Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

1 Chronicles 20 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 At the turn of the year, when kings march to war, Joab led the army out and devastated the Ammonites' land, then came and besieged Rabbah, while David stayed in Jerusalem. Joab struck Rabbah and tore it down. Munguva yechirimo, panguva iyo madzimambo anoenda kuhondo, Joabhu, akatungamirira mauto akashonga zvombo zvokurwa. Akaparadza nyika yavaAmoni akaenda kuRabha akandorikomba, asi Dhavhidhi akasara muJerusarema. Joabhu akarwisa Rabha akarisiya raparara.
2 David took the crown from the head of their king. It weighed about seventy-five pounds of gold and was set with a precious stone, and it was placed on David's head. He also carried off a great amount of plunder from the city. Dhavhidhi akatora korona kubva pamusoro wamambo wavo, uremu hwayo hwakaonekwa kuti hwaiva tarenda regoridhe uye yakanga ina mabwe anokosha uye yakaiswa pamusoro paDhavhidhi. Akapamba zvinhu zvizhinji kwazvo muguta iri
3 He brought out its people and put them to work with saws, iron picks, and axes. David did the same to all the Ammonite cities. Then David and his whole army returned to Jerusalem. uye akabudisa vanhu vakanga varimo, akavatongera kuti vashande namajeko namapiki namatemo. Dhavhidhi akaita saizvozvi kumaguta ose avaAmoni. Ipapo Dhavhidhi nehondo yake yose akadzokera kuJerusarema.
4 After this, war broke out with the Philistines at Gezer. At that time Sibbecai the Hushathite killed Sippai, one of Rapha's descendants, and the Philistines were subdued. Nokufamba kwenguva, hondo yakatanga navaFiristia paGezeri. Panguva iyoyi Sibhekai muHushati akauraya Sipai, mumwe wezvizvarwa zvavaRefa, vaFiristia vakakundwa.
5 War broke out again with the Philistines. Elhanan son of Jair killed Lahmi, brother of Goliath the Gittite, whose spear shaft was as thick as a heavy wooden beam. Mune kumwe kurwisana navaFiristia, Erihanani mwanakomana waJairi akauraya Rami mununʼuna waGoriati muGiti, aiva nepfumo raiva nomubato wakafanana nedanda romuruki.
6 Once more war broke out at Gath, where there was a huge man, six fingers on each hand and six toes on each foot, twenty-four in all—also born to Rapha. Mune kumwe kurwisana zvakare, kwakaitika paGati paiva nomumwe murume mukuru kwazvo aiva neminwe mitanhatu muruoko rumwe norumwe nezvigunwe zvitanhatu kugumbo rimwe nerimwe, zvose pamwe chete zvaiva makumi maviri nezvina. Aivawo worudzi rwaRafa.
7 When he taunted Israel, Jonathan son of Shimea, David's brother, struck him down. Paakatuka Israeri, Jonatani mwanakomana waShimea, mununʼuna waDhavhidhi akamuuraya.
8 These were born to Rapha in Gath, and fell by the hand of David and his servants. Izvi ndizvo zvizvarwa zvaRafa muGati, uye vakaurayiwa naDhavhidhi navanhu vake.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]