Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Corinthians 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Are we starting to recommend ourselves again? Or do we, like some, need letters of recommendation to you or from you? Tava kutangazve kuzvirumbidza here? Kana kuti tinotsvaka here, savamwe, tsamba dzinoenda kwamuri kana dzinobva kwamuri dzinotirumbidza?
2 You yourselves are our letter, written on our hearts, known and read by everyone. Imi pachenyu ndimi tsamba yedu, yakanyora pamwoyo yedu, inozivikanwa uye inoverengwa navanhu vose.
3 You show yourselves to be a letter from Christ, delivered by us—written not with ink but with the Spirit of our living Father, not on stone tablets but on tablets of human hearts. Munoonekwa kuti muri tsamba yakabva kuna Kristu, basa roushumiri hwedu, yakanyorwa, kwete neingi, asi noMweya waMwari mupenyu, kwete pamahwendefa amabwe, asi pamahwendefa emwoyo yavanhu.
4 Such is the confidence we have through Christ toward our Father. Kutenda kwakadai souku tinako kubudikidza naKristu pamberi paMwari.
5 Not that we're competent in ourselves to claim anything as our own, but our competence is from our Father. Kwete nokuti tinogona isu pachedu, zvokuti titi chakati ndechedu, asi kugona kwedu kunobva kuna Mwari.
6 He made us competent to serve a new covenant—not of the letter but of the Spirit. For the letter kills, but the Spirit gives life. Akatigonesa savashumiri vesungano itsva, kwete yakanyorwa asi yoMweya; nokuti tsamba inouraya, asi Mweya anopa upenyu.
7 If the ministry of death, carved in letters on stone, came with such glory that Israelites could not gaze at Moses' face because of its glory—a glory that was fading, Zvino kana kushumira kwakauyisa rufu, kwakanga kwakatemwa namavara pamabwe, kwakauya nokubwinya zvokuti vaIsraeri vakanga vasingagoni kuramba vakatarisa pachiso chaMozisi nokuda kwokubwinya kwacho, kunyange kwakanga kuchipfuura hako,
8 will not the ministry of the Spirit come with even greater glory? ko, kushumira kwaMweya hakungavi nokubwinya kukuru here?
9 For if the ministry of condemnation had glory, how much more does the ministry of righteousness overflow with glory! Kana kushumira kwakauyisa kutongwa kuvanhu kuchibwinya, ko, kuzoti kushumira kunouyisa kururama kunobwinya zvikuru sei!
10 What was glorious has no glory now, outshined by surpassing glory. Nokuti chaibwinya hachisisina kubwinya zvino kana tichichienzanisa nokubwinya kunochipfuura.
11 For if what was fading came with glory, how much greater is the glory of what endures! Uye kana chakanga chichizopfuura chakauya nokubwinya, ko, kuzoti chinogara chichava nokubwinya kukuru sei!
12 Since we have such a hope, we act with great boldness. Naizvozvo, zvatine tariro yakadai, takashinga zvikuru.
13 We are not like Moses, who put a veil over his face so the Israelites couldn't stare at the end of what was fading. Hatina kufanana naMozisi aiisa chifukidziro pachiso chake kuti vaIsraeri varege kuchitarisa kupenya pakwainge kwava kupera.
14 But their minds were hardened. To this day, the same veil remains when the old covenant is read—unlifted, since only in Christ is it removed. Asi ndangariro dzavo dzakapofumadzwa, nokuti chifukidziro chimwe chetecho chichiripo kana sungano yakare ichiverengwa. Hachina kubviswa, nokuti chinongobviswa chete muna Kristu.
15 Yes, to this day, whenever Moses is read, a veil lies over their hearts. Kunyange kusvikira zuva ranhasi kana Mozisi achiverengwa, chifukidziro chinofukidza mwoyo yavo.
16 But whenever anyone turns to our Lord Jesus, the veil is taken away. Asi kana munhu akatendeukira kuna She chete, chifukidziro chinobviswa.
17 Our Lord Jesus is the Spirit, and where the Spirit of our Lord Jesus is, there is freedom. Zvino Ishe ndiye Mweya, uye pane Mweya waShe, pano kusununguka.
18 We all, faces unveiled, gazing at the glory of our Lord Jesus, are transformed into that same image, from glory to glory, as from our Lord Jesus, the Spirit. Zvino isu, vane zviso zvisina kufukidzwa tose tinoratidza kubwinya kwaShe, tiri kushandurwa kuti tifanane naye nokubwinya kunoramba kuchiwedzerwa, kunobva kuna Ishe, anova iye Mweya.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]