Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

1 Chronicles 21 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Now the Accuser rose up against Israel and incited David to count Israel. Satani akamukira Israeri akakurudzira Dhavhidhi kuti averenge vaIsraeri.
2 David told Joab and the army's commanders, "Go, count Israel from Beersheba to Dan, and report to me, so I may know their number." Saka Dhavhidhi akati kuna Joabhu navatungamiri vamapoka avarwi, “Endai mundoverenga vaIsraeri vose kubva kuBheerishebha kusvikira kuDhani. Uye mugozondiudza kuitira kuti ndizive kuti vangani variko.”
3 Joab said, "May our Father add to his people a hundredfold! My lord king, are all these not my lord's servants? Why does my lord ask for this? Why bring guilt on Israel?" Asi Joabhu akapindura akati, “Jehovha ngavawedzere uwandu hwavarwi vake kakapetwa kazana. Ishe wangu mambo, ava vose havasi pasi petsoka dzenyu here? Seiko ishe wangu muchida kuita izvi? Sei muchida kuuyisa mhosva kuna Israeri?”
4 But the king overrode Joab, so Joab went out, traveled through all Israel, then came to Jerusalem. Zvisinei, shoko ramambo rakakunda raJoabhu, saka Joabhu akabvapo akaenda muIsraeri yose uye akadzokera kuJerusarema.
5 Joab gave David the census count: All Israel had one million 100,000 swordsmen, Judah 470,000 swordsmen. Joabhu akataurira Dhavhidhi uwandu hwavarwi achiti muIsraeri yose maiva navanhu vaigona kubata munondo vaisvika miriyoni nezana rezviuru zvavarume, vachisanganisira zviuru mazana mana nemakumi manomwe muJudha.
6 He did not count Levi and Benjamin, for Joab detested the king's command. Asi Joabhu haana kusanganisira Revhi naBhenjamini mukuverenga uku, nokuti kurayira kwamambo kwakanga kwakaipa kwazvo kwaari.
7 This was deeply wrong in our Father's sight, so he struck Israel. Kurayira uku kwakanga kwakaipawo pamberi paMwari, saka akaranga Israeri.
8 Then David said to our Father, "I have sinned greatly in doing this. Now, please take away your servant's guilt, for I have acted very foolishly." Ipapo Dhavhidhi akati kuna Mwari, “Ndakatadza zvikuru pandakaita chinhu ichi. Zvino ndinokumbirawo kuti mubvise kuipa kwomuranda wenyu. Ndakaita sebenzi kwazvo.”
9 And our Father spoke to Gad, David's seer: Jehovha akati kuna Gadhi muoni waDhavhidhi,
10 Go and say to David, "Your Father says: I hold three things over you—choose one of them, and I will do it to you." “Enda undotaurira Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndinokupa zvinhu zvitatu zvokusarudza. Zvisarudzire chaunoda kuti ndikuitire ndichikuranga.’ ”
11 Gad came to David and said to him, "This is what our Father says: 'Choose for yourself, Saka Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi akati kwaari, “Zvanzi naJehovha: ‘Sarudza pakati peizvi:
12 either three years of famine, or three months swept before your foes as their sword overtakes you, or three days of the sword of our Father: plague in the land, the angel of our Father destroying throughout all Israel's territory.' Now decide what answer I bring back to the one who sent me." Makore matatu enzara, mwedzi mitatu yokutsvairwa pamberi pavavengi vako, minondo yavo ichikuparadzai, kana kuti mazuva matatu omunondo waJehovha, mazuva edenda munyika mutumwa waJehovha achiparadza panyika yose yaIsraeri.’ Zvino saka zvisarudzirei kuti ndinganopindura sei uyo akandituma.”
13 David told Gad, "I'm in great distress. Let me fall into our Father's hand, for his compassion is very great—but not into the hand of man." Dhavhidhi akati kuna Gadhi, “Ndiri mukutambudzika kukuru kwazvo. Rega hako ndiwire mumaoko aJehovha nokuti tsitsi dzake dzakakura kwazvo, asi musandirega ndichiwira mumaoko avanhu.”
14 So our Father sent a plague on Israel, and 70,000 men of Israel fell. Saka Jehovha akatumira denda muIsraeri uye zviuru makumi manomwe zvavarume veIsraeri vakawira pasi vakafa.
15 And our Father sent an angel to destroy Jerusalem; but as the angel destroyed it, our Father saw and relented from the calamity, and said to the angel, "Enough! Stay your hand." The angel of our Father stood by the threshing floor of Ornan the Jebusite. Uye Jehovha akatuma mutumwa kuti aparadze Jerusarema, asi mutumwa uya paakanga achiita izvi Jehovha akazviona uye akazvidemba nokuda kwedambudziko iri akati kumutumwa aiparadza vanhu, “Zvakwana! Dzosa ruoko rwako.” Mutumwa waJehovha ipapo akanga akamira paburiro raArauna muJebhusi.
16 David looked up and saw the angel of our Father standing between earth and heaven, sword drawn in hand, reaching out over Jerusalem. Then David and the elders, covered in sackcloth, fell facedown. Dhavhidhi akatarisa kumusoro akaona mutumwa waJehovha akamira pakati pedenga nenyika, aine munondo muruoko rwake akarutambanudzira pamusoro peJerusarema. Ipapo Dhavhidhi navakuru vose vakapfeka masaga, vakawira pasi vakatsikitsira zviso zvavo.
17 David said to our Father, "Was it not I who ordered the people counted? I am the one who sinned and did great evil. But these sheep—what have they done? O my Father, let your hand be against me and my father's house, not against your people with plague." Dhavhidhi akati kuna Mwari, “Handisini here ndakarayira kuti varwi vose vaverengwe? Ndini ndakatadza ndikaita zvakaipa, ava vanongova makwai chete. Vakaiteiko? Haiwa Jehovha, Mwari wangu, regai ruoko rwenyu ruwire pandiri ini nemhuri yangu, asi musarega denda iri riri pamusoro pavanhu venyu.”
18 The angel of our Father told Gad to have David go up and build an altar to our Father at Ornan the Jebusite's threshing floor. Ipapo mutumwa waJehovha akarayira Gadhi kuti ataurire Dhavhidhi kuti akwire andovakira Jehovha aritari muburiro raArauna muJebhusi.
19 So David went up at Gad's direction, which he had spoken in the name of our Father. Saka Dhavhidhi akakwidza mukuteerera shoko rakanga rataurwa naGadhi muzita raJehovha.
20 Ornan turned and saw the angel; his four sons with him hid. He had been threshing wheat. Arauna paakanga achipura zviyo, akacheuka akaona mutumwa; vanakomana vake vana vaaiva navo vakanohwanda.
21 When David came to Ornan, Ornan looked and saw David, left the threshing floor, and bowed to David, face to the ground. Ipapo Dhavhidhi akaswedera, uye Arauna paakatarisa akamuona, akasiya buriro akakotamira pasi pamberi paDhavhidhi akaisa chiso chake pasi.
22 David said to Ornan, "Give me this threshing-floor site so I can build an altar to our Father on it; give it to me at full price, so the plague is held back from the people." Dhavhidhi akati kwaari, “Ndipewo nzvimbo yeburiro rako kuti ndigovakira Jehovha aritari, kuti denda riri pavanhu rimiswe. Nditengeserewo nomutengo waro wakazara.”
23 Ornan said to David, "Take it. Let my lord the king do what he sees fit. Look, I give the oxen for burnt offerings, the threshing sledges for wood, and the wheat for the grain offering—I give it all." Arauna akati kuna Dhavhidhi, “Ritorei henyu! Ishe wangu mambo ngavaite zvinovafadza. Tarirai ndichakupai nzombe yezvibayiro zvinopiswa, matanda okupurisa dzive huni, uye zviyo zvive zvipiriso zvoupfu. Ndichakupai zvose izvi.”
24 But King David said to Ornan, "No, I will surely buy it at full price. I won't take what is yours for our Father, or offer burnt offerings that cost me nothing." Asi mambo Dhavhidhi akapindura Arauna akati, “Kwete, ndinoda kutenga nomutengo wakazara. Handingatori ndichipa Jehovha zvinhu zvako iwe kana kubayira chipiriso chinopiswa chandisina kuripira.”
25 So David paid Ornan about fifteen pounds of gold for the site. Saka Dhavhidhi akaripira Arauna mashekeri mazana matanhatu egoridhe kuti apiwe nzvimbo iyi.
26 David built an altar there to our Father, offered burnt offerings and peace offerings, and called on our Father, who answered him with fire from heaven on the altar of burnt offering. Dhavhidhi akavaka aritari kuna Jehovha ipapo uye akapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana. Akadana kuna Jehovha uye Jehovha akamupindura nomoto wakabva kudenga ukaenda paaritari yezvipiriso zvinopiswa.
27 Then our Father commanded the angel, and he put his sword back into its sheath. Ipapo Jehovha akataurira mutumwa iye akadzorera munondo wake mumuhara wawo.
28 At that time, when David saw our Father had answered him at Ornan the Jebusite's threshing floor, he sacrificed there. Panguva iyoyo Dhavhidhi paakaona kuti Jehovha akanga amupindura paburiro raArauna muJebhusi, akapa zvipiriso ipapo.
29 Moses had made the tabernacle of our Father in the wilderness; it, with the altar of burnt offering, stood then at Gibeon's high place. Tabhenakeri yaJehovha yakanga yagadzirwa naMozisi murenje. Nearitari yezvipiriso zvinopiswa zvakanga zviri panzvimbo yakakwirira paGibheoni panguva iyoyo.
30 David could not go there to seek our Father, for he feared the sword of the angel of our Father. Asi Dhavhidhi haaikwanisa kuenda pamberi payo kundobvunza Mwari nokuti aitya munondo womutumwa waJehovha.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]