Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

1 Chronicles 13 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 David consulted with the commanders of thousands and of hundreds, with every leader. Dhavhidhi akataurirana nomumwe nomumwe wavabati vake vose, vatungamiri vezviuru, navatungamiri vamazana.
2 David said to Israel's whole assembly, "If it seems good to you, and if it is from our Father, let us send word far and wide to our remaining brothers in all the lands of Israel, and with them the priests and Levites in their cities and pasturelands, to gather to us. Akati kuungano yose yeIsraeri, “Kana zvichiita sezvakakunakirai uye kana kuri kuda kwaJehovha Mwari wedu, ngatitumirei shoko kwose kwose kuhama dzedu dzakasara munyika yose yeIsraeri, nokuvaprista navaRevhi vavagere navo mumaguta avo nokumafuro avo kuti vauye vazobatana nesu.
3 Let us bring the ark of our Father back to us, since we did not seek it in Saul's days." Ngatidzorei areka yaMwari wedu kwatiri zvakare, nokuti izvi hatina kuzvibvunza panguva yokutonga kwaSauro.”
4 And the whole assembly agreed to do so, for it seemed right to all the people. Ungano yose yakabvuma kuita izvi, nokuti zvairatidzika kunge zvakanaka kuvanhu vose.
5 David gathered all Israel from Shihor of Egypt to Lebo-hamath, to bring the ark of our Father from Kiriath-jearim. Saka Dhavhidhi akaunganidza vaIsraeri vose kubva kuRwizi Shihori muIjipiti kusvika kuRebho Hamati, kuti vatore areka yaMwari kubva kuKiriati Jearimi.
6 David and all Israel went up to Baalah, Kiriath-jearim in Judah, to bring up from there the ark of our Father, seated above the cherubim, where his Name is proclaimed. Dhavhidhi navaIsraeri vose vaiva naye vakaenda kuBhaara reJudha (Kiriati Jearimi) kuti vandotora areka yaMwari Jehovha, agere pakati pamakerubhi, iyo areka inodaidzwa neZita irori.
7 They carried the ark of our Father on a new cart from Abinadab's house; Uzza and Ahio drove it. Vakatakura areka yaMwari kubva muimba yaAbhinadhabhi iri mungoro itsva, Uza naAhio vakaitungamirira.
8 David and all Israel celebrated before our Father with all their strength—songs, lyres, harps, tambourines, cymbals, trumpets. Dhavhidhi navaIsraeri vose vakanga vachipembera nesimba ravo rose pamberi paMwari, nenziyo, nembira, nemitengeranwa, netambureni, nemakandira nehwamanda.
9 When they came to Kidon's threshing floor, Uzza reached out to grab the ark, because the oxen stumbled. Pavakasvika paburiro raKidhoni, Uza akatambanudza ruoko rwake kuti atsigire areka nokuti nzombe dzakanga dzagumburwa.
10 Then our Father's anger burned against Uzza, and he struck him down for reaching out his hand to the ark; he died there before our Father. Kutsamwa kwaJehovha kwakamukira Uza akamuuraya nokuti akanga atambanudza ruoko rwake akabata areka. Saka akafa pakarepo pamberi paMwari.
11 David was angry that our Father burst out against Uzza, so the place is called Perez-uzza to this day. Ipapo Dhavhidhi akatsamwa nokuti kutsamwa kwaJehovha kwakanga kwawira pana Uza, uye kusvikira nhasi nzvimbo iyoyo inonzi Perezi Uza.
12 David feared our Father that day, saying, "How can I bring the ark of our Father to me?" Dhavhidhi akatya Mwari zuva iroro uye akabvunza achiti, “Ko, ndingadzosa areka yaMwari kwandiri seiko?”
13 So David did not bring the ark to the city of David; he turned it aside to Obed-edom the Gittite's house. Haana kutora areka kuti ive naye muguta raDhavhidhi. Asi akaenda nayo kuimba yaObhedhi-Edhomu muGiti.
14 The ark of our Father stayed with Obed-edom's household in his house three months, and our Father blessed Obed-edom's household and all he owned. Areka yaMwari yakasara mumhuri yaObhedhi-Edhomu muimba yake kwemwedzi mitatu, uye Jehovha akaropafadza imba yake nezvose zvaakanga anazvo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]