Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Corinthians 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 So I made up my mind not to make another painful visit to you. Saka ndakati mumwoyo mangu handingaitizve rumwe rwendo kwamuri runokutambudzai.
2 For if I hurt you, who is left to cheer me but the one I hurt? Nokuti kana ndichikuchemedzai, ndianiko achasara kuti andifadze kunze kwenyu imi vandinochemedza?
3 I wrote this so that when I came those who should make me rejoice would not pain me, confident in all of you that my joy is the joy of you all. Ndakanyora nenzira iyi kuitira kuti kana ndasvika ndirege kutsamwiswa navaya vaifanira kundifadza. Ndakanga ndine tariro mamuri mose, kuti muchagoverana neni mumufaro wangu.
4 Out of deep distress and anguish of heart I wrote to you with many tears, not to grieve you but to show you the overflowing love I have for you. Nokuti ndakakunyorerai ndino kusuwa kukuru, nokurwadziwa mumwoyo uye nemisodzi mizhinji, kwete kuti ndikuchemedzei asi kuti ndikuzivisei udzamu hworudo rwangu kwamuri.
5 But if anyone has caused pain, he has not so much pained me as, in part, all of you—I don't want to be too hard on him. Kana mumwe akauyisa kuchema, haana kuchemedza ini sokuchemedza kwaakaita imi mose, ndisingatauri mashoko akawanda.
6 For such a person, this punishment by the majority is enough. Kurangwa kwaakaitwa navanhu vazhinji kwakamuringana.
7 So now instead you should forgive and comfort him, or he may be overwhelmed by excessive sorrow. Asi zvino, munofanira kumuregerera nokumunyaradza, kuitira kuti arege kuodzwa mwoyo kwazvo neshungu dzakanyanya.
8 So I urge you to reaffirm your love for him. Ndinokukurudzirai, naizvozvo, kuti mumutsiridze rudo rwenyu kwaari.
9 This is also why I wrote: to test you and know whether you are obedient in everything. Chikonzero chakaita kuti ndikunyorerei chaiva chokuti ndione kana makanga muchigona kumira nokuteerera muzvinhu zvose.
10 Anyone you forgive, I forgive too. What I have forgiven—if anything—I forgave for your sake before Christ, Kana muchiregerera munhu upi zvake neniwo ndinomuregerera. Uye zvandakaregerera, kana pane chinhu chandingaregerera, ndakaregerera pamberi paKristu nokuda kwenyu,
11 so that we would not be outwitted by Satan—for we are not unaware of his schemes. kuitira kuti Satani arege kutinyengera. Nokuti mano ake tinoaziva.
12 When I came to Troas to preach the gospel of Christ, a door opened for me in the Lord, Zvino pandakaenda kuTroasi kundoparidza vhangeri raKristu uye ndikaona kuti Ishe akanga andizarurira musuo,
13 yet my spirit had no rest, for I did not find my brother Titus there. So I said goodbye and went on to Macedonia. ndakanga ndisina rugare mumwoyo mangu, nokuti handina kuwanako Tito hama yangu. Saka ndakaonekana navo ndikaenda kuMasedhonia.
14 But thanks to our Father, who always leads us in triumph in Christ and through us spreads everywhere the fragrance of knowing him. Asi Mwari ngaavongwe, anotikundisa nguva dzose pakufamba kwedu muna Kristu uye kubudikidza nesu anoratidza kwose kwose kunhuhwirira kworuzivo rwake.
15 For we are the aroma of Christ to our Father among those being saved and those perishing, Nokuti isu tiri kunhuhwirira kwaKristu kuna Mwari pakati peavo vari kuponeswa nevari kuparara.
16 to one, a fragrance from death to death; to the other, a fragrance from life to life. And who is sufficient for this? Kuno mumwe tiri munhuwi worufu; kuno mumwewo tiri kunhuhwirira kwoupenyu. Zvino ndianiko angakwanisa basa rakadai?
17 For we're not, like so many, peddlers of our Father's word, but in sincerity, as from him, in his sight, we speak in Christ. Nokuti hatina kufanana navazhinji vanokanganisa shoko raMwari vachida kuwana mugove kubva pariri. Asi, tinotaura muna Kristu nokutendeka pamberi paMwari, savanhu vakatumwa naMwari.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]