.
14 The king and all the people with him arrived weary, and there he refreshed himself. Mambo navanhu vose vaiva naye vakasvika kwavaienda vaneta. Akazororapo.
15 Meanwhile Absalom and all the people, the men of Israel, came to Jerusalem, and Ahithophel was with him. Panguva iyi, Abhusaromu navarume vose veIsraeri vakasvika muJerusarema, uye Ahitoferi aiva naye.
16 When Hushai the Archite, David's friend, came to Absalom, Hushai said to Absalom, "Long live the king! Long live the king!" Zvino Hushai muAriki, shamwari yaDhavhidhi, akaenda kuna Abhusaromu akandoti kwaari, “Mambo ngaararame nokusingaperi! Mambo ngaararame nokusingaperi!”
17 Absalom asked Hushai, "Is this your loyalty to your friend? Why didn't you go with your friend?" Abhusaromu akabvunza Hushai akati, “Urwu ndirwo rudo rwaunoratidza shamwari yako here? Sei usina kuenda neshamwari yako?”
18 Hushai said to Absalom, "No; the one our Father and this people and all Israel's men have chosen—I'll be his, and stay with him. Hushai akati kuna Abhusaromu, “Kwete, iye akasarudzwa naJehovha, navanhu ava uye navarume vose veIsraeri, ini ndichava wake, uye ndicharamba ndinaye.
19 Besides, whom should I serve? Should it not be his son? As I served your father, I'll serve you." Zvakarezve, ndingagoshandira aniko? Ko, handifaniri kushandira mwanakomana? Sezvandaishandira baba venyu, saizvozvo ndichakushandirai.”
20 Then Absalom said to Ahithophel, "Give us your counsel. What should we do?" Abhusaromu akati kuna Ahitoferi, “Tipewo zano rako. Toita sei?”
21 Ahithophel told Absalom, "Sleep with your father's concubines, whom he left to keep the house. Then all Israel will hear you've made yourself reek to your father, and everyone with you will be strengthened." Ahitoferi akapindura akati, “Vatai navarongo vababa venyu avo vakasiyiwa vakachengeta muzinda wamambo. Ipapo Israeri yose ichanzwa kuti mazviita chinhu chinonhuhwa mumhuno dzababa venyu, uye maoko avanhu vose vanokutsigirai achasimbiswa.”
22 So they pitched a tent for Absalom on the roof, and he slept with his father's concubines before all Israel. Ipapo vakamisira Abhusaromu tende pamusoro pedenga remba, uye akavata navarongo vababa vake vaIsraeri vose vachiona.
23 Back then Ahithophel's counsel was like consulting our Father directly; both David and Absalom regarded all his counsel that way. Zvino mumazuva iwayo zano raipiwa naAhitoferi raiita seromunhu anobvunza kuna Mwari. Ndizvozvo zvaifungwa naDhavhidhi pamwe chete naAbhusaromu pamusoro pamazano aipiwa naAhitoferi.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]