Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Chronicles 22 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 The people of Jerusalem made his youngest son Ahaziah king in his place, since the raiders who came with the Arabs into the camp had killed all the older sons. So Ahaziah son of Jehoram king of Judah became king. Vanhu veJerusarema vakaita Ahazia, mwanakomana waJehoramu mudiki pane vose, mambo panzvimbo yake, nokuti vapambi vakanga vauya navaArabhu muJudha, vakanga vauraya vamwe vanakomana vake vakuru. Saka Ahazia, mwanakomana waJehoramu mambo weJudha, akatanga kutonga.
2 Ahaziah became king at twenty-two and reigned one year in Jerusalem. His mother was Athaliah, granddaughter of Omri. Ahazia aiva namakore makumi maviri namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwegore rimwe chete. Mai vake vainzi Ataria, muzukuru waOmuri.
3 He too followed the ways of Ahab's house, for his mother counseled him to do evil. Iyewo akafamba munzira dzeimba yaAhabhu nokuti mai vake vaimukurudzira kuita zvakaipa.
4 He did evil in our Father's eyes, like Ahab's house, for after his father's death they were his counselors, to his ruin. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha sezvakanga zvaitwa neveimba yaAhabhu nokuti baba vake pavakafa, ivo vakatanga kumupa mazano.
5 He followed their advice too, joining Joram son of Ahab, Israel's king, to fight Hazael king of Aram at Ramoth-gilead, where the Arameans wounded Joram. Akateverazve kurayira kwavo paakaenda naJoramu mwanakomana waAhabhu mambo weIsraeri kuhondo vachirwisana naHazaeri mambo weAramu paRamoti Gireadhi. VaAramu vakakuvadza Joramu.
6 So he returned to Jezreel to recover from the wounds he received at Ramah fighting Hazael king of Aram. Ahaziah son of Jehoram king of Judah went down to Jezreel to see Joram son of Ahab, because he was wounded. Saka akadzokera kuJezireeri kuti ambondopora maronda aakanga akuvara paRamoti paairwa naHazaeri mambo weAramu. Ipapo Ahazia mwanakomana waJehoramu mambo weJudha akadzika kuJezireeri kundoona Joramu mwanakomana waAhabhu nokuti akanga akuvara.
7 Ahaziah's downfall came from our Father when he visited Joram. On arriving, he went out with Jehoram against Jehu son of Nimshi, whom our Father had anointed to destroy the house of Ahab. Mukushanya kwaAhazia kuna Joramu, Mwari akauyisa kuparadzwa kwaAhazia. Ahazia paakasvika akaenda naJoramu kundosangana naJehu mwanakomana waNimishi, uyo akanga azodzwa naJehovha kuti aparadze imba yaAhabhu.
8 As Jehu carried out judgment on Ahab's house, he found Judah's officials and Ahaziah's nephews who served Ahaziah, and killed them. Jehu paakanga ava kutonga imba yaAhabhu akawana machinda eJudha navanakomana vehama dzaAhazia, vakanga vachishandira Ahazia, akavauraya.
9 He searched for Ahaziah, who was captured while hiding in Samaria. They brought him to Jehu and killed him, then buried him, saying, "He is Jehoshaphat's son, who sought our Father with all his heart." So Ahaziah's house had no one strong enough to hold the kingdom. Ipapo akaenda kundotsvaka Ahazia, uye vanhu vake vakamubata paakanga akavanda muSamaria. Akauyiswa kuna Jehu, ndokuurayiwa. Vakamuviga nokuti vakati, “Akanga ari mwanakomana waJehoshafati, aitsvaga Mwari nomwoyo wake wose.” Saka pakasara pasina akanga akasimba muimba yaAhazia zvokuti angagona kubata ushe.
10 When Athaliah, Ahaziah's mother, saw her son was dead, she set out to destroy all the royal offspring of Judah's house. Ataria mai vaAhazia pavakaona kuti mwanakomana wavo afa, vakasimuka vakandoparadza mhuri yose youmambo hweimba yaJudha.
11 But Jehoshabeath the king's daughter took Joash son of Ahaziah, stealing him from among the royal sons about to be killed, and hid him with his nurse in a bedroom. So Jehoshabeath, King Jehoram's daughter, Jehoiada the priest's wife and Ahaziah's sister, hid him from Athaliah, so she did not kill him. Asi Jehoshebha, mwanasikana waMambo Jehoramu akatora Joashi mwanakomana waAhazia uya akamuba kubva pakati pavanakomana vamambo avo vakanga vava kuda kuurayiwa uye akamuisa iye nomureri wake mumba mokuvata. Nokuti Jehoshebha, mwanasikana wamambo Jehoramu nomukadzi womuprista Jehoyadha, aiva hanzvadzi yaAhazia, akaviga mwana kubva kuna Ataria kuti asamuuraya.
12 He stayed hidden with them in the house of our Father six years while Athaliah reigned over the land. Akaramba akavanzwa navo patemberi yaMwari kwamakore matanhatu Ataria paaitonga nyika.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]