Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Chronicles 19 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Jehoshaphat king of Judah returned safely to his house in Jerusalem. Jehoshafati mambo weJudha paakadzoka zvakanaka kumuzinda wake muJerusarema,
2 Jehu son of Hanani the seer met King Jehoshaphat and asked, "Should you help the wicked and love those who hate our Father? For this, wrath from our Father is on you. Jehu muoni, mwanakomana waHanani, akabuda kundosangana naye akati kuna mambo, “Mungabatsira here vanhu vakaipa uye mugoda avo vanovenga Jehovha? Nokuda kwaizvozvi kutsamwa kwaJehovha kwava pamusoro penyu.
3 Still, good is found in you: you cleared the Asherah poles from the land and set your heart to seek our Father." Kunyange zvakadaro hazvo, mamuri mune zvakanaka nokuti makabvisa matanda aAshera munyika uye makaisa mwoyo wenyu pakutsvaka Mwari.”
4 Jehoshaphat lived in Jerusalem, then went out again among the people, from Beersheba to Ephraim's hill country, turning them back to our Father, God of their ancestors. Jehoshafati aigara muJerusarema, uye akaendazve pakati pavanhu vokuBheeri Shebha kunyika yezvikomo yaEfuremu akavadzosa kuna Jehovha, Mwari wamadzibaba avo.
5 He appointed judges in the land, in all the fortified cities of Judah, city by city. Akagadza vatongi munyika muguta rimwe nerimwe reJudha rakakomberedzwa namasvingo.
6 He told the judges, "See what you do—you judge not for people but for our Father, and he is with you in every case you decide. Akavaudza kuti, “Cherechedzai zvikuru zvamunoita, nokuti hamusi kutongera vanhu asi Jehovha, uyo anenge anemi pamunopa mitongo.
7 Now let fear of our Father be on you. Watch and act, for with our Father there is no injustice, no favoritism, no bribery." Zvino kutya Jehovha ngakuve pamusoro penyu mutonge zvakanaka, nokuti kuna Jehovha Mwari wedu hakuna kusaruramisira kana kutsaura vanhu kana kugamuchira fufuro.”
8 Also in Jerusalem, Jehoshaphat appointed some Levites, priests, and heads of Israel's ancestral families to render the judgment of our Father and to settle disputes; they returned to Jerusalem. MuJerusarema, Jehoshafati akagadza vamwe vevaRevhi, vaprista navakuru vemhuri dzavaIsraeri kuti vagochengetedza murayiro waJehovha uye kuti vapedze gakava, uye vakagara muJerusarema.
9 He commanded them: "Act this way, in fear of our Father, faithfully and wholeheartedly. Akavapa mirayiro iyi: “Munofanira kubata basa makatendeka nomwoyo wose muchitya Jehovha.
10 Whenever your brothers in their cities bring you a dispute—over bloodshed, or over law and commandment, statutes and rulings—warn them, so they don't incur guilt before our Father, bringing wrath on you and your brothers. Do this, and you will not incur guilt. Munyaya ipi neipi inouya kwamuri kubva kuna vamwe vomunyika yenyu vanogara mumaguta, kungava kuteuka kweropa kana zvimwewo zvinotaurwa nomurayiro, zvakarayirwa, mitemo kana zvirevo, munofanira kuvayambira kuti vasatadzira Jehovha; mukasadaro kutsamwa kwake kuchauya pamusoro penyu nehama dzenyu. Itai izvi uye hamuzotadzi.
11 Now, Amariah the chief priest oversees you in every matter of our Father; Zebadiah son of Ishmael, leader of Judah's tribe, in every matter of the king. The Levites serve as officials before you. Be strong and act—may our Father be with those who do good." “Amaria muprista mukuru ndiye achakutongai panyaya ipi zvayo iri maererano naJehovha. Uye Zebhadhia mwanakomana waIshumaeri mutungamiri worudzi rwaJudha, achakutongai panyaya ipi zvayo iri maererano naMambo uye vaRevhi vachashanda savatariri pamberi penyu. Itai zvose nokushinga uye Jehovha ngaave navose vanoita zvakanaka.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]