Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Chronicles 21 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Jehoshaphat rested with his ancestors, buried with them in the City of David; his son Jehoram reigned instead. Ipapo Jehoshafati akazozorora namadzibaba ake akavigwa navo muguta raDhavhidhi uye Jehoramu mwanakomana wake akamutevera paumambo.
2 Jehoram's brothers, sons of Jehoshaphat: Azariah, Jehiel, Zechariah, Azariah, Michael, Shephatiah. All these were sons of Jehoshaphat king of Israel. Vanunʼuna vaJehoramu vanakomana vaJehoshafati vaiti Azaria, Jehieri, Zekaria, Azariyahu, Mikaeri naShefatia. Vose ava vaiva vanakomana vaJehoshafati mambo weIsraeri.
3 Their father gave them many gifts—silver, gold, precious things—and fortified cities in Judah, but gave the kingdom to Jehoram, because he was firstborn. Baba vavo vakanga vavapa zvipo zvakawanda zvesirivha negoridhe nezvinhu zvinokosha pamwe chete namaguta ana masvingo muJudha, asi akanga apa umambo kuna Jehoramu nokuti aiva mwanakomana wake wokutanga.
4 Once Jehoram rose over his father's kingdom, he grew strong and killed all his brothers with the sword, and also some of Israel's officials. Jehoramu paakazvisimbisa paumambo hwababa vake, akauraya vanunʼuna vake vose pamwe chete navamwe vana voumambo veIsraeri.
5 Jehoram was thirty-two years old when he became king, and he reigned eight years in Jerusalem. Jehoramu aiva namakore makumi matatu namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore masere.
6 He walked in the way of Israel's kings, as Ahab's house had done, for Ahab's daughter was his wife, and he did evil in our Father's eyes. Akafamba nenzira dzamadzimambo eIsraeri, sezvakanga zvaitwa neimba yaAhabhu nokuti akawana mwanasikana waAhabhu. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha.
7 Yet our Father would not destroy the house of David, because of the covenant he made with David, and his promise to give him and his sons a lamp forever. Zvisinei hazvo, nokuda kwesungano yakanga yaitwa naJehovha naDhavhidhi, Jehovha haana kuda kuparadza imba yaDhavhidhi. Akanga avimbisa kuchengetedza mwenje wake nezvizvarwa zvake nokusingaperi.
8 In Jehoram's days Edom rebelled against Judah's rule and set up their own king. Panguva yaJehoramu, Edhomu yakapandukira Judha ikagadza mambo wayo.
9 Jehoram crossed with his commanders and all his chariots. He rose at night and struck the Edomites surrounding him and the chariot commanders. Saka Jehoramu akaendako namachinda ake nengoro dzake dzose. VaEdhomu vakamukomba navakuru vake nengoro dzake asi akasimuka akabuda pakati pavo nousiku.
10 Edom rebelled against Judah's rule to this day; Libnah also rebelled then, because he had abandoned our Father, the God of his ancestors. Kusvikira nhasi vaEdhomu vakaramba vakamukira Judha. Ribhina yakavamukirawo panguva imwe cheteyo, nokuti Jehoramu akanga arasa Jehovha, Mwari wamadzibaba ake.
11 He built high places on Judah's hills, led Jerusalem's people to prostitute themselves, and drew Judah astray. Akanga avakawo nzvimbo dzakakwirira pamakomo eJudha akaita kuti vanhu veJerusarema vaite upombwe akatungamirira Judha mukurasika.
12 A letter came to him from Elijah the prophet: Your Father, God of your ancestor David, says: Because you haven't walked in the ways of your father Jehoshaphat, or the ways of Asa king of Judah, Jehoramu akatambira tsamba kubva kuna muprofita Eria yaiti: “Zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi: ‘Hauna kufamba munzira dzababa vako Jehoshafati kana dzaAsa mambo weJudha.
13 but walked like Israel's kings, led Judah and Jerusalem's people to be unfaithful, as Ahab's house led Israel, and killed your brothers—your father's house—men better than you, Asi wakafamba nomunzira dzamadzimambo eIsraeri uye wakatungamirira Judha navanhu vose veJerusarema mukuita upombwe sezvakaitwa neimba yaAhabhu. Wakaurayawo hama dzako, nhengo dzeimba yababa vako varume vakanga vari nani kupfuura iwe.
14 now your Father will strike your people, children, wives, and all your goods with a great plague. Saka zvino Jehovha ava kuda kuparadza vanhu vako, vanakomana vako, vakadzi vako nechose chinonzi ndechako, neshamhu inorema kwazvo.
15 You will have a severe intestinal disease, until day by day your intestines come out. Iwewe pachako ucharwara zvikuru nechirwere chomuura, kusvikira chirwere ichi chaita kuti ura hwako hubude kunze.’ ”
16 Our Father stirred up against Jehoram the spirit of the Philistines and Arabs near the Cushites. Jehovha akamutsa vaFiristia navaArabhu vaigara pedyo navaEtiopia kuti varwise Jehoramu.
17 They attacked Judah, invaded it, and seized all the goods found in the king's palace, plus his sons and wives, leaving him no son except Jehoahaz, his youngest. Vakarwisa Judha, vakaipamba vakatakura zvinhu zvose zvavakawana mumuzinda wamambo pamwe chete navanakomana vake navakadzi vake. Hakuna mwanakomana mumwe chete akasiyiwa kwaari kunze kwaAhazia mudiki pane vose.
18 After all this, our Father struck him with an incurable disease in his intestines. Shure kwaizvozvi zvose, Jehovha akarwadzisa Jehoramu nechirwere chisingarapike choura.
19 In time, after two years, his intestines came out because of his disease, and he died in agony. His people made no fire for him, as they had for his ancestors. Nokufamba kwenguva mukupera kwegore rechipiri maura ake akabuda kunze nokuda kwechirwere ichi, uye akafa achirwadziwa zvikuru. Vanhu vose havana kuvesa moto wokumuremekedza sezvavakanga vaitira baba vake.
20 He was thirty-two when crowned king; he reigned eight years in Jerusalem. He died unmourned, buried in the City of David, but not among the kings' tombs. Jehoramu aiva namakore makumi matatu namaviri paakava mambo uye akatonga muJerusarema kwamakore masere. Paakafa hapana akarwadziwa nokufa kwake, akavigwa muguta raDhavhidhi asi kwete kumakuva amadzimambo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]