Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Samuel 22 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 David spoke to our Father the words of this song when our Father rescued him from the hand of all his enemies and from the hand of Saul. Dhavhidhi akaimbira Jehovha mashoko orwiyo urwu paakarwirwa naJehovha kubva muruoko rwavavengi vake vose nomuruoko rwaSauro.
2 He said: My Father is my rock, my fortress, my rescuer. Akati: “Jehovha ndiye dombo rangu, nhare yangu uye mununuri wangu;
3 My Father, my rock, in whom I take refuge, my shield and the power of my salvation, my stronghold and my refuge, my savior—you save me from violence. Mwari wangu ndiye dombo rangu, ndinovanda maari, nhoo yangu, norunyanga rworuponeso rwangu. Ndiye nhare yangu, utiziro hwangu nomuponesi wangu, munondiponesa pavanhu vanoita nechisimba.
4 I call upon my Father, who is worthy of praise, and I am saved from my enemies. Ndinodana kuna Jehovha, iye anofanira kurumbidzwa, uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu.
5 For the waves of death engulfed me; the torrents of destruction terrified me. “Mafungu orufu akandikomba; mvura zhinji yokuparadza yakandifukidza.
6 The cords of the grave entangled me; the snares of death confronted me. Mabote eguva akandimonera; misungo yorufu yakandivinga.
7 In my distress I called upon my Father; I cried out to my God for help. From his temple he heard my voice, and my cry reached his ears. Mukutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha; ndakadanidzira kuna Mwari wangu. Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; kuchema kwangu kwakasvika munzeve dzake.
8 Then the earth shook and quaked; the foundations of the heavens trembled and shook, because he was angry. “Nyika yakadedera uye ikazungunuka, nheyo dzokudenga dzakadengenyeka; dzakadedera nokuti akanga atsamwa.
9 Smoke rose from his nostrils, and consuming fire came from his mouth; burning coals blazed from him. Utsi hwakakwira kubva mumhino dzake; moto unoparadza wakabuda mumuromo make, mazimbe anopisa akapfutamo.
10 He parted the heavens and came down, with dark clouds beneath his feet. Akakamura matenga akaburuka pasi; makore erima akanga ari pasi petsoka dzake.
11 He mounted a cherub and flew; he soared on the wings of the wind. Akatasva makerubhi akabhururuka; akabhururuka mudenga denga pamapapiro emhepo.
12 He made darkness his canopy around him—the dark rain clouds of the skies. Akaita kuti rima rimupoteredze setende, iwo makore matema emvura yokudenga.
13 Out of the brightness before him blazed coals of fire. Kubva pakupenya kwokuvapo kwake mabhananʼana emheni akapenya.
14 My Father thundered from heaven; the Most High raised his voice. Jehovha akatinhira ari kudenga; inzwi reWokumusoro-soro rakanzwikazve.
15 He shot his arrows and scattered his foes, hurled lightning and routed them. Akapfura miseve akaparadzira vavengi, mabhananʼana emheni akavaparadza.
16 The channels of the sea appeared, the foundations of the world were laid bare at the rebuke of my Father, at the blast of breath from his nostrils. Mipata yegungwa yakaiswa pachena uye nheyo dzenyika dzakabudiswa pachena nokutuka kwaJehovha, nokufema kwomweya wemhino dzake.
17 He reached down from on high and took hold of me; he drew me out of deep waters. “Akatambanudza ruoko ari kudenga akandibata; akandibudisa kubva pamvura yakadzika.
18 He rescued me from my powerful enemy, from my foes who were too strong for me. Akandinunura kubva pamuvengi wangu ane simba, kubva kuvavengi, vakanga vachindikurira pasimba.
19 They confronted me in the day of my disaster, but my Father was my support. Vakandivinga muzuva renjodzi yangu, asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu.
20 He brought me out into a spacious place; he rescued me because he delighted in me. Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana; akandinunura nokuti akanga achindifarira.
21 My Father dealt with me according to my righteousness; according to the purity of my hands he rewarded me. “Jehovha akandiitira zviri maererano nokururama kwangu; maererano nokuchena kwamaoko angu, akandipa mubayiro.
22 For I have kept the ways of my Father; I have not wickedly turned from my God. Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha; handina kuita chakaipa ndichitsauka kubva kuna Mwari wangu.
23 All his judgments are before me; I have not turned aside from his statutes. Mirayiro yake yose iri pamberi pangu; handina kutsauka kubva pamitemo yake.
24 I was blameless before him, and I kept myself free from my guilt. Ndakanga ndisina chandinopomerwa pamberi pake, uye ndakazvichengeta kuti ndirege kutadza.
25 So my Father rewarded me according to my righteousness, according to my purity in his sight. Jehovha akandipa mubayiro maererano nokururama kwangu, maererano nokuchema kwangu pamberi pake.
26 To the faithful you show yourself faithful; to the blameless you show yourself blameless. “Kune vakatendeka munoratidza kutendeka kwenyu, kune vasina chavanopomerwa munoratidza kusapomerwa kwenyu,
27 To the pure you show yourself pure, but to the crooked you show yourself shrewd. kune vakachena munozviratidza makachena, asi kune vasakarurama munozviratidza nehasha.
28 You save the afflicted people, but your eyes are on the haughty, to bring them low. Munoponesa vanozvininipisa, asi meso enyu ari pamusoro pavanozvikudza kuti muvaderedze.
29 For you are my lamp, my Father; he turns my darkness into light. Imi muri mwenje wangu, Jehovha; Jehovha anoshandura rima rangu kuti rive chiedza.
30 With you I can charge an army; with my Father I can leap over a wall. Norubatsiro rwenyu ndinogona kuenda kundorwa neboka ravarwi; naMwari wangu ndinogona kukwira rusvingo.
31 As for my Father, his way is perfect; the word of my Father is flawless. He is a shield to all who take refuge in him. “Kana ari Mwari, nzira yake yakarurama kwazvo; shoko raJehovha harina charingapomerwa. Ndiye nhoo yavose vanovanda maari.
32 For who is God but our Father? And who is a rock except our Father? Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha? Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu?
33 My Father is my strong refuge; he makes my way blameless. NdiMwari anondishongedza nesimba uye anoruramisa nzira yangu.
34 He makes my feet like the feet of a deer and sets me secure on the heights. Anoita tsoka dzangu kuti dzive setsoka dzenondo; anoita kuti ndigone kumira pakakwirira.
35 He trains my hands for battle, so that my arms can bend a bow of bronze. Anodzidzisa maoko angu kurwa; maoko angu anowembura uta hwendarira.
36 You have given me the shield of your salvation, and your gentleness has made me great. Munondipa nhoo yenyu yokukunda, munokotamira pasi kuti mundikurise.
37 You widen the path beneath me, so that my ankles do not give way. Munotambanudza nzira pasi pangu, kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutsauka.
38 I pursued my enemies and destroyed them; I did not turn back until they were finished. “Ndakatevera vavengi vangu ndikavaparadza; handina kudzoka kusvikira vaparadzwa.
39 I consumed them and shattered them so they could not rise; they fell beneath my feet. Ndakavaparadza zvachose, uye havana kugona kumuka; vakawira pasi petsoka dzangu.
40 You armed me with strength for battle; you made my adversaries bow beneath me. Makandishongedza nesimba rokurwa; makaita kuti vadzivisi vangu vakotame patsoka dzangu.
41 You made my enemies turn their backs in flight, and those who hated me I destroyed. Makaita kuti vavengi vangu vatize pakurwa, uye ndakaparadza vavengi vangu.
42 They looked, but there was no one to save them—even to my Father, but he gave no answer. Vakachemera kubatsirwa, asi hakuna munhu akavaponesa, kunyange kuna Jehovha, asi haana kupindura.
43 I ground them as fine as the dust of the earth; I crushed and trampled them like mud in the streets. Ndakavapwanya vakatsetseka seguruva renyika; ndakavatswa uye ndikavatsika sedope riri munzira dzomumusha.
44 You delivered me from the strife of my people; you kept me as head of nations; a people I did not know now serves me. “Makandinunura kubva pakurwisa kwavanhu vangu; makandichengetedza somutungamiri wendudzi. Vanhu vandakanga ndisingazivi vava pasi pangu.
45 Foreigners cower before me; as soon as they hear, they obey me. Uye vatorwa vanouya kwandiri vachidedera, pavanongondinzwa vanonditeerera.
46 Foreigners lose heart; they come trembling from their strongholds. Vose vanoora mwoyo; vanouya vachidedera kubva panhare dzavo.
47 My Father lives! Blessed be my Rock! Exalted be my Father, the Rock of my salvation! “Jehovha mupenyu! Dombo rangu ngarirumbidzwe! Ngaakudzwe Mwari, iye Dombo, Muponesi wangu!
48 It is my Father who gives me justice and brings peoples down beneath me. Ndiye Mwari anonditsivira, anoisa ndudzi pasi pangu,
49 He brings me out from my enemies. You lifted me high above my foes; you rescued me from the violent man. anondisunungura kubva kuvavengi vangu. Imi makandikudza pamusoro pavavengi vangu; kubva kuvanhu vanoita nechisimba, makandinunura.
50 Therefore I will praise you among the nations, my Father; I will sing praises to your name. Naizvozvo ndichakurumbidzai, imi Jehovha, pakati pendudzi; ndicharumbidza zita renyu nenziyo.
51 He gives great victories to his king and shows covenant love to his anointed, to David and his descendants forever. “Iye anopa mambo wake kukunda kukuru; anoratidza unyoro hwake kumuzodziwa wake, kuna Dhavhidhi nezvizvarwa zvake nokusingaperi.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]