Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

1 Timothy 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Here is a trustworthy saying: whoever aspires to be an overseer desires a noble work. Herino shoko rechokwadi: kana munhu achitsvaka basa romutariri, anoda basa rinokudzika.
2 So an overseer must be blameless: faithful to his wife, level-headed, disciplined, orderly, hospitable, able to teach. Zvino mutariri anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, anozvidzora, anokudzwa, anoitira vaeni rudo, anoziva kudzidzisa,
3 Not a drunkard, not violent but gentle, not quarrelsome, and not a lover of money. asingadhakwi, asingarwi uye ano unyoro, asina gakava, asingakariri mari.
4 He must manage his own household well, keeping his children submissive with all dignity, Anofanira kubata imba yake zvakanaka nokuona kuti vana vake vanomuteerera uye vachimukudza zvakanaka.
5 for if someone doesn't know how to manage his own household, how will he care for our Father's church? (Kana munhu asingazivi kubata imba yake zvakanaka, angachengeta seiko kereke yaMwari?)
6 He must not be a new convert, or he may be puffed up and fall under the same condemnation as the devil. Asava mutendi mutsva, nokuti angazozvikudza akazotongwa zvimwe chetezvo sadhiabhori.
7 He must also have a good reputation with outsiders, so he doesn't fall into disgrace and the devil's trap. Anofanirawo kupupurirwa zvakanaka navari kunze, kuitira kuti arege kuzvidzwa, uye agowira mumusungo wadhiabhori.
8 Deacons too must be dignified, not two-faced, not given to much wine, not greedy for shameful gain. Saizvozvowo, madhikoni ngavave vanhu vanokudzwa, vanorevesa, vasinganwi waini zhinji, uye vasingatsvaki pfuma yakaipa.
9 They must hold to the mystery of the faith with a clear conscience. Vanofanira kuchengetedza zvakadzikadzika zvokutenda nehana yakanaka.
10 They too must first be tested; then, if they prove blameless, let them serve as deacons. Vanofanira kutanga vaedzwa, uye kana pasina chavangapomerwa, ngavashumire samadhikoni.
11 The women likewise must be worthy of respect, not slanderers, but clear-minded and faithful in everything. Nenzira imwe cheteyo, vakadzi vavo ngavave vanokudzwa, vasingacheri vamwe asi vanozvidzora, vakatendeka pazvinhu zvose.
12 A deacon must be faithful to his wife and must manage his children and his household well. Mudhikoni anofanira kuva murume ano mukadzi mumwe chete uye anofanira kugona kubata vana vake nemba yake zvakanaka.
13 Deacons who serve well earn themselves a good standing and great confidence in faith in Christ Jesus. Vaya vakashumira zvakanaka vanozviwanira zita rakanaka uye nokusimbiswa kukuru pakutenda kwavo muna Kristu Jesu.
14 I am writing these instructions to you, though I hope to come to you soon. Kunyange zvazvo ndine tariro yokuuya kwauri nokukurumidza, ndinokunyorera dzidziso idzi kuitira kuti,
15 But if I'm delayed, you will know how one ought to behave in our Father's household, the church of the living Father, pillar and foundation of the truth. kana ndikanonoka, uchaziva kuti vanhu vanofanira kuzvibata sei mumba maMwari, inova kereke yaMwari mupenyu, mbiru nenheyo yechokwadi.
16 Undeniably, the mystery of devotion to God is great: he appeared in flesh, was proved right by the Holy Spirit, seen by angels, proclaimed among nations, believed in throughout the world, taken up in glory. Pasina kana mubvunzo, chakavanzika choumwari chikuru kwazvo: Iye akaratidzwa panyama, akaruramiswa noMweya, akaonekwa navatumwa, akaparidzwa pakati pendudzi panyika vakatenda kwaari, akakwidzwa mukubwinya.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]