Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Corinthians 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Paul, an apostle of Christ Jesus by the will of our Father, and Timothy our brother, to the church of our Father in Corinth, with all the holy ones throughout Achaia: Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti hama yedu, kukereke yaMwari iri muKorinde, pamwe chete navatsvene vose vari muAkaya yose:
2 Grace to you and peace from our Father and the Lord Jesus Christ. Nyasha norugare ngazvive kwamuri zvichibva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
3 Blessed be our Father, the Father of our Lord Jesus Christ, the Father of compassion and all comfort, Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, ivo Baba vengoni naMwari wokunyaradza kwose,
4 who comforts us in all our suffering, so we can comfort others in all their suffering with the comfort we ourselves receive from our Father. ivo vanotinyaradza pamatambudziko edu ose, kuti tigone kunyaradza avo vari mumatambudziko nokunyaradza kwatakawana isu kubva kuna Mwari.
5 As the sufferings of Christ overflow to us, so our comfort also overflows through Christ. Nokuti sokuwanda kunoita matambudziko aKristu muupenyu hwedu, ndiko kuwandawo kunoita kunyaradzwa kwedu naKristu.
6 If we suffer, it's for your comfort and salvation; if we're comforted, it's for your comfort, worked out as you patiently endure the same suffering we suffer. Kana tichitambudzika, zvinoitirwa kunyaradzwa kwenyu noruponeso rwenyu, kana tichinyaradzwa, zvinoitirwa kunyaradzwa kwenyu, kunobereka mamuri kutsungirira pamatambudziko iwayo atinotambudzika nawo.
7 Our hope for you is firm, knowing that as you share in the sufferings, so also you share in the comfort. Uye tariro yedu kwamuri yakasimba, nokuti tinoziva kuti sezvamunogoverana nesu mumatambudziko edu, saizvozvowo muchagoverana nesu mukunyaradzwa kwedu.
8 We want you to know, brothers and sisters, of the suffering we faced in Asia: we were weighed down far beyond our strength, so that we gave up hope of even living. Hatidi kuti murege kuziva, hama, pamusoro pamatambudziko akatiwira tiri mudunhu reEzhia. Takaremerwa kwazvo, kupfuura zvatakagona kutsungirira, zvokuti takati takanga tofa.
9 We felt we had received a death sentence, so we would rely not on ourselves but on our Father, who raises the dead. Zvirokwazvo mumwoyo medu takanzwa kuti takanga tatongerwa rufu. Asi izvi zvakaitika kuti tirege kuvimba nesimba redu asi naMwari, anomutsa vakafa.
10 He rescued us from such a deadly threat, and will rescue us again; we have set our hope on him to keep rescuing us, Akatidzikinura padambudziko guru rorufu rakadai, uye achatidzikinura. Paari ndipo pane tariro yedu kuti acharamba achitidzikinura,
11 as you also help us by your prayers, so many will give thanks on our behalf for the gracious gift given us through many prayers. imi muchitibatsirawo neminyengetero yenyu. Ipapo vazhinji vachavonga pamusoro pedu nokuda kwenyasha zhinji dzatichapiwa pakupindurwa kweminyengetero yavazhinji.
12 For this is our boast: our conscience testifies we lived in the world—especially toward you—with the holiness and sincerity of our Father, not worldly wisdom but the grace of our Father. Zvino uku ndiko kuzvirumbidza kwedu: Hana dzedu dzinotipupurira: kuti takazvibata nokutendeka kunobva kuna Mwari, munyika uye kunyanya paukama hwedu nemi. Hatina kuita izvi nouchenjeri hwenyama, asi maererano nenyasha dzaMwari.
13 We write you nothing but what you can read and even understand, and I hope you'll understand fully, Nokuti hatikunyorerei zvinhu zvamusingagoni kuverenga kana kunzwisisa. Uye ndinovimba kuti,
14 as you have partly understood us: on the day of our Lord Jesus, you will boast of us as we will of you. sezvamakatinzwisisa pane zvimwe, muchazosvika pakunyatsotinzwisisa zvakazara zvokuti muchazvirumbidza matiri sezvatichazvirumbidza mamuri, pazuva raIshe Jesu.
15 With this confidence, I planned to come to you first, so you might have a second grace. Nokuti ndaiziva chinhu ichi, ndakaronga kuti nditange kuuya kwamuri kuti mugoropafadzwa kaviri.
16 I planned to visit you on my way to Macedonia, return to you from Macedonia, and have you send me on to Judea. Ndakaronga kukushanyirai ndiri parwendo rwangu rwokuenda kuMasedhonia, uye ndaizodzokazve nokwamuri kana ndobva kuMasedhonia, uye kuti muzondiendesa parwendo rwangu kuJudhea.
17 Was I fickle in planning this? Or do I plan according to the flesh, saying Yes, yes and No, no at once? Pandakaronga izvi, ndakazviita ndisingarevesi here? Kana kuti ndinoita urongwa hwangu nenzira yenyama here, zvokuti ndingati nenzira imwe cheteyo, “Hongu, hongu” uye “Kwete, kwete.”
18 As surely as our Father is faithful, our word to you has not been "Yes" and "No." Asi zvirokwazvo naMwari akatendeka, shoko redu kwamuri harizi “Hongu” kana “Kwete.”
19 For the Son of our Father, Jesus Christ, proclaimed among you through Silvanus, Timothy, and me, was not "Yes" and "No," but always "Yes" in him. Nokuti Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, uyo akaparidzwa pakati penyu neni naSirasi uye naTimoti, akanga asiri, “Hongu” kana “Kwete”, asi maari zvakagara zviri “Hongu.”
20 However many promises our Father made, in him they are "Yes"; so through him, too, we say "Amen" to our Father, for his glory. Nokuti hazvinei kuti Mwari akativimbisa zvinhu zvizhinji zvakadii, zvose i“Hongu” muna Kristu. Uye kubudikidza naiye tinoti “Ameni” kuti Mwari akudzwe.
21 Now it is our Father who establishes us with you in Christ and has anointed us, Zvino ndiMwari anoita kuti tose imi nesu timire takasimba muna Kristu. Akatizodza,
22 who also sealed us and gave us his Holy Spirit in our hearts as a guarantee of what's coming. akaisawo chisimbiso patiri chokuti tava vake, uye akaisa Mweya wake mumwoyo medu kuti ave rubatso, achipa chisimbiso chezvichauya.
23 I call our Father as witness, on my life, that I did not return to Corinth to spare you. Ndinodana Mwari kuti ave chapupu changu kuti handina kuzouya kuKorinde nokuti ndakakunzwirai tsitsi.
24 Not that we control your faith, but we work together with you for your joy, since you stand firm by faith. Kwete nokuti tinoda kuremedza kutenda kwenyu, asi kuti tinobatsirana nemi kuti muve nomufaro, nokuti makamira zvakasimba nokuda kwokutenda.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]