Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Samuel 23 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Now these are the last words of David. The oracle of David son of Jesse, the oracle of the man raised on high, anointed by the God of Jacob, our Father, Israel's beloved singer of songs: Aya ndiwo mashoko okupedzisira aDhavhidhi: “Chirevo chaDhavhidhi mwanakomana waJese, Chirevo chomurume akasimudzirwa noWokumusoro-soro, murume akazodzwa naMwari waJakobho, muimbi wenziyo waIsraeri:
2 The Spirit of our Father spoke through me; his word was on my tongue. “Mweya waJehovha wakataura kubudikidza neni; shoko rake rakanga riri parurimi rwangu.
3 Our Father, the God of Israel, has spoken; the Rock of Israel said to me: "When one rules over people in righteousness, ruling in the fear of God, Mwari waIsraeri akataura, Dombo raIsraeri akati kwandiri: ‘Kana munhu achitonga vanhu mukururama, kana achitonga mukutya Mwari,
4 he is like the light of morning when the sun rises on a cloudless dawn, like the brightness after rain that brings grass from the earth. akaita sechiedza chamangwanani pakubuda kwezuva mangwanani kusina makore, sokujeka kwezuva shure kwokunaya kwemvura kunomeresa uswa kubva pasi.’
5 Is not my house like this with our Father? For he has made with me an everlasting covenant, ordered in all things and secure. Will he not bring to fruition all my salvation and all my desire? “Ko, imba yangu haisi yakadaro kuna Mwari here? Nokuti akaita sungano isingaperi neni, yakarongwa uye yakasimbiswa pazvinhu zvose. Ko, haachazozadzisi ruponeso rwangu uye agondipa zvose zvandinoda here?
6 But worthless men are all like thorns thrown away, for they cannot be picked up barehanded. Asi vanhu vakaipa vacharasirwa parutivi seminzwa, isingaunganidzwi noruoko.
7 The one who would touch them arms himself with iron and the shaft of a spear, and they are burned with fire on the spot." Ani naani anobata minzwa anoshandisa mudziyo wesimbi kana rwiriko rwepfumo; uye ichapiswa zvachose pairi ipapo.”
8 These are the names of David's mighty warriors: Josheb-basshebeth the Tahkemonite, chief of the three, raised his spear against 800 men, killing them at once. Aya ndiwo mazita emhare dzaDhavhidhi: Joshebhi-Bhashebheti, muTakemoni, akanga ari mukuru waVatatu; akasimudza pfumo rake achirwa navarume mazana masere, akavauraya panguva imwe chete.
9 Next was Eleazar son of Dodo the Ahohite, one of the three mighty men with David when they defied the Philistines gathered for battle there, and Israel's men retreated. Aimutevera akanga ari Ereazari, mwanakomana waDhodhai muAhohi. Somumwe wavarume vatatu voumhare, akanga ana Dhavhidhi pavakashora vaFiristia vakanga vakaungana paPasi Dhamimi kuti vazorwa. Ipapo varume veIsraeri vakadzokera shure,
10 He rose up, struck the Philistines until his hand tired and clung to the sword. Our Father won a great victory that day, and the troops returned behind him only to strip the dead. asi iye akamira akabaya vaFiristia kusvikira ruoko rwake rwaneta uye rwanamatira pamunondo. Jehovha akaita kuti vakunde kwazvo zuva iroro; uye varwi vakadzokera kuna Ereazari, asi kundokutunura nhumbi dzavakafa chete.
11 Next was Shammah son of Agee the Hararite. The Philistines massed at Lehi, in a field full of lentils, and the troops fled from them. Aimutevera akanga ari Shama mwanakomana weAgi muHarari. VaFiristia vakati vaungana pamwe chete panzvimbo yakanga ine munda wakanga uzere nenyemba, varwi vavaIsraeri vakatiza pamberi pavo.
12 But Shammah stood in the middle of the field, defended it, and struck down the Philistines. And our Father brought a great victory. Asi Shama akanyatsomira pakati pomunda. Akaudzivirira akauraya vaFiristia, uye Jehovha akauyisa kukunda kukuru.
13 At harvest three of the thirty chief men went down to David at the cave of Adullam, while a band of Philistines camped in the Valley of Rephaim. Panguva yokukohwa, vatatu pakati pavakuru makumi matatu vakaburuka kuna Dhavhidhi kubako reAdhurami, nguva iyoyo hondo yavaFiristia yakanga yakadzika misasa muMupata weRefaimi.
14 David was then in the stronghold, and a Philistine garrison was at Bethlehem. Panguva iyoyo Dhavhidhi akanga ari munhare, uye hondo yavaFiristia yakanga iri paBheterehema.
15 David longed for water and said, "If only someone would give me a drink of water from the well by the gate in Bethlehem!" Dhavhidhi akapanga mvura akati, “Haiwa, dai mumwe andiwanirawo mvura yokunwa patsime riri pedyo reBheterehema!”
16 So the three warriors broke through the Philistine camp, drew water from the well of Bethlehem by the gate, and brought it to David. But he refused to drink it; he poured it out to our Father. Saka mhare nhatu dzakapinda napakati pavaFiristia, vakachera mvura kubva mutsime raiva pedyo nesuo reBheterehema vakaitakura vakaenda nayo kuna Dhavhidhi. Asi akaramba kuinwa, akaidururira pasi kuna Jehovha.
17 He said, "Far be it from me, my Father, that I should do this! Is this not the blood of the men who risked their lives?" So he would not drink it. Such were the deeds of the three warriors. Akati, “Ngazvive kure neni, Jehovha, kuti ndiite izvi! Ko, iri harisi ropa ravarume vakaendako vachiisa upenyu hwavo panjodzi here?” Uye Dhavhidhi akaramba kuinwa. Izvi ndizvo zvakaitwa nemhare nhatu.
18 Abishai, Joab's brother, son of Zeruiah, was chief of the thirty. He raised his spear against 300, killed them, and won fame among the three. Abhishai mununʼuna waJoabhu mwanakomana waZeruya akanga ari mukuru waVatatu. Akasimudza pfumo rake kuti arwe navarume mazana matatu, akavauraya, nokudaro akava nomukurumbira saVatatu.
19 Was he not the most honored of the thirty? He became their commander, though not one of the three. Ko, haana kupiwa kuremekedzwa kukuru kupfuura vaya Vatatu here? Iye akazova mutungamiri wavo, kunyange zvazvo akanga asina kuverengwa pakati pavo.
20 Benaiah son of Jehoiada was a valiant man from Kabzeel, a man of great deeds. He struck down Moab's two mighty warriors. He went down into a pit on a snowy day and killed a lion there. Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akanga ari munhu woumhare aibva kuKabhizeeri, akaita zvinhu zvikuru. Akauraya varume vaviri veMoabhu vakanga vari mhare. Akapindawo mugomba kuchitonhora kwazvo musi uyo, akauraya shumba imomo.
21 He also struck down an impressive Egyptian. The Egyptian held a spear, but Benaiah came at him with only a staff, wrenched the spear from his hand, and killed him with his own spear. Uye akabaya muIjipita akanga ari hofori. Kunyange zvazvo muIjipita akanga ane pfumo muruoko rwake, Bhenaya akarwa naye netsvimbo. Akabvuta pfumo rakanga riri muruoko rwomuIjipita akamuuraya nepfumo rake.
22 These were the deeds of Benaiah son of Jehoiada, who won a name among the three mighty men. Ndiwo akanga ari mabasa aBhenaya mwanakomana waJehoyadha; naiyewo akanga ano mukurumbira sowavarume vaya vatatu voumhare.
23 He was more honored than the thirty, but not among the three. David put him over his bodyguard. Akaremekedzwa zvikuru kupinda ani zvake wavaye Makumi Matatu, asi akanga asina kuverengwa pakati pavaya vatatu. Uye Dhavhidhi akamugadza kuti ave mutariri wavarindi vake.
24 Among the thirty were: Asahel the brother of Joab; Elhanan son of Dodo of Bethlehem; Pakati pavaya Makumi Matatu paiti: Asaheri mununʼuna waJoabhu, Erihanani mwanakomana waDhodho aibva kuBheterehema,
25 Shammah the Harodite; Elika the Harodite; Shama muHarodhi, Erika muHarodhi,
26 Helez the Paltite; Ira son of Ikkesh the Tekoite; Herezi muPariti, Ira mwanakomana waIkeshi aibva kuTekoa,
27 Abiezer the Anathothite; Mebunnai the Hushathite; Abhiezeri aibva kuAnatoti, Mebhunai muHushati,
28 Zalmon the Ahohite; Maharai the Netophathite; Zarimoni muAhohi, Maharai muNetofati,
29 Heleb son of Baanah the Netophathite; Ittai son of Ribai from Gibeah of the Benjaminites; Heredhi mwanakomana waBhaana muNetofati, Itai mwanakomana waRibhai aibva kuGibhea muBhenjamini,
30 Benaiah the Pirathonite; Hiddai from the ravines of Gaash; Bhenaya muPiratoni, Hidhai aibva kuhova dzeGaashi,
31 Abi-albon the Arbathite; Azmaveth the Barhumite; Abhi-Aribhoni muAribhati, Azimavheti muBharihumi,
32 Eliahba the Shaalbonite; the sons of Jashen; Jonathan; Eriabha muShaaribhoni, mwanakomana waJasheni, Jonatani
33 Shammah the Hararite; Ahiam son of Sharar the Hararite; mwanakomana waShama muHarari, Ahiami mwanakomana waSharari muHarari,
34 Eliphelet son of Ahasbai the Maacathite; Eliam son of Ahithophel the Gilonite; Erifereti mwanakomana waAhasibhai muMaakati, Eriamu mwanakomana waAhitoferi muGironi,
35 Hezro the Carmelite; Paarai the Arbite; Heziro muKarimeri, Paarai muAribhiti,
36 Igal son of Nathan of Zobah; Bani the Gadite; Igari mwanakomana waNatani aibva kuZobha, mwanakomana waHagiri,
37 Zelek the Ammonite; Naharai the Beerothite, the armor-bearer of Joab son of Zeruiah; Zereki muAmoni, Naharai muBheeroti, mutakuri wenhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu mwanakomana waZeruya,
38 Ira the Ithrite; Gareb the Ithrite; Ira muItiri, Garebhi muItiri
39 and Uriah the Hittite—thirty-seven in all. naUria muHiti. Vose vaiva makumi matatu navanomwe pamwe chete.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]