Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Samuel 19 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Word reached Joab: "Look, the king is weeping and mourning for Absalom." Joabhu akaudzwa kuti, “Mambo anochema nokuungudza nokuda kwaAbhusaromu.”
2 So that day the victory became mourning for all the people, because they heard that day, "The king grieves over his son." Uye kuhondo yose, kukunda kwezuva iro kwakashandurwa kukava kuchema, nokuti pazuva iro, mauto akazvinzwa zvichinzi, “Mambo anochema nokuda kwomwanakomana wake.”
3 The people crept into the city that day, like those shamed and slinking away after fleeing battle. Varume vakapinda muguta vachiverevedza savanhu vanoverevedza vachinyara nokuti vatiza kubva kuhondo.
4 The king covered his face, crying loudly, "My son Absalom! Absalom, my son, my son!" Mambo akafukidza chiso chake akachema zvikuru achiti, “Haiwa mwanakomana wangu Abhusaromu! Haiwa Abhusaromu, mwanakomana wangu, mwanakomana wangu!”
5 Joab came to the king and said, "Today you have shamed all your servants, who this day saved your life, the lives of your sons and daughters, and the lives of your wives and concubines, Ipapo Joabhu akapinda mumba kuna mambo akati, “Nhasi manyadzisa vanhu vose, avo vachangoponesa upenyu hwenyu noupenyu hwavanakomana navanasikana venyu uye noupenyu hwavakadzi venyu navarongo venyu.
6 by loving those who hate you and hating those who love you. Today you've shown that commanders and servants mean nothing to you. Now I know that if Absalom lived and we all had died, you'd be pleased. Munoda avo vanokuvengai uye munovenga avo vanokudai. Mazviratidza pachena nhasi kuti vatungamiri vehondo navanhu vavo havarevi chinhu kwamuri. Ndinoona kuti maifarira kuti dai Abhusaromu ararama nhasi uye kuti dai tose zvedu tafa.
7 Now get up, go out, and speak kindly to your servants. I swear by our Father, if you don't go out, not one man will stay with you tonight—worse for you than all the trouble you've had since your youth." Zvino budai munokurudzira vanhu venyu. Ndinopika naJehovha kuti kana mukasabuda, hakuna munhu achasara nemi usiku huno. Zvichava zvakaipisisa kwamuri kupinda njodzi dzose dzakakuwirai kubva pauduku hwenyu kusvikira zvino.”
8 So the king got up and sat in the gate. When the people were told, "Look, the king is sitting in the gate," they all came before him. Now Israel had fled, everyone to his home. Saka mambo akasimuka akandoisa chigaro chake pasuo. Vanhu vakati vaudzwa kuti, “Mambo agere pasuo,” vose vakauya pamberi pake. Zvichakadaro, vaIsraeri vakanga vatizira kumisha yavo.
9 Throughout the tribes of Israel the people argued: "The king saved us from our enemies, rescued us from the Philistines, but now he's fled the land because of Absalom. Mumarudzi ose avaIsraeri, vanhu vose vakanga vachikakavadzana vachiti, “Mambo akatisunungura kubva muruoko rwavaFiristia. Asi zvino atiza nyika nokuda kwaAbhusaromu;
10 But Absalom, whom we anointed to rule us, died in battle. So why say nothing about bringing the king back?" uye Abhusaromu, uyo watakazodza kuti atitonge, afa muhondo. Saka munoregereiko kutaura nezvokudzosa mambo?”
11 King David sent word to Zadok and Abiathar the priests: "Tell the elders of Judah, 'Why be the last to bring the king back home, when all Israel's word has reached the king at his home?' Mambo Dhavhidhi akatuma shoko naZadhoki naAbhiatari, vaprista achiti, “Bvunzai vakuru veJudha kuti, ‘Seiko imi mava vokupedzisira kudzosa mambo kumuzinda wake, sezvo zvinotaurwa muIsraeri yose zvasvika pamba pake.
12 You are my brothers, my own flesh and blood. So why should you be last to bring back the king? Imi muri hama dzangu, muri venyama yangu chaivo uye veropa rangu. Saka maitireiko vokupedzisira kudzosa mambo?’
13 Say to Amasa, 'Aren't you my own flesh and blood? May our Father do this to me and more if you don't become my permanent army commander, replacing Joab.'" Uye muti kuna Amasa, ‘Ko, iwe hauzi wenyama yangu uye weropa rangu here? Mwari ngaandirove, ngaarambe achidaro kwazvo, kana kubva zvino zvichienda mberi, iwe ukarega kuva mukuru wehondo yangu panzvimbo yaJoabhu.’ ”
14 David won over all the men of Judah as one man, and they sent word to the king: "Return, you and all your servants." Akabata mwoyo yavarume vose veJudha vakaita sokunge vaiva munhu mumwe. Vakatuma shoko kuna mambo vachiti, “Dzokai, imi navanhu venyu mose.”
15 The king returned and came to the Jordan; Judah came to Gilgal to meet the king and bring him across the Jordan. Ipapo mambo akadzoka akasvika paJorodhani. Zvino vanhu veJudha vakanga vasvika kuGirigari kuti vaende kundosangana namambo vagomuyambutsa Jorodhani.
16 Shimei son of Gera, the Benjaminite from Bahurim, rushed down with Judah's men to meet King David. Shimei mwanakomana waGera, muBhenjamini aibva kuBhahurimi, akakurumidza kuburuka navanhu veJudha kuti vandosangana naMambo Dhavhidhi.
17 With him were 1,000 Benjamites, and Ziba, servant of Saul's house, with his fifteen sons and twenty servants. They rushed to the Jordan ahead of the king, Akanga ane vaBhenjamini vaisvika chiuru, pamwe chete naZibha, mutariri weimba yaSauro, uye navanakomana vake gumi navashanu navaranda vake makumi maviri. Vakamhanyira kuJorodhani uko kwakanga kwava namambo.
18 and crossed the ford to bring the king's household over and do what pleased him. Shimei son of Gera fell before the king as he was about to cross the Jordan, Vakayambuka rukova kuti vandotora veimba yamambo uye kuti vaite zvose zvaaida. Shimei mwanakomana waGera akati ayambuka Jorodhani, akawira pasi nechiso chake pamberi pamambo
19 and said, "Please, my lord, don't hold this against me, and don't remember how your servant did wrong the day my lord the king left Jerusalem. Please, my lord the king, don't take it to heart. akati kwaari, “Ishe wangu ngaarege kundipa mhaka. Regai henyu kurangarira kukanganisa kwakaitwa nomuranda wenyu pazuva rakabva ishe wangu mambo paJerusarema. Mambo ngaazvidzime mundangariro dzake.
20 Your servant knows I have sinned. So today I've come first of all Joseph's house to meet my lord the king." Nokuti ini muranda wenyu ndinozviziva kuti ndakatadza, asi nhasi ndauya pano sewokutanga weimba yose yaJosefa kuti ndiburuke ndizosangana naishe wangu iye mambo.”
21 Then Abishai son of Zeruiah said, "Shouldn't Shimei be put to death for cursing our Father's anointed?" Ipapo Abhishai mwanakomana waZeruya akati, “Ko, Shimei haafaniri kuurayiwa nokuda kwaizvozvi here? Akatuka muzodziwa waJehovha.”
22 David said, "Why meddle with me, sons of Zeruiah? Why should you become my enemies today? Should anyone be put to death in Israel today? Don't I know that today I am king over Israel?" Dhavhidhi akapindura akati, “Ndineiko nemi, imi vanakomana vaZeruya zvokuti nhasi mava vavengi vangu! Pane munhu angafanira kufa muIsraeri nhasi here? Ko, handizivi here kuti nhasi ndiri mambo weIsraeri?”
23 The king told Shimei, "You will not die," and the king swore to him. Saka mambo akati kuna Shimei, “Haungafi.” Uye mambo akamuvimbisa nemhiko.
24 Mephibosheth, Saul's grandson, came down to meet the king. He had not tended his feet, trimmed his beard, or washed his clothes from the day the king left until he came back safely. Mefibhosheti muzukuru waSauro, akaburukawo kundosangana namambo. Haana kuva nehanya netsoka dzake kana kuguririra ndebvu dzake kana kusuka nguo dzake kubvira pazuva rakasimuka mambo kusvikira pazuva raakadzoka ari mupenyu.
25 When he reached Jerusalem to meet the king, the king asked, "Why didn't you go with me, Mephibosheth?" Paakasvika achibva kuJerusarema achindosangana namambo, mambo akamubvunza akati, “Wakaregereiko kuenda neni, Mefibhosheti?”
26 He said, "My lord the king, my servant tricked me. Your servant said, 'I'll saddle my donkey and ride with the king,' for your servant is lame. Iye akati, “Ishe wangu mambo, sezvo ini muranda wenyu ndiri chirema, ndakati, ‘Ndichaita kuti mbongoro yangu igadzikwe chigaro uye ndigoitasva, kuti ndigoenda namambo.’ Asi Zibha muranda wangu akandipandukira.
27 He slandered your servant to my lord the king. But my lord the king is like the angel of our Father; do what seems good to you. Uye akandorevera nhema muranda wenyu kuna ishe wangu mambo. Ishe wangu mambo akaita somutumwa waMwari; saka itai henyu zvinokufadzai.
28 All my father's house deserved only death from my lord the king, yet you set your servant among those who eat at your table. What right have I to appeal to the king again?" Zvizvarwa zvose zvasekuru vangu hazvifanirwi nechimwe chinhu asi rufu ruchibva kuna she wangu mambo, asi makapa muranda wenyu nzvimbo pakati paavo vanodya patafura yenyu. Saka ini ndine mvumo yeiko yokukumbirazve kuna mambo?”
29 The king said, "Why say more about your affairs? I've decided: you and Ziba will divide the land." Mambo akati kwaari, “Uchataurireiko zvakawanda? Ndinokurayira iwe naZibha kuti mugovane minda.”
30 Mephibosheth said to the king, "Let him take it all, now that my lord the king has come home safely." Mefibhosheti akati kuna mambo, “Ngaatore hake zvinhu zvose, sezvo zvino ishe wangu mambo asvika kumusha ari mupenyu.”
31 Barzillai the Gileadite came down from Rogelim and crossed the Jordan with the king, to see him off. Bhazirai muGireadhi akasvikawo achibva kuRogerimi kuti ayambuke Jorodhani namambo uye kuti amuperekedze panzira yake ikoko.
32 Barzillai, very old at eighty, had fed the king during his stay at Mahanaim, for he was a very wealthy man. Zvino Bhazirai akanga akwegura kwazvo, ava namakore makumi masere. Akanga achiriritira mambo panguva yaakanga agere paMahanaimi, nokuti akanga ari munhu akapfuma kwazvo.
33 The king told Barzillai, "Cross over with me, and I will provide for you at my side in Jerusalem." Mambo akati kuna Bhazirai, “Yambuka pamwe chete neni ugogara neni muJerusarema, uye ini ndichakuriritira.”
34 Barzillai said to the king, "How many years do I have left, that I should go up with the king to Jerusalem? Asi Bhazirai akapindura mambo akati, “Makore manganiko andichararama, zvokuti ndingafanira kukwidza kuJerusarema namambo?
35 I am eighty years old today. Can I tell good from bad? Can your servant taste what he eats or drinks? Can I still hear singing men and women? Why should your servant burden my lord the king further? Ndava namakore makumi masere. Ndichagona kuziva mutsauko pakati pechakanaka nechisina kunaka here? Ko, muranda wenyu achagona kuravira chaanodya nechaanonwa here? Ko, ndichagona kunzwa manzwi avarume navakadzi vanoimba here? Muranda wenyu achaitireiko kuti ave mumwe mutoro kuna ishe wangu mambo?
36 Your servant will cross the Jordan with the king a short way. Why should the king repay me with such a reward? Muranda wenyu achayambuka Jorodhani namambo kwenhambwe pfupi, asi mambo anondipireiko mubayiro wakadai?
37 Please let your servant return to die in my own city near my father and mother's grave. But your servant Chimham is here; let him cross over with my lord the king, and do for him what seems good to you." Regai muranda wenyu adzokere hake, kuti ndinofira muguta rangu pedyo nehwiro hwababa vangu namai vangu. Asi hoyu muranda wangu Kimihami. Ngaayambuke hake naishe iye mambo. Mumuitire henyu zvose zvinokufadzai.”
38 The king said, "Chimham will cross with me, and I will do for him what pleases you, and whatever you ask of me I will do for you." Mambo akati, “Kimihami achayambuka neni, uye ndichamuitira zvose zvinokufadza. Uye zvose zvaunoda kwandiri ndichakuitira.”
39 All the people crossed the Jordan, and the king crossed. The king kissed Barzillai and blessed him, and Barzillai returned home. Saka vanhu vose vakayambuka Jorodhani, uye ipapo mambo akazoyambukawo. Mambo akatsvoda Bhazirai akamuropafadza, uye Bhazirai akadzokera kumba kwake.
40 The king crossed to Gilgal, Chimham with him. All Judah's people, and half of Israel's, escorted the king. Mambo akati ayambukira kuGirigari, Kimihami akayambuka naye. Mauto ose eJudha nehafu yavarwi veIsraeri vakanga vayambutsa mambo.
41 Then all the men of Israel came to the king and asked, "Why did our brothers, the men of Judah, steal you away and bring the king and his household across the Jordan, with all David's men?" Uye varume vose veIsraeri vakauya kuna mambo vakati kwaari, “Hama dzedu, varume veJudha, vakabireiko mambo vakamuuyisa neimba yake mhiri kweJorodhani, pamwe chete navanhu vake vose?”
42 All the men of Judah answered the men of Israel, "The king is our close relative. Why are you angry about this? Have we eaten any of the king's food, or has he given us a gift?" Varume vose veJudha vakapindura varume veIsraeri vachiti, “Takaita izvi nokuti mambo ihama yedu yapedyo. Seiko imi matsamwiswa nazvo? Tambodya here zvinhu zvamambo? Tambozvitorera kana chinhu chimwe chete here?”
43 The men of Israel answered the men of Judah, "We have ten shares in the king, and a greater claim on David than you. So why did you despise us? Weren't we first to speak of bringing back our king?" But Judah's words were harsher than Israel's. Ipapo varume veIsraeri vakapindura varume veJudha vakati, “Tine migove gumi muna mambo; uye zvisiri izvozvo chete, Dhavhidhi ndowedu kukunda imi. Saka seiko imi muchitizvidza? Ko, hatizisu takatanga kutaura kuti mambo adzoke here?” Asi varume veJudha vakapindura nehasha kwazvo kupfuura varume veIsraeri.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]