Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

1 Chronicles 22 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 David said, "This is the house of our Father, and this the altar of burnt offering for Israel." Ipapo Dhavhidhi akati, “Imba yaJehovha Mwari inofanira kuva pano, pamwe chete nearitari yezvipiriso zvinopisirwa Israeri.”
2 David ordered the foreigners in Israel gathered, then appointed stonecutters to cut dressed stones for building the house of our Father. Saka Dhavhidhi akarayira kuti vatorwa vose vaigara muIsraeri vaungane pamwe chete, uye kubva mukati mavo akasarudza vavezi vamatombo kuti vagadzire matombo akavezwa zvakanaka okuvakisa imba yaMwari.
3 David provided abundant iron for gate-door nails and clamps, and abundant bronze beyond weighing, Akapa simbi dzakawanda kwazvo kuti dzigoshandiswa kugadzirisa zvipikiri zvamakonhi apamasuo nezvikorekedzo uye ndarira yakawanda kupfuura yaigona kuiswa pachikero.
4 and cedar timbers beyond counting, for the Sidonians and Tyrians brought David cedar logs in abundance. Akapawo zvakare matanda emisidhari akawanda kupfuura aigona kuverengwa, nokuti vaSidhoni nevaTire vakanga vavigira Dhavhidhi matanda akawanda.
5 For David said, "My son Solomon is young and untested, and the house built for our Father must be truly great, famed, and glorious in every land. Let me prepare for it." So David laid in vast provisions before he died. Dhavhidhi akati, “Mwanakomana wangu Soromoni mudiki kwazvo uye haasati ava noruzivo, uye imba ichavakirwa Jehovha inofanira kuva huru kwazvo, inorumbidzwa uye inokudzwa kwazvo pamberi pendudzi dzose. Saka ndichaigadzirira.” Saka Dhavhidhi akagadzirira zvikuru kwazvo asati afa.
6 Then he called Solomon his son and charged him to build a house for our Father of Israel. Ipapo akadana mwanakomana wake Soromoni akamurayira kuti avake imba yaJehovha, Mwari weIsraeri.
7 David told Solomon, "My son, I had it in my heart to build a house for my Father's name. Dhavhidhi akati kuna Soromoni, “Mwanakomana wangu zvaiva mumwoyo mangu kuti ndivakire Zita raJehovha Mwari wangu imba.
8 The word of our Father came to me: 'You have shed much blood and fought great wars. You will not build a house for my name, because you have shed so much blood on the earth before me.' Asi shoko iri raJehovha rakauya kwandiri richiti, ‘Wakadeura ropa zhinji uye ukarwa hondo dzakawanda. Iwe haungavakiri Zita rangu imba, nokuti wakadeura ropa rakawanda kwazvo pamberi pouso hwangu.
9 A son will be born to you, a man of rest; I will give him rest from all his enemies around him. His name will be Solomon; I will give Israel peace and quiet in his days. Asi uchava nomwanakomana achava murume worugare nokuzorora, uye ndichamupa zororo kubva kuvavengi vake kumativi ose. Zita rake achanzi Soromoni uye ndichapa Israeri runyararo norugare panguva yokutonga kwake.
10 He will build a house for my name. He will be my son, and I his father. I will secure his royal throne over Israel forever. Iyeye ndiye achavakira Zita rangu imba. Achava mwanakomana wangu uye ini ndichava baba vake. Uye ndichasimbisa chigaro choumambo hwake pamusoro peIsraeri nokusingaperi.’
11 Now, my son, may our Father be with you, so that you may succeed and build the house of your Father, as he said about you. “Zvino mwanakomana wangu, Jehovha ave newe, uye uve nokubudirira uye uvake imba yaJehovha Mwari wako sezvaakati uchaita.
12 Only, may our Father give you wisdom and understanding when he puts you in charge of Israel, to keep the law of your Father. Jehovha ngaakupe uchenjeri nokunzwisisa paachakuisa pakutonga pamusoro peIsraeri, kuitira kuti uchengete murayiro waJehovha Mwari wako.
13 Then you'll prosper, if you carefully keep the statutes and rules our Father commanded Moses for Israel. Be strong and brave. Don't be afraid or discouraged. Ipapo uchava nokubudirira kana ukachenjerera kuchengetedza mitemo nemirayiro yakapiwa Mozisi naJehovha kuti ape Israeri. Iva nesimba utsunge mwoyo. Usatya uye usaora mwoyo.
14 See, with great effort I've provided for the house of our Father nearly 4,000 tons of gold, about 34,000 tons of silver, and bronze and iron beyond weighing—there's so much. I've also provided timber and stone; you may add to them. “Ndakatambura zvikuru kwazvo kuti ndipe kutemberi yaJehovha matarenda zviuru zana zvegoridhe, matarenda miriyoni esirivha, ndarira nesimbi yakawanda zvokuti haingayerwe pachikero, namatanda namatombo. Uye unogona kuwedzera pamusoro pazvo.
15 You have many workers with you: stonecutters, masons, carpenters, and all kinds of craftsmen skilled in every trade. Une varume vebasa vazhinji kwazvo: vavezi vamatombo, vavezi vamatanda navamwe varume vane unyanzvi mumabasa ose akasiyana-siyana
16 Skilled with gold, silver, bronze, and iron beyond count. Rise up and work; may our Father be with you." mune zvegoridhe nesirivha, ndarira nesimbi navarume voumhizha vasingaverengeki. Zvino chitanga basa uye Jehovha ave newe.”
17 David also commanded all the leaders of Israel to help Solomon his son, saying, Ipapo Dhavhidhi akarayira vatungamiri vose veIsraeri kuti vabatsire mwanakomana wake Soromoni.
18 "Isn't your Father with you? Hasn't he given you rest on every side? For he has given the land's people into my hand, and the land is subdued before our Father and his people. Akati kwavari, “Ko, Jehovha Mwari wenyu haasi nemi here? Uye haana kukupai zororo kumativi ose here? Nokuti akaisa vagari venyika iyi muruoko rwangu, uye nyika iri pasi paJehovha nepasi pavanhu vake.
19 Now set your heart and soul to seek your Father. Arise and build the sanctuary of our Father, to bring the ark of his covenant and his holy vessels into the house built for his name." Zvino zvipirei mwoyo nemweya kutsvaka Jehovha Mwari wenyu. Tangai kuvaka nzvimbo tsvene yaJehovha Mwari, kuitira kuti mugouyisa areka yesungano yaJehovha nemidziyo mitsvene yaMwari mutemberi ichavakirwa Zita raJehovha.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]