Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Samuel 18 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 David mustered his troops and appointed commanders of thousands and commanders of hundreds over them. Dhavhidhi akaunganidza varume vakanga vanaye uye akagadza pamusoro pavo vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana.
2 David sent out the troops: a third under Joab, a third under Abishai son of Zeruiah, Joab's brother, and a third under Ittai the Gittite. The king told the troops, "I will surely go out with you too." Dhavhidhi akatumira varwi achiita kudai: chikamu chimwe chete kubva muzvitatu chavo chichitungamirirwa naJoabhu, chimwe chikamu chimwe chete kubva muzvitatu chichitungamirirwa nomununʼuna waJoabhu ainzi Abhishai mwanakomana waZeruya, uye chikamu chimwe chete kubva muzvitatuzve chichitungamirirwa naItai muGiti. Mambo akataurira vanhu kuti, “Zvirokwazvo neni pachangu ndichafamba nemi.”
3 But the troops said, "Don't go out. If we flee, they won't care; if half of us die, they won't care. You are worth 10,000 of us. Better you stay in the city, ready to send us help." Asi vanhu vakati, “Imi hamufaniri kuenda; kana tikamanikidzirwa kutiza, havambovi nehanya nesu. Kunyange kana hafu yedu ikafa, havambovi nehanya; asi imi munokosha sesu tiri zviuru gumi. Zvingava nani zvino kuti imi mutitsigire muri muguta.”
4 The king told them, "I'll do whatever seems best to you." Then he stood at the gate as all the troops marched out by hundreds and by thousands. Mambo akati, “Ndichaita zvose zvamunoona zvakakunakirai.” Saka mambo akamira parutivi rwesuo pakanga pachifamba varume vose vachibuda namapoka amazana neezviuru.
5 The king commanded Joab, Abishai, and Ittai, "Be gentle with the young man Absalom, for my sake." All the troops heard the king commanding the commanders about Absalom. Mambo akarayira Joabhu, Abhishai naItai akati, “Munzwire henyu jaya nyasha, iye Abhusaromu nokuda kwangu.”
6 The troops went out to the field against Israel, and the battle happened in the forest of Ephraim. Varwi vakafamba vachipinda musango kuti vandorwa navaIsraeri, uye hondo yakarwiwa mudondo raEfuremu.
7 There Israel's army was defeated by David's men, and the slaughter that day was great: 20,000 men. Imomo hondo yeIsraeri yakakundwa navanhu vaDhavhidhi, uye pakava nokufa kukuru zuva iroro, varume zviuru makumi maviri vakafa.
8 The battle spread across the whole region, and the forest devoured more troops that day than the sword devoured. Kurwa kwakapararira panyika yose, uye dondo rakauraya vanhu vazhinji pazuva iro kukunda munondo.
9 Absalom encountered David's men. Riding his mule, he passed under the thick branches of a great oak, and his head caught fast in the tree. He hung between heaven and earth as the mule went on beneath him. Zvino zvakaitika kuti Abhusaromu akasangana navanhu vaDhavhidhi. Akanga akatasva nyurusi rake, uye nyurusi parakapinda napasi pamatavi makobvu omuti mukuru womuouki, musoro waAbhusaromu wakabatwa mumuti. Akasiyiwa akarembera mudenga, nyurusi raakanga akatasva rikaramba richienda.
10 A certain man saw it and told Joab, "I just saw Absalom hanging in an oak." Mumwe wavarume akati aona izvi, akati kuna Joabhu, “Ndaona Abhusaromu akarembera mumuti womuouki.”
11 Joab said to the man who told him, "So you saw him! Why then did you not strike him to the ground there? I'd have owed you ten days' wages in silver and a belt." Joabhu akati kumurume akanga amuudza izvozvo, “Watii? Wamuona? Seiko usina kumubayira pasi pakare ipapo? Ipapo ndingadai ndazokupa mashekeri gumi esirivha nebhanhire romurwi.”
12 But the man told Joab, "Even if 1,000 days' wages in silver were weighed into my palm, I wouldn't raise my hand against the king's son. For we all heard the king order you, Abishai, and Ittai, 'Protect the young man Absalom for my sake.' Asi murume uyu akati, “Kunyange dai chiuru chamashekeri chakanga chayerwa mumaoko angu, handaigona kusimudzira mwanakomana wamambo ruoko rwangu kuti ndimuuraye. Mambo akakurayirai imi, Abhishai naItai isu tichizvinzwa achiti, ‘Mudzivirire jaya Abhusaromu nokuda kwangu.’
13 Otherwise I'd have thrown away my life, for nothing is hidden from the king, and you'd have stood apart from me." Uye kana dai ndanga ndaisa upenyu hwangu panjodzi, uye hapana chakavanzika kuna mambo, imi maizomira kure neni.”
14 Joab said, "I won't waste time with you like this." He took three javelins in his hand, drove them into Absalom's heart while he was still alive, in the oak's heart. Joabhu akati, “Handinganonoki kudai nokuda kwako.” Saka akatora mapfumo matatu mumaoko ake akaanyudza mumwoyo maAbhusaromu, uye Abhusaromu achiri mupenyu mumuti womuouki.
15 And ten young men, Joab's armor-bearers, surrounded Absalom, struck him, and killed him. Uye vatakuri venhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu gumi vakakomba Abhusaromu, vakamubaya, vakamuuraya.
16 Joab blew the ram's horn, and the troops stopped chasing Israel, for Joab held them back. Ipapo Joabhu akaridza hwamanda, uye varwi vakarega kutevera vaIsraeri, nokuti Joabhu akavamisa.
17 They took Absalom, threw him into a big forest pit, and heaped a huge pile of stones over him. All Israel fled, each to his own home. Vakatora Abhusaromu vakamukanda mugomba guru raiva mudondo vakatutira murwi mukuru wamatombo pamusoro pake. Zvichakadaro, vaIsraeri vose vakatiza vakaenda kudzimba dzavo.
18 During his lifetime Absalom had set up a pillar in the King's Valley, saying, "I have no son to keep my name remembered." He named the pillar after himself, and it is called Absalom's Monument to this day. Panguva youpenyu hwake, Abhusaromu akanga atora mbiru akaimisa muMupata waMambo sechirangaridzo kwaari, nokuti akafunga akati, “Handina mwanakomana angayeuchidza vanhu zita rangu.” Akatumidza mbiru iyo zita rake, uye inonzi Mbiru Yokuyeuka Abhusaromu kusvikira nhasi.
19 Ahimaaz son of Zadok said, "Let me run and tell the king our Father has vindicated him against his enemies." Zvino Ahimaazi mwanakomana waZadhoki akati, “Regai ndimhanye neshoko kuna mambo rokuti Jehovha amurwira kubva muruoko rwavavengi vake.”
20 Joab said, "You're not the man to carry news today. You may carry news another day, but today you will carry none, for the king's son is dead." Joabhu akati, “Hausiwe unoenda neshoko nhasi. Ungaenda hako neshoko pane dzimwe nguva, asi haufaniri kuita izvozvo nhasi, nokuti mwanakomana wamambo afa.”
21 Joab said to the Cushite, "Go, tell the king what you saw." The Cushite bowed to Joab and ran. Ipapo Joabhu akati kumuEtiopia, “Chienda undoudza mambo zvawaona.” MuEtiopia akakotama pamberi paJoabhu uye akamhanya achibvapo.
22 Ahimaaz son of Zadok said to Joab again, "Come what may, please let me also run after the Cushite." Joab replied, "Why run, my son? You have no news worth a reward." Ahimaazi mwanakomana waZadhoki akatizve kuna Joabhu, “Kunyange zvakadaro hazvo, ndapota regai ndimhanye nditevere muEtiopia.” Asi Joabhu akapindura akati, “Mwanakomana wangu, unodireiko kuenda? Hauna kana shoko richakupa mubayiro.”
23 "Whatever happens," he said, "I'll run." "Run," Joab said. So Ahimaaz ran the plain route and outran the Cushite. Iye akati, “Kunyange zvakadaro hazvo, ndinoda kumhanya ini.” Saka Joabhu akati, “Mhanya!” Ipapo Ahimaazi akamhanya nomunzira yomubani akasiya muEtiopia.
24 David was sitting between the two gates. The watchman went up to the gate roof at the wall, lifted his eyes, and saw a man running alone. Dhavhidhi paakanga agere pakati pamasuo maviri, murindi akakwira pamusoro pedenga resuo reparusvingo. Akati atarisa kunze, akaona murume achimhanya ari oga.
25 The watchman called out, telling the king. The king said, "If alone, he brings news." The runner kept coming closer. Murindi akadanidzira kuna mambo akamuzivisa izvozvo. Mambo akati, “Kana ari oga, anofanira kunge ane shoko rakanaka.” Uye murume akaramba achingoswedera.
26 The watchman saw another man running and called to the gatekeeper, "Look, another man running alone!" The king said, "He too brings news." Ipapo murindi akaonazve mumwe murume achimhanya, akadanidzira kumutariri wesuo akati, “Tarira mumwe ari kumhanya ari oga!” Mambo akati, “Anofanira kunge achiuyawo neshoko rakanaka.”
27 The watchman said, "The first one runs like Ahimaaz son of Zadok." The king said, "He is a good man; he comes with good news." Murindi akati, “Ndinoona sokuti wokutanga anomhanya saAhimaazi mwanakomana waZadhoki.” Mambo akati, “Munhu akanaka iyeye. Ari kuuya namashoko akanaka.”
28 Ahimaaz called to the king, "All is well!" He bowed before the king, face to the ground, and said, "Blessed be your Father, who handed over those who rebelled against my lord the king." Ipapo Ahimaazi akadanidzira kuna mambo achiti, “Rugare!” Akakotama pamberi pamambo akatsikitsira uso hwake pasi akati, “Jehovha Mwari wenyu ngaarumbidzwe! Akaisa kwamuri varume vakanga vachisimudzira maoko avo kuti varwe naishe wangu mambo.”
29 The king asked, "Is the young man Absalom safe?" Ahimaaz answered, "When Joab sent off the king's servant and me your servant, I saw a great commotion, but I did not know what it was." Mambo akabvunza akati, “Ko, jaya Abhusaromu mupenyu here?” Ahimaazi akati, “Ndakaona kunyongana kukuru panguva iyo Joabhu akanga oda kutuma muranda wamambo uye neni, muranda wenyu, asi handina kuziva kuti chaiva chii.”
30 The king said, "Step aside and stand here." So he stepped aside and stood still. Mambo akati, “Mira parutivi uye usabva pano.” Saka akasudurukira parutivi ndokumirapo.
31 The Cushite arrived and said, "Good news, my lord the king! Today the LORD cleared you from the hand of all who rose against you." Ipapo muEtiopia akasvika akati, “Ishe wangu mambo, inzwai mashoko akanaka! Jehovha akurwirai nhasi kuna vose vakakumukirai.”
32 The king asked the Cushite, "Is the young man Absalom safe?" The Cushite answered, "May my lord the king's enemies, and all who rise against you to harm you, be like that young man." Mambo akabvunza muEtiopia akati, “Ko, mujaya Abhusaromu mupenyu here?” MuEtiopia akapindura achiti, “Vavengi vashe wangu mambo navose vanokumukirai kuti vakukuvadzei ngavave sejaya iro.”
33 The king trembled. He went up to the gate's upper room, weeping, saying as he walked: "My son Absalom! My son, my son, Absalom! If only I had died instead of you, Absalom, my son, my son!" Mambo akadedera. Akakwira kukamuri yakanga iri pamusoro pesuo akachema. Paaifamba aiti, “Haiwa mwanakomana wangu Abhusaromu! Mwanakomana wangu, mwanakomana wangu Abhusaromu! Dai chete ndafa hangu ini pachinzvimbo chako! Haiwa Abhusaromu, mwanakomana wangu, mwanakomana wangu!”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]