Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Samuel 20 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 A worthless man named Sheba son of Bichri, a Benjamite, was there. He blew the trumpet and shouted, "We have no share in David, no inheritance in Jesse's son! Everyone to your tents, Israel!" Zvino nhubu yainzi Shebha mwanakomana waBhikiri, muBhenjamini, aivapowo. Akaridza hwamanda akadanidzira achiti, “Isu hatina mugove muna Dhavhidhi, hatina chikamu mumwanakomana waJese! Munhu wose ngaaende kutende rake, imi vaIsraeri!”
2 So all Israel's men abandoned David to follow Sheba son of Bichri; but Judah's men held to their king, from the Jordan to Jerusalem. Saka varume vose veIsraeri vakasiya Dhavhidhi kuti vatevere Shebha mwanakomana waBhikiri. Asi varume veJudha vakagara namambo wavo kubva kuJorodhani kusvikira kuJerusarema.
3 David came to his house in Jerusalem, and the king took the ten concubines he had left to keep the house and put them under guard. He provided for them but did not sleep with them. They stayed confined until they died, living as widows. Dhavhidhi akati adzokera kumuzinda wake muJerusarema, akatora varongo vake gumi vaakanga asiya kuti vachengete muzinda akavaisa mumba vakachengetwa. Akavariritira asi haana kuvata navo. Vakanga vakachengetwa kusvikira pazuva rokufa kwavo, vachirarama sechirikadzi.
4 The king told Amasa, "Call the men of Judah to me within three days, and be here yourself." Ipapo mambo akati kuna Amasa, “Dana varume veJudha vauye kwandiri pakati pamazuva matatu, uye newe uve pano.”
5 Amasa went to summon Judah, but delayed beyond the time the king had set for him. Asi Amasa akati aenda kundodana Judha, akatora nguva yakareba kupfuura yaakanga atarirwa namambo.
6 David told Abishai, "Sheba son of Bichri will now harm us more than Absalom. Take your lord's men and chase him, or he'll reach fortified cities and escape us." Dhavhidhi akati kuna Abhishai, “Zvino Shebha mwanakomana waBhikiri achatiitira zvakaipa kupfuura zvakaitwa naAbhusaromu. Tora varanda vatenzi wako umutevere, zvimwe angawana maguta akakomberedzwa uye akatipunyuka.”
7 So Joab's men, the Cherethites, the Pelethites, and all the mighty warriors went out after him from Jerusalem to pursue Sheba son of Bichri. Saka vanhu vaJoabhu, vaKereti, vaPereti nemhare dzose vakabuda vachitungamirirwa naAbhishai. Vakafamba vachibva kuJerusarema vachitevera Shebha mwanakomana waBhikiri.
8 At the great stone in Gibeon, Amasa met them. Joab wore his military tunic, with a belted sword in its sheath on his waist; as he stepped forward, it fell out. Vakati vari padombo guru muGibheoni, Amasa akauya kuzosangana navo. Joabhu akanga akapfeka nguo yake yokurwa, uye pairi paiva nebhanhire rakasungirwa pachiuno chake rine munondo waiva mumuhara wawo. Zvino akati achienda mberi, wakadonha kubva mumuhara wawo.
9 Joab said to Amasa, "Are you well, my brother?" With his right hand Joab grasped Amasa's beard to kiss him. Joabhu akati kuna Amasa, “Wakadiniko, mununʼuna wangu?” Ipapo Joabhu akabata ndebvu dzaAmasa noruoko rwake rworudyi kuti amutsvode.
10 Amasa did not notice the sword in Joab's hand. Joab struck his belly, spilling his intestines to the ground. Without a second blow, Amasa died. Then Joab and his brother Abishai pursued Sheba son of Bichri. Amasa akanga asina kuona munondo waiva muruoko rwaJoabhu, uye Joabhu akaunyudza mudumbu make, uye ura hwake hukawira pasi. Asina kunge abayiwazve, Amasa akafa. Ipapo Joabhu nomununʼuna wake vakatevera Shebha mwanakomana waBhikiri.
11 One of Joab's young men stood by Amasa and said, "Whoever favors Joab, whoever is for David—follow Joab!" Mumwe wavanhu vaJoabhu akamira parutivi rwaAmasa akati, “Ani naani anoda Joabhu, uye ani naani ari waDhavhidhi, ngaatevere Joabhu!”
12 Amasa lay wallowing in his blood in the middle of the road. When the man saw all the troops stopping there, he dragged Amasa from the road into the field and threw a garment over him, since everyone who came by stopped. Amasa akavata achiumburuka muropa rake pakati pomugwagwa. Uye mumwe murume akaona kuti mauto ose aiuya achimira ipapo. Paakaona kuti munhu wose aisvika pana Amasa aimira, akamukweva kubva mumugwagwa akamuisa musango, akakanda nguo pamusoro pake.
13 Once he was moved off the road, all the men followed Joab to pursue Sheba son of Bichri. Shure kwokunge Amasa abviswa mumugwagwa, varume vose vakapfuurira mberi naJoabhu vachitevera Shebha mwanakomana waBhikiri.
14 Sheba passed through all the tribes of Israel to Abel of Beth Maacah; all the Bicrites gathered and followed him too. Shebha akapfuura nomumarudzi ose aIsraeri kusvikira kuAbheri Bheti Maaka uye nomudunhu rose ravaBheri, uye vakaungana pamwe chete vakamutevera.
15 They came and besieged him in Abel of Beth Maacah. They raised a siege ramp against the city, standing against the outer rampart, while all Joab's troops battered the wall to bring it down. Vakauya vakamukomba paShebha muAbheri Bheti Maaka. Vakavaka rusvingo rwevhu rukasvika kuguta, uye rwakamira rwakatarisana nenhare dzokunze. Pavakanga vachiputsa rusvingo,
16 Then a wise woman called from the city, "Listen! Listen! Tell Joab, 'Come here, so I can speak with you.'" mukadzi akangwara akadanidzira ari muguta akati, “Inzwai! Inzwai! Taurirai Joabhu kuti auye pano kuti ndigotaura naye.”
17 As he approached, the woman asked, "Are you Joab?" "I am," he said. She said, "Hear your servant's words." "I'm listening," he said. Akaenda kwaari, iye akamubvunza akati, “Ndiwe Joabhu here?” Akapindura akati, “Ndini.” Mukadzi akati, “Teererai zvinoreva murandakadzi wenyu.” Iye akati, “Ndakateerera.”
18 She said, "In the old days they used to say, 'Just ask for counsel at Abel,' and that settled the matter. Mukadzi akaenderera achiti, “Kare kare vaisimboti, ‘Tora mhinduro yako paAbheri,’ uye zvaipera ipapo.
19 I am among the peaceful and faithful in Israel. You are trying to destroy a city, a mother in Israel. Why swallow up our Father's inheritance?" Isu tiri vorugare navakatendeka muIsraeri. Uri kuedza kuparadza guta rinova ndiro mai muIsraeri. Seiko uchida kumedza nhaka yaJehovha?”
20 Joab answered, "I would never, never swallow up or destroy! Joabhu akati, “Ngazvive kure neni! Ngazvive kure neni kuti ndimedze kana kuparadza!
21 Not so. But Sheba son of Bichri, from the hills of Ephraim, has rebelled against the king, against David. Hand over this one man, and I'll pull back from the city." The woman told Joab, "His head will be thrown to you over the wall." Hazvina kudaro. Asi murume anonzi Shebha mwanakomana waBhikiri, anobva kunyika yamakomo yaEfuremu, ndiye akasimudza ruoko rwake kuti arwise mambo, kuti arwise Dhavhidhi. Uyai nomurume mumwe chete iyeye, ipapo ndichabva paguta.” Mukadzi akati kuna Joabhu, “Musoro wake uchakandwa kwauri naparusvingo.”
22 The woman went to all the people with her wise plan. They cut off the head of Sheba son of Bichri and threw it to Joab. He blew the trumpet, and they scattered from the city, each to his home. Joab returned to the king in Jerusalem. Ipapo mukadzi akaenda kuvanhu vose nezano rake, vakagura musoro waShebha mwanakomana waBhikiri vakaukanda kuna Joabhu. Saka Joabhu akaridza hwamanda, vanhu vake vakapararira vachibva paguta, mumwe nomumwe achidzokera kumba kwake. Uye Joabhu akadzokera kuna mambo muJerusarema.
23 Joab led all Israel's army; Benaiah son of Jehoiada led the Cherethites and Pelethites. Joabhu akanga ari mukuru wehondo yose yeIsraeri; Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akanga ari mukuru wavaKereti navaPareti;
24 Adoram was in charge of the forced labor; Jehoshaphat son of Ahilud was the recorder; Adhoniramu akanga ari mutariri wavashandi vechibharo; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi akanga ari munyori wenhoroondo;
25 Sheva was secretary; and Zadok and Abiathar were priests; Shevha akanga ari munyori; Zadhoki naAbhiatari vaiva vaprista;
26 and Ira the Jairite was also David's priest. uye Ira muJairi aiva muprista waDhavhidhi.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]