Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

1 Chronicles 19 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Some time later, Nahash king of the Ammonites died, and his son became king in his place. Mukufamba kwenguva, Nahashi mambo wavaAmoni akafa, mwanakomana wake akamutevera paumambo.
2 David said, "I'll show kindness to Hanun son of Nahash, since his father showed kindness to me." So David sent messengers to comfort him over his father. But when David's servants came to the land of the Ammonites, to Hanun, to comfort him, Dhavhidhi akafunga akati, “Ndicharatidza mwoyo wakanaka kuna Hanuni mwanakomana waNahashi nokuti baba vake vakaratidza mwoyo wakanaka kwandiri.” Saka Dhavhidhi akatuma nhume kundonyaradza Hanuni pamusoro pababa vake. Vanhu vaDhavhidhi pavakasvika kuna Hanuni munyika yavaAmoni kuzomunyaradza,
3 Ammon's commanders told Hanun, "Does David really honor your father by sending you comforters? Haven't his servants come to you to search out, overthrow, and spy on the land?" machinda avaAmoni akati kuna Hanuni, “Unofunga here kuti Dhavhidhi ari kukudza baba vako nokutuma vanhu vake kuti vauye kuzokunyaradza? Vanhu vake havana kuuya kuzosora nyika yedu here kuti vaitore?”
4 Hanun seized David's servants, shaved them, cut their garments in half at the hips, sent them away. Saka Hanuni akabata vanhu vaDhavhidhi, akavagera ndebvu dzavo, akacheka nguo dzavo napakati kumagaro, akavadzinga.
5 When they told David about the men, he sent messengers to meet them, since they were badly ashamed. The king said, "Stay in Jericho till your beards grow, then return." Mumwe munhu akauya akaudza Dhavhidhi pamusoro pavarume ava, Dhavhidhi akatuma nhume kuti dzinosangana navo nokuti vakanga vanyadziswa kwazvo. Mambo akati, “Garai paJeriko kusvikira ndebvu dzenyu dzakura, mugozodzoka.”
6 When the Ammonites saw they'd become a stench to David, Hanun and the Ammonites sent about thirty-eight tons of silver to hire chariots and horsemen from Aram-naharaim, Aram-maacah, and Zobah. VaAmoni vakati vaziva kuti vakanga vava chinhu chinonhuhwa mumhino dzaDhavhidhi, Hanuni navaAmoni vakatumira chiuru chamatarenda esirivha kuti vanokumbira ngoro navachairi vadzo kubva kuAramu Naharaimu, Aramu Maaka nokuZobha.
7 They hired 32,000 chariots, plus the king of Maacah and his troops, who came and camped opposite Medeba. The Ammonites gathered from their cities and came out to fight. Vakakumbira ngoro zviuru makumi matatu nezviviri navachairi vadzo, pamwe chete namambo weMaaka navarwi vake, uye akauya akadzika musasa pedyo neMedebha, ukuwo vaAmoni vachiungana kubva mumaguta avo, uye vakabuda kundorwa.
8 When David heard of it, he sent Joab and the whole army of fighting men. Paakanzwa izvi, Dhavhidhi akatuma Joabhu kuti abude nehondo yose yavarume vokurwa.
9 The Ammonites marched out and lined up for battle at the city's entrance, while the kings who had come stood alone in the field. VaAmoni vakabudawo vakagadzirira kurwa uye vakamira vari mumitsetse yokurwa pasuo reguta ravo, uye madzimambo akanga auya akanga ari pachawo musango.
10 Joab saw the battle was set against him, front and rear, so he chose Israel's best troops and lined them up against the Arameans. Joabhu akaona kuti kwaiva nemitsetse yavanhu vakagadzirira kurwa mberi kwake neshure kwake; saka akasarudza mamwe amapoka avarwi vapamusoro muIsraeri akavaendesa kuti vandorwa navaAramu.
11 He put the rest of the troops under his brother Abishai, and they lined up against the Ammonites. Akaisa vamwe varume vose pasi paAbhishai mununʼuna wake uye vakaendeswa kuti vandorwa navaAmoni.
12 Joab said, "If Aram overpowers me, rescue me; if Ammon overpowers you, I'll rescue you. Joabhu akati, “Kana vaAramu vandikundaka, ipapo iwe unofanira kuzondinunura; asi kana vaAmoni vakakukunda, ipapo ini ndichakununura.
13 Be strong; let us fight courageously for our people and our Father's cities, and may our Father do what is good in his eyes." Simba uye ngatirwirei vanhu vedu namaguta aMwari wedu takashinga. Jehovha achaita zvakanaka pamberi pake.”
14 Then Joab and the troops with him advanced to fight the Arameans, and they fled before him. Ipapo Joabhu navarwi vaiva naye vakaenda kundorwa navaAramu, ivo vakatiza pamberi pavo.
15 Seeing Aram had fled, the Ammonites also fled before Abishai his brother and came into the city. Joab then came to Jerusalem. VaAmoni pavakaona kuti vaAramu vakanga vava kutiza, ivo vakatizawo pamberi pomununʼuna wake Abhishai vakamhanyira mukati meguta. Ipapo Joabhu akadzokera kuJerusarema.
16 When the Arameans saw that Israel had defeated them, they sent messengers and brought out the Arameans from beyond the Euphrates, with Shophach, commander of Hadadezer's army, at their head. Mushure mokunge vaAramu vaona kuti vakanga vakundwa neIsraeri vakatumira nhume kunokokorodza vamwe vaAramu mberi kweRwizi, Shofaki mutungamiri wehondo yaHadhadhezeri achivatungamirira.
17 David was told; he gathered all Israel, crossed the Jordan, came against them, and lined up for battle. David lined up for battle against the Arameans, and they fought him. Dhavhidhi paakaudzwa izvi, akaunganidza Israeri yose ndokuyambuka Jorodhani; akaswedera kwavari kunovarwisa uye akaronga mitsetse yehondo akatarisana navo. Dhavhidhi akaita kuti mitsetse yake isangane navaAramu muhondo uye ivo vakarwa naye.
18 The Arameans fled before Israel. David killed 7,000 of their charioteers and 40,000 foot soldiers, then killed Shophach, commander of their army. Asi vakatiza pamberi paIsraeri, uye Dhavhidhi akauraya zviuru zvinomwe zvavachairi vengoro, nezviuru makumi mana zvavarwi vetsoka. Akaurayawo Shofaki mutungamiri wehondo yavo.
19 When Hadadezer's servants saw Israel had defeated them, they made peace with David and served him. Aram was no longer willing to help the Ammonites. Varanda vaHadhadhezeri pavakaona kuti vakanga vakundwa neIsraeri, vakayanana naDhavhidhi uye vakava pasi pake. Saka vaAramu havana kuzoda kubatsira vaAmoni zvakare.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]