Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Chronicles 20 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Later, Moabites and Ammonites, with some Meunites, came to make war on Jehoshaphat. Shure kwaizvozvi vaMoabhu navaAmoni navamwe vaMeuni vakauya kuzorwa naJehoshafati.
2 Messengers came and reported to Jehoshaphat, "A vast army comes against you from beyond the Dead Sea, from Edom, already at Hazazon-tamar" (En-gedi). Vamwe varume vakauya vakaudza Jehoshafati kuti, “Hondo huru kwazvo iri kuuya kuzokurwisai kubva kuEdhomu, vachibva mhiri kweGungwa. Yatova muHazazoni Tamari (zvichireva Eni Gedhi).”
3 Jehoshaphat was afraid, so he set himself to seek our Father, and proclaimed a fast throughout Judah. Achitya, Jehoshafati akafunga kundobvunza Jehovha, akadaidzira kuti Judha yose itsanye.
4 Judah gathered to seek our Father; from every town of Judah they came to seek him. Vanhu veJudha vakaungana pamwe chete kuti vatsvage rubatsiro kubva kuna Jehovha. Zvirokwazvo, vakabva mumaguta ose eJudha kuzomutsvaka.
5 Then Jehoshaphat stood up in the assembly of Judah and Jerusalem, in our Father's house, before the new courtyard. Ipapo Jehoshafati akamira muungano yeJudha neJerusarema patemberi yaJehovha pamberi pechivanze chitsva,
6 He said: "O our Father, God of our ancestors, are you not our Father in heaven? You rule all kingdoms of nations. Power and might are in your hand; none can stand against you. uye akati: “Haiwa Jehovha, Mwari wamadzibaba edu, hamusimi here Mwari wokudenga? Munotonga umambo hwose huri panyika. Simba noukuru zviri muruoko rwenyu. Uye hapana angagona kukukundai.
7 Our Father, didn't you drive out this land's people before your people Israel, giving it forever to Abraham your friend's descendants? Haiwa Mwari wedu, hamuna here kudzinga vagari venyika ino pamberi pavanhu venyu Israeri mukaipa zvachose kuvana vaAbhurahama, shamwari yenyu?
8 They have lived in it and have built you a sanctuary in it for your name, saying, Vakararama mairi, uye vakavakira mairi imba yeZita renyu vachiti,
9 if disaster comes on us—sword of judgment, plague, or famine—we'll stand before this house and before you, for your name is in this house, and cry out to you in our distress, and you'll hear and save. ‘Kana dambudziko rikatiwira, ringava pfumo rokutonga kana denda, kana nzara, tichamira muuvepo hwenyu pamberi petemberi ine Zita renyu, uye tichachema kwamuri mukutambudzika kwedu uye imi muchatinzwa mugotinunura.’
10 Now: Ammon, Moab, and Mount Seir—you would not let Israel invade them when they came from Egypt; Israel turned away from them and did not destroy them. “Asi zvino ava varume vabva kuAmoni, Moabhu neGomo reSeiri vane nyika yamusina kutendera Israeri kuti itore payakabva kuIjipiti. Saka vakavarega uye vakasavaparadza.
11 See how they repay us, coming to drive us from the possession you gave us to inherit. Onai kuti vava kutiripa sei nokuuya kwavo kuzotidzinga munyika yamakatipa senhaka.
12 Our Father, won't you judge them? We're powerless against this vast army coming against us; we don't know what to do, but our eyes are on you." Haiwa Mwari wedu, hamungavatongi here? Nokuti isu hatina simba rokutonga hondo huru yakadai iri kuuya kuzotirwisa. Hatizivi kuti tingaita sei, asi meso edu akatarisa kwamuri.”
13 All Judah stood there before our Father, with their little ones, their wives, and their children. Varume vose veJudha, navakadzi vavo navana vadiki, vakamira pamberi paJehovha.
14 Then our Father's Spirit came on Jahaziel son of Zechariah, son of Benaiah, son of Jeiel, son of Mattaniah, a Levite of Asaph's line, amid the assembly. Ipapo mweya waMwari wakauya pana Jahazieri mwanakomana waZekaria, mwanakomana waBhenaya, mwanakomana waJeyeri, mwanakomana waMatania muRevhi uye chizvarwa chorudzi rwaAsafi, paakanga akamira muungano.
15 He said: "Listen, all Judah, Jerusalem's residents, and King Jehoshaphat. This is what our Father says to you: Do not fear or be terrified by this vast army—the battle isn't yours but our Father's. Akati, “Teererai, Mambo Jehoshafati navose vanogara muJudha neJerusarema! Zvanzi naJehovha kwamuri, ‘Musatya kana kuora mwoyo nokuda kwehondo iyi huru, nokuti kurwa uku hakusi kwenyu, asi ndokwaMwari.
16 Tomorrow go down against them: they're climbing the Ziz ascent; you'll find them at the valley's end, facing the Jeruel wilderness. Mangwana dzikai mundovarwisa. Vachange vachikwidza nomuMupata weZizi uye muchavawana kumagumo omupata muGwenga reJerueri.
17 You won't need to fight this battle. Take your places, stand firm, and watch our Father rescue you, Judah and Jerusalem. Don't fear or lose heart. March out against them tomorrow, for our Father is with you.'" Hamusi kuzorwa hondo iyi. Torai nzvimbo dzenyu; mumire makasimba mugoona kununurwa kwamuchapiwa naJehovha, imi Judha neJerusarema. Musatya; musaora mwoyo, endai mundovarwisa mangwana, uye Jehovha achava nemi.’ ”
18 Jehoshaphat bowed face-down, and all Judah and Jerusalem's people fell in worship before our Father. Jehoshafati akakotamisa chiso chake pasi uye vanhu vose veJudha neJerusarema vakawira pasi vachinamata pamberi paJehovha.
19 Then the Levites from the Kohathites and Korahites stood to praise our Father, Israel's God, with a loud voice raised high. Ipapo vamwe vaRevhi kubva kuvaKohati navaKorahi vakasimuka vakarumbidza Jehovha, Mwari waIsraeri nenzwi guru kwazvo.
20 At dawn they went out to Tekoa's wilderness. As they went out, Jehoshaphat stood and said, "Hear me, Judah and people of Jerusalem. Trust your Father and you'll stand firm; trust his prophets and you'll succeed." Mangwanani-ngwanani vakaenda kuGwenga reTekoa. Vava kuenda, Jehoshafati akasimuka akati, “Teererai kwandiri, Judha navanhu veJerusarema! Tendai Jehovha Mwari wenyu ipapo muchasimbiswa; tendai vaprofita vake ipapo muchabudirira.”
21 After consulting the people, Jehoshaphat appointed singers to our Father to praise his holy splendor, marching ahead of the army: "Give thanks to our Father, for his faithful love endures forever." Shure kwokunge abvunzana navanhu, Jehoshafati akagadza varume kuti vaimbire Jehovha uye vamurumbidze nokuda kwokunaka kwoutsvene hwake pavaifamba vari mberi kwehondo, vachiti: “Vongai Jehovha, nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.”
22 As they began to sing and praise, our Father set ambushes against the Ammonites, Moabites, and the people of Mount Seir who were attacking Judah, and they were struck down. Pavakatanga kuimba vachirumbidza, Jehovha akaisa vavandiri kuti varwise varume veAmoni neMoabhu neveGomo reSeiri vaiuya kuzorwisa Judha, uye vakakundwa.
23 Ammon and Moab turned against Mount Seir's people to destroy and annihilate them; once Seir's people were finished, Ammon and Moab turned and slaughtered each other. Varume veAmoni neMoabhu vakasimuka vakarwisa varume vaibva kuGomo reSeiri kuti vavaparadze zvachose. Vapedza kuuraya varume veSeiri vakaurayana pachavo.
24 When Judah reached the wilderness lookout and looked toward the vast army, they saw only corpses fallen on the ground—no one had escaped. Varume veJudha pavakasvika panzvimbo yakatarisana nerenje vakatarisa kwakanga kwaimbova nehondo huru vakangoona mitumbi yavanhu vakafa yakati rakata; hapana akapunyuka.
25 Jehoshaphat and his people came to plunder the dead, finding abundant goods, clothing, and valuables—too much to carry, so gathering it took three days. Saka Jehoshafati navanhu vake vakaenda kundotakura pfuma yavakanga vapamba, uye vakawana pakati pezvinhu izvi nhumbi dzakawanda nezvipfeko nemidziyo inokosha, yakawanda kupfuura zvavaikwanisa kutakura. Paiva nezvakapambwa zvakawanda kwazvo zvokuti vakapedza mazuva matatu vachingotakura.
26 On day four, they gathered at the Valley of Beracah and praised our Father there—so it's named Valley of Beracah to this day. Pazuva rechina vakaungana muMupata weBheraka pavakarumbidza Jehovha. Ndokusaka uchiri kunzi Mupata weBheraka kusvikira nhasi.
27 All the men of Judah and Jerusalem, Jehoshaphat leading, returned there with joy, for our Father gave them joy over their enemies. Ipapo vachitungamirirwa naJehoshafati, varume vose veJudha neJerusarema vakadzoka nomufaro kuJerusarema, nokuti Jehovha akanga avapa chikonzero chokufara pamusoro pavavengi vavo.
28 They entered Jerusalem with harps, lyres, and trumpets, and went to the house of our Father. Vakapinda muJerusarema vakaenda kutemberi yaJehovha nembira nemitengeranwa nehwamanda.
29 Fear of our Father fell on all the surrounding kingdoms when they heard our Father fought Israel's enemies. Kutya Mwari kwakauya pamadzimambo ose nenyika pavakanzwa kuti Jehovha akanga arwisa sei vavengi veIsraeri.
30 So Jehoshaphat's kingdom was at peace, for his Father gave him rest on every side. Uye nyika yaJehoshafati yakava norunyararo, nokuti Mwari wake akanga amupa zororo kumativi ose.
31 Jehoshaphat reigned over Judah, crowned at thirty-five, twenty-five years in Jerusalem; his mother, Azubah daughter of Shilhi. Saka Jehoshafati akatonga Judha. Akanga ana makore makumi matatu namashanu paakava mambo weJudha, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi maviri namashanu. Mai vake vainzi Azubha mwanasikana waShiri.
32 He walked in his father Asa's ways, never turning aside, doing right in our Father's eyes. Akafamba nomunzira dzababa vake Asa uye haana kutsauka kubva madziri; akaita zvakanga zvakarurama pamberi paJehovha.
33 Yet the high places stayed; the people still had not set their hearts on their ancestors' God. Asi nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa uye vanhu havana kunge vaisa mwoyo yavo kuna Mwari wamadzibaba avo.
34 Jehoshaphat's other acts, first to last, are in Jehu son of Hanani's records, found in the Book of Kings of Israel. Mamwe mabasa okutonga kwaJehoshafati kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira, akanyorwa mumashoko enhoroondo yaJehu mwanakomana waHanani, akanyorwa mubhuku ramadzimambo eIsraeri.
35 Later Jehoshaphat king of Judah allied with Ahaziah king of Israel, who did evil. Mushure maizvozvi, Jehoshafati mambo weJudha akaita chitenderano naAhazia mambo weIsraeri uyo akanga akaipa kwazvo.
36 He joined with him to build a fleet of trading ships to go to Tarshish, built at Ezion-geber. Akatenderana naye kuvaka zvikepe zvaizoenda kuTashishi. Mushure mokunge zvikepe izvi zvapera kuvakwa paEzioni Gebheri,
37 Eliezer son of Dodavahu of Mareshah prophesied against Jehoshaphat: "For allying with Ahaziah, our Father broke your work apart." The ships wrecked and couldn't sail to Tarshish. Eriezeri mwanakomana waDhodhavhahu, wokuMaresha akaprofita zvakaipa pamusoro paJehoshafati achiti, “Nokuti maita sungano naAhazia, Jehovha achaparadza zvamaita.” Zvikepe zvakaparadzwa uye hazvina kukwanisa kufamba kuenda kuTashishi.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]