Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Samuel 21 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Now there was a famine in the days of David for three years, year after year; so David asked our Father about it. And our Father said, "There is bloodguilt on Saul and on his house, because he put the Gibeonites to death." Panguva yokutonga kwaDhavhidhi, kwakava nenzara makore matatu achiteverana; saka Dhavhidhi akatsvaka chiso chaJehovha. Jehovha akati, “Imhaka yaSauro neimba yake yeropa; imhaka yokuti akauraya vaGibheoni.”
2 So the king summoned the Gibeonites and spoke to them. (The Gibeonites were not Israelites but a remnant of the Amorites; Israel had sworn to spare them, yet Saul, passionate for Israel and Judah, had sought to kill them.). Mambo akadana vaGibheoni akataura navo. (Zvino vaGibheoni vakanga vasiri vorudzi rwavaIsraeri asi vakanga vari vakasara vavaAmori; vakanga vapikirwa navaIsraeri kuti vasaurayiwe, asi Sauro mukushingaira kwake nokuda kwavaIsraeri navaJudha akaedza kuvaparadza.)
3 David asked the Gibeonites, "What can I do for you? How can I make atonement so you'll bless our Father's people?" Dhavhidhi akabvunza vaGibheoni akati, “Ndingakuitirai chiiko? Ndingayananisa neiko kuitira kuti mugoropafadza nhaka yaJehovha?”
4 The Gibeonites said, "It is not silver or gold between us and Saul or his house, and we have no right to kill anyone in Israel." David said, "Whatever you say, I will do for you." VaGibheoni vakamupindura vachiti, “Hatina kodzero yokureva sirivha negoridhe kuna Sauro kana kumhuri yake, uye hatina kodzero yokuuraya munhu muIsraeri.” Dhavhidhi akati, “Munoda kuti ndikuitireiko?”
5 They said to the king, "The man who wiped us out and plotted our destruction, so we'd have no place left anywhere in Israel's territory, Vakapindura mambo vakati, “Kana ari munhu akatiparadza uye akaita rangano yokuti tipere uye tishayiwe nzvimbo kupi zvako muIsraeri,
6 let seven men of his descendants be handed over to us, and we will hang them before the LORD at Gibeah of Saul, the LORD's chosen one." The king said, "I will hand them over." zvizvarwa zvake zvechirume zvinomwe ngazvipiwe kwatiri kuti zviurayiwe uye zviiswe pachena pamberi paJehovha paGibhea raSauro musanangurwa waJehovha.” Saka mambo akati, “Ndichavapa kwamuri.”
7 But the king spared Mephibosheth, son of Jonathan, son of Saul, because of the oath before our Father between David and Jonathan, Saul's son. Mambo akararamisa Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro, nokuda kwemhiko pamberi paJehovha pakati paDhavhidhi naJonatani mwanakomana waSauro.
8 But the king took Armoni and Mephibosheth, the two sons Rizpah daughter of Aiah bore to Saul, along with the five sons Merab daughter of Saul bore to Adriel son of Barzillai the Meholathite. Asi mambo akatora Arimoni naMefibhosheti, vanakomana vaviri vaRizipa mwanasikana waAya, waakanga aberekera Sauro, pamwe chete navanakomana vashanu vaMerabhi mwanasikana waSauro, waakanga aberekera Adhirieri mwanakomana waBhazirai muMehorati.
9 He handed them to the Gibeonites, who hanged them on the mountain before our Father; the seven fell together. They were put to death in the first days of harvest, as the barley harvest began. Akavaisa mumaoko avaGibheoni, ivo vakavasungirira pachikomo pamberi paJehovha. Vose vari vanomwe vakafa pamwe chete; vakaurayiwa panguva yokutanga kukohwa, pakutanga kwokukohwewa kwebhari.
10 Then Rizpah daughter of Aiah took sackcloth and spread it on the rock, from the start of harvest until rain fell on the bodies; by day she kept the birds off them, by night the wild animals. Rizipa mwanasikana waAya akatora nguo yesaga akazviwaridzira pamusoro pedombo. Kubva pakutanga kwokukohwa kusvikira pakunaya kwemvura ichibva kudenga pamusoro pemitumbi yavo, haana kutendera shiri dzedenga kuti dzivabate masikati kana zvikara zvesango usiku.
11 When David was told what Rizpah the daughter of Aiah, Saul's concubine, had done, Dhavhidhi akati ataurirwa zvakaitwa naRizipa, mwanasikana waAya, murongo waSauro,
12 he went to the men of Jabesh-gilead and took the bones of Saul and his son Jonathan, which they had secretly removed from Beth-shan's square, where the Philistines hung them the day they killed Saul at Gilboa. akaenda akandotora mapfupa aSauro naJonatani mwanakomana wake kubva kuvagari veJabheshi Gireadhi. Vakanga vaatora muchivande kubva pachivara chapaBheti Shani, uko kwavakanga vaturikwa navaFiristia shure kwokunge vauraya Sauro paGiribhoa.
13 He brought up Saul's bones and his son Jonathan's bones from there, and they gathered the bones of the hanged men. Dhavhidhi akauya namapfupa aSauro naJonatani mwanakomana wake kubva ikoko, uye mapfupa aavo vakanga vaurayiwa vakaiswa pachena akaunganidzwa.
14 They buried the bones of Saul and his son Jonathan at Zela in Benjamin, in the tomb of his father Kish, and did all the king commanded. After that, our Father answered the prayers for the land. Vakaviga mapfupa aSauro naJonatani mwanakomana wake muhwiro hwaKishi baba vaSauro, paZera muBhenjamini, uye vakaita zvose zvavakarayirwa namambo. Shure kwaizvozvo, Mwari akapindura munyengetero wokumiririra nyika.
15 Again there was war between the Philistines and Israel. David went down with his servants to fight the Philistines, and he grew tired. Kwakavazve nehondo pakati pavaFiristia navaIsraeri. Dhavhidhi akaburuka navanhu vake kundorwa navaFiristia, uye akaneta kwazvo.
16 Ishbi-benob, a descendant of Rapha whose bronze spearhead weighed about seven and a half pounds and who wore a new sword, was about to strike David down. Uye Ishibhi-Bhenoni, mumwe wezvizvarwa zvaRafa, aiva nomusoro wepfumo wairema mazana matatu amashekeri uye akapakata munondo mutsva, akati achauraya Dhavhidhi.
17 But Abishai son of Zeruiah came to David's aid, struck the Philistine down and killed him. Then David's men swore to him, "Never again go out with us to battle, or you'll put out the lamp of Israel." Asi Abhishai mwanakomana waZeruya akanunura Dhavhidhi; akabayira muFiristia pasi akamuuraya. Ipapo vanhu vaDhavhidhi vakapika kwaari vachiti, “Hamuchazomboendizve nesu kuhondo, kuitira kuti mwenje weIsraeri urege kuzodzimwa.”
18 Later there was another war with the Philistines at Gob. Sibbecai the Hushathite struck down Saph, one of the descendants of Rapha. Shure kwaizvozvo, kwakavazve nokurwa navaFiristia, paGobhi. Panguva iyoyo Sibhekai muHushati akauraya Safi, mumwe wezvizvarwa zvaRafa.
19 There was another war with the Philistines at Gob, where Elhanan son of Jaare-oregim the Bethlehemite killed Goliath the Gittite, whose spear shaft was like a weaver's beam. Pano kumwe kurwa navaFiristia paGobhi, Erihanani mwanakomana waJoare-Oregimi muBheterehema akauraya Goriati muGiti, akanga ane pfumo raiva nerwiriko rwakanga rwakaita setsvimbo yomuruki.
20 War broke out again at Gath, where a huge man had six fingers on each hand and six toes on each foot—twenty-four in all; he too was born to Rapha. Pano kumwe kurwazve, kwakaitika paGati, pakanga pane hofori yomurume akanga ane minwe mitanhatu paruoko rumwe norumwe uye zvigunwe zvitanhatu parutsoka rumwe norumwe, zvose zviri makumi maviri nezvina. Naiyewo akanga ari chizvarwa chaRafa.
21 And when he taunted Israel, Jonathan the son of Shimei, David's brother, struck him down. Akati achishora Israeri, Jonatani mwanakomana waShimea, mununʼuna waDhavhidhi, akamuuraya.
22 These four descended from Rapha in Gath, and fell by the hand of David and his servants. Ava vari vana vakanga vari zvizvarwa zvaRafa muGati, uye vakafa pamaoko aDhavhidhi navanhu vake.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]