Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

1 Chronicles 23 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 When David was old and had lived many years, he made his son Solomon king over Israel. Dhavhidhi paakanga akwegura ava namakore mazhinji, akaita kuti mwanakomana wake Soromoni ave mambo pamusoro peIsraeri.
2 He gathered together all the leaders of Israel, along with the priests and the Levites. Akaunganidzawo vatungamiri vose veIsraeri pamwe chete navaprista navaRevhi.
3 The Levites thirty years old or older were counted, and their total number was 38,000. VaRevhi vose vana makore makumi matatu zvichienda mberi vakaverengwa, uye varume vose vakasvika zviuru makumi matatu nezvisere.
4 Of these, 24,000 were to oversee the work of our Father's house; 6,000 were officers and judges. Dhavhidhi akati, “Pane ava, zviuru makumi maviri nezvina vachava vatariri vebasa rokuvakwa kwetemberi yaJehovha uye zviuru zvitanhatu vachava vakuru navatongi.
5 4,000 were gatekeepers, and 4,000 praised our Father with instruments David made for praise. Zviuru zvina vachava vachengeti vamasuo uye zviuru zvina vacharumbidza Jehovha nezviridzwa zvandakapa nokuda kwechikonzero ichi.”
6 And David divided them into divisions according to the sons of Levi: Gershon, Kohath, and Merari. Dhavhidhi akapatsanura vaRevhi akavaisa mumapoka zvichienderana navanakomana vaRevhi vaiti: Gerishoni, Kohati naMerari.
7 Of the Gershonites: Ladan and Shimei. VokwaGerishoni vaiva: Radhani naShimei.
8 The sons of Ladan: Jehiel the chief, then Zetham and Joel, three in all. Vanakomana vaRadhani vaiva: Jehieri dangwe, Zetami naJoere, vatatu pamwe chete.
9 Shimei's sons: Shelomoth, Haziel, and Haran—three. These were Ladan's family heads. Vanakomana vaShimei vaiva: Sheromoti, Hazieri naHarani, vatatu pamwe chete. Ava ndivo vaiva vakuru vemhuri dzaRadhani.
10 And the sons of Shimei: Jahath, Zina, Jeush, and Beriah. These four were the sons of Shimei. Uye vanakomana vaShimei vaiva: Jahati, Ziza, Jeushi naBheria. Ava ndivo vaiva vanakomana vaShimei, vana pamwe chete.
11 Jahath was chief, Zizah second; Jeush and Beriah had few sons, so they were counted together as one family, one assignment. (Jahati aiva wokutanga, Ziza ari wechipiri, asi Jeushi naBheria vakanga vasina vanakomana vakawanda; saka vakaverengwa semhuri imwe chete ine basa rimwe chete.)
12 The sons of Kohath: Amram, Izhar, Hebron, and Uzziel, four in all. Vanakomana vaKohati vaiva: Amiramu, Izhari, Hebhuroni naUzieri, vana pamwe chete.
13 The sons of Amram: Aaron and Moses. Aaron was set apart to consecrate the most holy things, he and his sons forever, to make offerings before our Father, to serve him, and to bless in his name forever. Vanakomana vaAmiramu vaiva: Aroni naMozisi. Aroni akatsaurwa iye nezvizvarwa zvake nokusingaperi, kuti anatse zvinhu zvaiva zvitsvene-tsvene, kuti vape zvipiriso pamberi paJehovha, kushumira pamberi pake uye kutaura maropafadzo muzita rake nokusingaperi.
14 But Moses, man of our Father—his sons were counted among Levi's tribe. Vanakomana vaMozisi munhu waMwari vakaverengwa sechikamu chorudzi rwaRevhi.
15 The sons of Moses: Gershom and Eliezer. Vanakomana vaMozisi vaiva: Gerishomi naEriezeri.
16 The sons of Gershom: Shebuel the chief. Zvizvarwa zvaGerishomi: Shubhaeri ndiye aiva wokutanga.
17 Eliezer's sons: Rehabiah the chief. Eliezer had no other sons; Rehabiah's sons were very numerous. Zvizvarwa zvaEriezeri zvaiva: Rehabhia ndiye aiva wokutanga. (Eriezeri haana kuzoita vamwe vanakomana, asi Rehabhia akaita vanakomana vakawanda kwazvo.)
18 The sons of Izhar: Shelomith the chief. Vanakomana vaIzhari: Sheromiti ndiye aiva wokutanga.
19 The sons of Hebron: Jeriah the chief, Amariah the second, Jahaziel the third, and Jekameam the fourth. Vanakomana vaHebhuroni: Jeria ndiye wokutanga, Amaria wechipiri, Jahazieri wechitatu naJekameami wechina.
20 The sons of Uzziel: Micah the chief and Isshiah the second. Vanakomana vaUzieri: Mika wokutanga naIshia wechipiri.
21 The sons of Merari: Mahli and Mushi. The sons of Mahli: Eleazar and Kish. Vanakomana vaMerari, vaiva: Mari naMushi. Vanakomana vaMari vaiva: Ereazari naKishi.
22 Eleazar died having no sons, only daughters; so their relatives, the sons of Kish, married them. (Ereazari akafa asina vanakomana: aingova navanasikana chete. Hama dzavo, vanakomana vaKishi vakavaroora.)
23 The sons of Mushi: Mahli, Eder, and Jeremoth, three in all. Vanakomana vaMushi vaiva: Mari, Edheri, naJerimoti, vatatu pamwe chete.
24 These were Levi's sons by family, family heads registered by name, who served in our Father's house, age twenty and up. Ava ndivo vaiva zvizvarwa zvaRevhi nemhuri dzavo, vakuru vemhuri sezvazvakanga vakanyorwa pasi pamazita avo uye vachiverengwa mumwe nomumwe, zvichireva vashandi vaiva namakore makumi maviri naanopfuura vaishanda mutemberi yaJehovha.
25 For David said, "Our Father, Israel's God, gave his people rest, and lives in Jerusalem forever. Nokuti Dhavhidhi akanga ati, “Sezvo Jehovha, Mwari waIsraeri apa zororo kuvanhu vake uye akauya kuzogara muJerusarema nokusingaperi,
26 So the Levites no longer carry the tabernacle or all its service vessels." vaRevhi havachafaniri kuramba vachitakura tabhenakeri kana mimwe midziyo yose yaishandiswa pabasa rayo.”
27 For by these final instructions of David the Levites were counted from twenty years old or older. Maererano nokurayira kwaDhavhidhi kwokupedzisira, vaRevhi vakaverengwa kubva pana vana makore makumi maviri kana anopfuura ipapo.
28 Their duty was assisting Aaron's sons in serving the house of our Father: caring for the courts and the chambers, purifying all holy things, and any work in the house of our Father. Basa ravaRevhi raiva rokubatsira zvizvarwa zvaAroni, mukubata basa romutemberi yaJehovha: kuvatariri voruvanze, makamuri omumativi, kunatsa zvinhu zvose zvaiera, nokuita mamwe mabasa paimba yaMwari.
29 They cared for the Bread of the Presence, the fine flour for grain offerings, wafers made without yeast, the baking and mixing, and all measures of quantity and size. Vaiva vachengeti vechingwa chaiiswa patafura, upfu hwakatsetseka hwezvipiriso zvezviyo, zvingwa zvitete zvisina mbiriso, kubika nokusanganisa, uye zviero zvose zvouwandu noukuru.
30 They were to stand every morning to thank and praise our Father, and again in the evening, Vaifanirawo zvakare kumira mangwanani oga oga vachitenda uye vachirumbidza Jehovha. Vaifanira kuita zvimwe chetezvo manheru
31 and for all burnt offerings to our Father on Sabbaths, new moons, and appointed feasts—in the required number, always before our Father. uye napose paipiwa zvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha pamaSabata uye napamitambo yoKugara kwoMwedzi napane mimwe mitambo yakarayirwa. Vaifanira kushanda pamberi paJehovha nguva dzose nouwandu hwaidiwa uye nenzira yavakanga varayirwa kuti vaiite.
32 They kept the charge of the tent of meeting, the charge of the sanctuary, and the charge of their brothers, Aaron's sons, in the service of the house of our Father. Nokudaro vaRevhi vakaita mabasa omuTende Rokusangana, romuNzvimbo Tsvene uye vari pasi pehama dzavo zvizvarwa zvaAroni, mubasa roushumiri mutemberi yaJehovha.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]