Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

1 Chronicles 14 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Hiram king of Tyre sent messengers to David, with cedar logs, masons, and carpenters, to build him a house. Zvino Hiramu mambo weTire akatuma nhume kuna Dhavhidhi namatanda emisidhari navavaki, navavezi, kuti vamuvakire imba youmambo.
2 David knew our Father had made him king over Israel, for his kingdom was raised high for the sake of his people Israel. Uye Dhavhidhi akaziva kuti Jehovha akanga amusimbisa samambo pamusoro peIsraeri uye kuti umambo hwake hwakanga hwakudzwa kwazvo nokuda kwavanhu vake Israeri.
3 And David took more wives in Jerusalem, and he fathered more sons and daughters. MuJerusarema, Dhavhidhi akazvitorerazve vamwe vakadzi akava baba vavanakomana navanasikana vazhinji.
4 These are the names of the children born to him in Jerusalem: Shammua, Shobab, Nathan, and Solomon, Aya ndiwo mazita avana vaakaberekerwa ikoko: Shamua, Shobhabhi, Natani, Soromoni,
5 Ibhar, Elishua, Elpelet, Ibhari, Erishua, Eripereti,
6 Nogah, Nepheg, Japhia, Noga, Nefegi, Jafia,
7 Elishama, Beeliada, and Eliphelet. Erishama, Bheeriyadha naErifereti.
8 When the Philistines heard David was anointed king over all Israel, all of them went up seeking David. David heard and went out to face them. VaFiristia pavakanzwa kuti Dhavhidhi akanga agadzwa kuti ave mambo weIsraeri, vakaenda nehondo yose kundomutsvaka, asi Dhavhidhi akazvinzwa akabuda kundosangana navo.
9 Now the Philistines had come and raided the Valley of Rephaim. Zvino vaFiristia vakanga vauya kuzopamba mupata weRefaimi;
10 David asked our Father, "Will I go up against the Philistines? Will you hand them over to me?" So our Father told him, "Go up, and I will hand them over to you." saka Dhavhidhi akabvunza kuna Mwari akati, “Ndingaenda here kundorwisa vaFiristia? Mungavaisa mumaoko angu here?” Jehovha akapindura akati, “Enda ndichavaisa mumaoko ako.”
11 They went up to Baal-perazim; David struck them there. David said, "Our Father broke through my enemies by my hand like a breaking flood." So they named that place Baal-perazim. Saka Dhavhidhi navanhu vake vakakwidza kuBhaari Perazimu uye ikoko akavakunda akati, “Sokupwanya kunoita mvura, Mwari akapwanya vavengi vangu noruoko rwangu.” Saka nzvimbo iyoyo yakatumidzwa kunzi Bhaari Perazimu.
12 And the Philistines abandoned their gods there, and David gave orders, and they were burned. VaFiristia vakasiya vamwari vavo ipapo, Dhavhidhi akarayira kuti vapiswe mumoto.
13 Once more the Philistines raided the valley. VaFiristia vakarwisa zvakare mupata uya.
14 David asked our Father again, and our Father said, "Don't go up after them. Circle around them and come at them from opposite the balsam trees. Saka Dhavhidhi akabvunza Mwari zvakare, Mwari akamupindura akati, “Usangonanga ikoko asi vakomberedze wozovarwisa wava pamberi pemiti yemibharisamu.
15 When you hear marching sound in the balsam treetops, then go out to battle—for your Father has gone out ahead of you to strike the Philistine troops." Pamunotanga kunzwa kutinhira kwokufamba pamisoro yemiti yemibharisamu, unofanira kubuda kundorwa, nokuti zvichange zvichireva kuti Mwari akutungamirira kundoparadza hondo yavaFiristia.”
16 David did as our Father commanded him, and they struck the Philistine army from Gibeon to Gezer. Saka Dhavhidhi akaita sokurayirwa kwaakanga aitwa naMwari, uye vakaparadza hondo yavaFiristia, kubva kuGibheoni, kusvika kuGezeri.
17 And David's fame spread throughout all the lands, and our Father made all the nations dread him. Saka mukurumbira waDhavhidhi wakapararira nenyika yose uye Jehovha akaita kuti marudzi ose amutye.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]