Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Chronicles 18 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Now Jehoshaphat had great riches and honor, and he allied himself with Ahab by marriage. Zvino Jehoshafati akava nepfuma zhinji nokukudzwa kukuru, uye akava noukama naAhabhu nokuda kwokuroorerana.
2 Some years later he went down to Ahab in Samaria, where Ahab slaughtered many sheep and oxen for him and for the people who were with him, urging him to attack Ramoth-gilead. Zvino mamwe makore akati apfuura, iye akaenda kundoshanyira Ahabhu kuSamaria. Ahabhu akauraya makwai akawanda nemombe achiitira iye navanhu uye akamukurudzira kuti arwise Ramoti Gireadhi.
3 Ahab king of Israel asked Jehoshaphat king of Judah, "Will you go with me to Ramoth-gilead?" He answered, "I am as you are, my people as yours; we join you in the war." Ahabhu mambo weIsraeri akakumbira Jehoshafati mambo weJudha, akati, “Mungandibatsirawo here kundorwisa Ramoti Gireadhi?” Jehoshafati akapindura akati, “Ini ndakaita sewe uye vanhu vangu savanhu vako; tichakubatsirai muhondo.”
4 But Jehoshaphat said to the king of Israel, "First seek the word of our Father." Asi Jehoshafati akatizve kuna mambo weIsraeri, “Chokutanga, tsvakai kuda kwaJehovha.”
5 So the king of Israel gathered the prophets, 400 men, and asked them, "Will we go to Ramoth-gilead for battle, or hold back?" They said, "Go up, for God will hand it over to the king." Saka mambo weIsraeri akaunganidza vaprofita vaisvika mazana mana akavabvunza akati, “Tingaenda kundorwisana neRamoti Gireadhi here kana kuti ndorega?” Vakapindura vakati, “Endai nokuti Mwari achariisa mumaoko amambo.”
6 But Jehoshaphat said, "Is there not still a prophet of our Father here whom we can consult?" Asi Jehoshafati akabvunza akati, “Hakuna here muprofita waJehovha watingabvunza?”
7 Israel's king told Jehoshaphat, "One man remains through whom we can ask our Father, but I hate him—he never prophesies good about me, only bad. He is Micaiah son of Imlah." Jehoshaphat replied, "The king shouldn't say that." Mambo weIsraeri akapindura Jehoshafati akati, “Pachine murume mumwe chete watingabvunza nezvaJehovha asi ndinomuvenga nokuti haamboprofita zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa nguva dzose. Anonzi Mikaya mwanakomana waImira.” Jehoshafati akapindura akati, “Mambo havafaniri kutaura vachidaro.”
8 Then the king of Israel summoned an officer and said, "Bring Micaiah son of Imlah quickly." Saka mambo weIsraeri akadana mumwe wavabati vavo akati, “Uya naMikaya mwanakomana waImira iye zvino.”
9 The king of Israel and Jehoshaphat king of Judah sat each on his throne, dressed in robes, on the threshing floor at the entrance of Samaria's gate, with all the prophets prophesying before them. Vakapfeka nguo dzavo dzoumambo, mambo weIsraeri naJehoshafati mambo weJudha vakanga vakagara pazvigaro zvavo zvoushe paburiro pamukova wesuo reSamaria, navaprofita vose vachiprofita pamberi pavo.
10 Zedekiah son of Chenaanah made iron horns and said, "God says: 'With these you will gore the Arameans until they are destroyed.'" Zvino Zedhekia mwanakomana waKenaana akanga agadzira nyanga dzesimbi, uye akataura achiti, “Zvanzi naJehovha: ‘Neidzi muchabaya vaAramu kusvikira vaparara.’ ”
11 All the prophets prophesied the same, saying: "Go up to Ramoth-gilead and win; our Father will hand it to the king." Vamwe vaprofita vose vachiprofita zvimwe chetezvo, vakati, “Rwisai Ramoti Gireadhi uye mukunde, nokuti Jehovha achariisa mumaoko amambo.”
12 The messenger sent to summon Micaiah told him, "The prophets' words all favor the king. Let yours match theirs—speak favorably." Nhume yakanga yaenda kundodaidza Mikaya yakati kwaari, “Tarira, somunhu mumwe vamwe vaprofita vari kutaura nezvokubudirira kwamambo. Shoko rako ngariwirirane neravamwe, uye utaure zvakanaka.”
13 But Micaiah said, "As surely as our Father lives, I will say only what my Father says." Asi Mikaya akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu ndinogona kumutaurira chete zvinotaurwa naMwari wangu.”
14 When he came, the king said, "Micaiah, will we go to battle at Ramoth-gilead, or will I hold back?" He said, "Go up and win; they'll be handed to you." Paakasvika, mambo akamubvunza akati, “Mikaya, tingaenda here kundorwisana neRamoti Gireadhi kana kuti ndiregere?” Akapindura akati, “Varwisei munokunda nokuti vachaiswa mumaoko enyu.”
15 But the king said to him, "How many times must I make you swear to tell me only the truth in the name of our Father?" Mambo akati kwaari, “Kangani kandinofanira kukuita kuti upike kuti usandiudza zvimwe zvinhu kunze kwechokwadi muzita raJehovha?”
16 Micaiah said, "I saw all Israel scattered on the mountains, like sheep without a shepherd. And our Father said, 'They have no master; let each return home in peace.'" Ipapo Mikaya akapindura akati, “Ndakaona Israeri yose yakapararira mumaoko samakwai asina mufudzi, uye Jehovha akati, ‘Vanhu ava havana tenzi, regai mumwe nomumwe wavo adzokere kumba kwake murugare.’ ”
17 Israel's king said to Jehoshaphat, "Didn't I tell you he'd prophesy nothing good about me, only evil?" Mambo weIsraeri akati kuna Jehoshafati, “Handina kukuudzai here kuti haamboprofita zvakanaka pamusoro pangu asi zvakaipa chete?”
18 Micaiah said, "Then hear the word of our Father: I saw our Father seated on his throne, all heaven's armies standing at his right and left. Mikaya akaenderera mberi achiti, “Naizvozvo inzwai shoko raJehovha: Ndakaona Jehovha akagara pachigaro chake nehondo dzose dzokudenga dzakamira kurudyi rwake nokuruboshwe kwake.
19 And our Father said, 'Who will entice Ahab king of Israel to go up and fall at Ramoth-gilead?' One said this, another that. Uye Jehovha akati, ‘Ndiani angakwezva Ahabhu mambo weIsraeri kuti andorwisa Ramoti Gireadhi kuti aende kurufu rwake ikoko?’ “Mumwe akataura izvi, mumwe izvo.
20 A spirit came forward, stood before our Father, and said, 'I will entice him.' And our Father asked him, 'How?' Pakupedzisira mumwe mweya wakauya, ukamira pamberi paJehovha ukati, ‘Ini ndichandomukwezva.’ “Jehovha akabvunza akati, ‘Nenzira ipi.’
21 He said, 'I will go out and be a lying spirit in the mouth of all his prophets.' Then our Father said, 'You will lure him and also prevail. Go out and do so.' “Akati, ‘Ndichaenda ndonova mweya wenhema mumiromo yavaprofita vake.’ “Jehovha akati, ‘Uchabudirira mukumukwezva. Enda unozviita.’
22 So now, our Father has put a lying spirit in the mouth of these prophets of yours, and our Father has declared disaster against you." “Saka zvino Jehovha aisa mweya wenhema mumiromo yavaprofita venyu ava. Jehovha akatema chirevo chokuparadzwa kwako.”
23 Then Zedekiah son of Chenaanah came up, struck Micaiah on the cheek, and said, "Which way did the Spirit of God go from me to speak to you?" Ipapo Zedhekia mwanakomana waKenaana akakwira akandorova Mikaya kumeso nembama akabvunza akati, “Mweya waJehovha waenda nokupi pawabuda mandiri kuti utaure kwauri?”
24 Micaiah said, "You'll see it that day when you go into an inner room to hide." Mikaya akapindura akati, “Uchazozviziva zuva rauchaenda kunohwanda mukamuri yomukati.”
25 The king of Israel said, "Take Micaiah back to Amon the city governor and to Joash the king's son, Mambo weIsraeri ipapo akarayira akati, “Torai Mikaya mumutumire kuna Amoni mutongi weguta nokuna Joashi mwanakomana wamambo.
26 and say, 'The king says: Put this man in prison on meager rations of bread and water until I return safely.'" Muti, ‘Zvanzi namambo: Isai murume uyu mutorongo uye musamupa chimwe chinhu kunze kwechingwa nemvura kusvikira ndadzoka zvakanaka.’ ”
27 Micaiah said, "If you ever return safely, our Father has not spoken through me." Then he said, "Listen, all you people!" Mikaya akati, “Kana mukadzoka zvakanaka Jehovha haana kutaura neni.” Akawedzerazve achiti, “Batisisai mashoko angu, imi vanhu vose!”
28 So the king of Israel and Jehoshaphat king of Judah went up to Ramoth-gilead. Saka mambo weIsraeri naJehoshafati mambo weJudha vakakwira kuRamoti Gireadhi.
29 The king of Israel said to Jehoshaphat, "I will disguise myself and go into battle, but you wear your robes." So the king of Israel disguised himself, and they went into battle. Mambo weIsraeri akati kuna Jehoshafati, “Ini ndichapinda muhondo ndakapfeka nguo dzokuti ndisazivikanwa asi imi pfekai nguo dzenyu dzoumambo.” Saka mambo weIsraeri akazvishandura akapinda muhondo.
30 The king of Aram had ordered his chariot captains, "Fight no one, small or great, but only the king of Israel." Zvino mambo weAramu akanga arayira vakuru vengoro achiti, “Musarwisana navamwe vose, vadiki kana vakuru kunze kwamambo weIsraeri.”
31 When the chariot captains saw Jehoshaphat, they said, "That is Israel's king," and turned to fight him. But Jehoshaphat cried out, and our Father helped him, drawing them away from him. Vakuru vengoro pavakaona Jehoshafati vakafunga kuti ndiye mambo weIsraeri. Saka vakatendeuka kuti vamurwise asi Jehoshafati akachema, Jehovha akamurwira. Mwari akavabvisa kwaari,
32 When the chariot captains saw he was not Israel's king, they stopped chasing him. nokuti vakuru vengoro pavakaona kuti akanga asiri iye mambo weIsraeri vakarega kumudzingirira.
33 A man drew his bow at random and struck the king of Israel between the joints of his armor. He told his chariot driver, "Turn around and get me out of the fighting; I'm wounded." Asi mumwe munhu akangokanda museve wake usina kunanga munhu ukandobaya mambo weIsraeri pakati pezvikamu zvenguo dzake dzokurwa nadzo. Mambo akataurira muchairi wengoro kuti, “Tendeutsa ngoro undibvise muhondo. Ndakuvara.”
34 The battle raged that day. Israel's king was held up in his chariot facing the Arameans until evening, then died at sunset. Kwezuva rose kurwa kwakaenderera mberi uye mambo weIsraeri akazvitsigira mungoro yake akarwisana navaAramu kusvikira manheru. Zvino pakuvira kwezuva akafa.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]