Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

1 Timothy 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Paul, an apostle of Christ Jesus by command of our Father, our Savior, and of Christ Jesus our hope, Pauro, mupostori waKristu Jesu nokurayira kwaMwari Muponesi wedu, naKristu Jesu, tariro yedu,
2 to Timothy, my true child in the faith: grace, mercy, peace from our Father and Christ Jesus our Lord. kuna Timoti mwanakomana wangu chaiye pakutenda: Nyasha, ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Ishe wedu.
3 As I urged you when leaving for Macedonia, stay in Ephesus to instruct some people not to teach different doctrine, Sezvandakakumbira zvikuru kwauri pandakaenda kuMasedhonia, gara paEfeso kuitira kuti ugorayira vamwe varume kuti varege kudzidzisa dzidziso dzenhema,
4 nor devote themselves to myths and endless genealogies, which breed speculations instead of our Father's stewardship through faith. kana kuzvipira kungano nokunhoroondo dzamazita amadzitateguru dzisingaperi. Izvi zvinongomutsa nharo panzvimbo yebasa raMwari rinoitwa nokutenda.
5 The goal of this command is love from a pure heart, good conscience, and sincere faith. Chinovavarirwa nomurayiro uyu ndirwo rudo runobva pamwoyo wakachena, hana yakanaka nokutenda kwechokwadi.
6 Some have wandered away from these and turned aside to meaningless talk, Vamwe vakarasika kubva pazvinhu izvi uye vakatsaukira mukutaura kusina maturo.
7 wanting to be teachers of the law, without understanding either what they say or what they insist on so confidently. Vanoda kuva vadzidzisi vomurayiro, asi havazivi zvavari kutaura pamusoro pazvo kana izvo zvavari kushingira kusimbisa.
8 Now we know that the law is good, as long as it is used lawfully, Tinoziva kuti murayiro wakanaka kana munhu achiushandisa zvakanaka.
9 knowing this: the law isn't laid down for the righteous but for the lawless and rebellious, the wicked and sinful, the unholy and irreverent, for those who strike their fathers and mothers, for murderers, Tinozivawo kuti murayiro hauna kuitirwa vakarurama asi vanodarika murayiro navanomukira, vasina umwari navatadzi, vasiri vatsvene navasina chinamato; vaya vanouraya vanababa vavo kana vanamai vavo, vanouraya vanhu,
10 sexual sinners, men who sleep with men, slave traders, liars, perjurers, and whatever else opposes sound teaching, mhombwe navanopomba navamwe varume, navanotengesa vanhu kuti vave varanda, varevi venhema, navanopika nhema, uye kana chimwe chipi zvacho chinopesana nedzidziso yechokwadi
11 in keeping with the glorious gospel of our blessed Father, with which I have been entrusted. inosimbisa vhangeri rokubwinya, raMwari akaropafadzwa, iro raakapa kwandiri.
12 I thank Christ Jesus our Lord, who strengthened me, since he considered me faithful, appointing me to his service. Ndinovonga Kristu Jesu Ishe wedu, akandipa simba, akati ndakatendeka, akandiisa pabasa rake.
13 I once insulted God, persecuted others, and was violent—yet I was shown mercy, since I acted ignorantly, lacking faith. Kunyange zvazvo ndaimbomhura Mwari ndiri mutambudzi nomunhu wokumanikidza, ndakaitirwa ngoni nokuti ndakazviita mukusaziva uye nomukusatenda.
14 Our Lord's grace overflowed for me, with faith and love in Christ Jesus. Nyasha zhinji dzaIshe wedu dzakadururwa pamusoro pangu, pamwe chete nokutenda norudo zviri muna Kristu Jesu.
15 A trustworthy saying worthy of full acceptance: Christ Jesus came into the world to save sinners—I am the worst of them. Herino shoko rezvokwadi rinofanira kutendwa kwazvo: Kristu Jesu akauya munyika kuti aponese vatadzi, ini ndiri mukuru wavo.
16 But I was shown mercy for this: in me, the worst of sinners, Christ Jesus could display his complete patience, as a pattern for those who would believe in him for eternal life. Asi nokuda kwechikonzero ichochi ndakaitirwa ngoni kuitira kuti mandiri ini mutadzi mukuru, Kristu Jesu aratidze mwoyo murefu wake usingaperi kuti ndive muenzaniso kuna avo vachatenda kwaari uye vagowana upenyu husingaperi.
17 To the King of the ages, immortal, invisible, the only God, be honor and glory forever and ever. Amen. Zvino iye Ishe asingaperi, asingafi, asingaonekwi, iye Mwari oga, ngaave nokukudzwa nokubwinya nokusingaperi-peri.
18 Timothy, my child, I entrust you with this charge, matching the prophecies once spoken over you, so that by them you may fight the good fight, Timoti, mwanakomana wangu, ndinokupa murayiro uyu maererano nezvakaprofitwa kare pamusoro pako, kuti kana ukautevera ucharwa kurwa kwakanaka,
19 holding on to faith and a good conscience. By rejecting these, some have shipwrecked their faith, wakabata kutenda uye nehana yakanaka. Vamwe vakaramba mirayiro iyi vakarasikirwa nokutenda kwavo.
20 including Hymenaeus and Alexander, whom I handed to Satan to be taught not to insult God. Vamwe vavo ndiHimenio naArekizanda, avo vandakaisa kuna Satani kuti vadzidziswe kuti varege kumhura Mwari.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]