Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

Matthew 3 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 In those days John the Baptist came, preaching in the wilderness of Judea, Mumazuva yakareyo Johwani Muombeki adouya achiparidza ari musango roJudhiya.
2 "Repent, for the kingdom of our Father has come near." Adoti, “Pindukai, ndava umambo hwokudenga hwanyedza papfupi.”
3 This is the one Isaiah the prophet spoke of, saying: "A voice calling out in the wilderness: Prepare the way of the Lord, make his paths straight." Nokuti wakareyu ndiye adorehwa nomuporofiti Isaya paadoti, “Izvi roanokuwa musango, ‘nhadzirai mugwagwa waIshe, yororai nzira dzache!’”
4 John wore clothes of camel hair, with a leather belt around his waist; his food was locusts and wild honey. Zvino Johwani waisimira mbacha dzoukuse hwongamera, nobhande rochikumba muchiuno chache. Zvokuja zvache yanga yari mabombo nouchi hwomusango.
5 Then Jerusalem and all Judea and all the region around the Jordan went out to him, VoJerusarema noJudhiya rese nodunhu rese ridopoteredza hwizi hwoJorodhani vadosvokonoka kuenda kwaari.
6 and they were baptized by him in the Jordan River, confessing their sins. Vadoombekewa naye muhwizi roJorodhani, musure mokureurira zvitema zvavo.
7 Seeing many Pharisees and Sadducees coming to be baptized, he said to them, "You brood of vipers! Who warned you to flee the coming wrath? Asi paadoona vazinji vovaFarisi novaSadhusi vachiuya kudzoombekewa naye, adoti kwavari, “Naimi vana vonyoka, mbani adokuchenjedzai kuti mutize ukari hunouya?
8 Bear fruit, then, worthy of repentance. Itai ndipo zvibereko zvinoenderana nokupinduka kwacho.
9 Don't presume to say to yourselves, 'Abraham is our father,' for I tell you: our Father can raise up children for Abraham from these stones. Rekai kufunga muchizviti, ‘Tiri vana vaAbhurahamu.’ Ndava ndinokunyepai kuti, Mwari anogona kumutsira Abhurahamu vana kubva pamabhwe iyoya.
10 The axe already lies at the root of the trees, so every tree not bearing good fruit is cut down and thrown into the fire. Kudaiku, sanho ratogwama mudzi womuti. Muti wese usingabereke muchero udonaka unogwatiwa uchikhandiwa mumoto.”
11 "I baptize you with water for repentance, but the one coming after me is stronger than I am—I'm not worthy to carry his sandals. He will baptize you with the Holy Spirit and fire. “Inipano ndinokuombekai nomvura nokuti mapinduka. Asi ari kuuya mumasure mangu, mukuru kwandiri, inini ndinokodzeraba kutakura shangu dzache, iyeyo ndiye achakuombekai noMweya Mutsvene nomoto.
12 His winnowing fork is in his hand; he'll clear his threshing floor, gather his wheat into the barn, but burn the chaff with fire that never goes out." Chisero chache chokuurutsisa anacho mujanja, achanatsa kuchenesa udzire hwache, gorosi achariunganidzira muchitura, asi hundi achaipisa nomoto usingadzimwe.”
13 Then Jesus came from Galilee to the Jordan to John, to be baptized by him. Zvino Jesu adouya kuJorodhani achibva kuGaririya kudzoombekewa naJohwani.
14 But John tried to stop him: "I need baptism from you, yet you come to me?" Asi Johwani adoda kumurambidza, achiti, “Inipano ndini ndinoda kuombekewa naimipa, manje mouya kwandiri kamu?”
15 Jesus replied to him, "Allow it now, for this is how we must fulfill all righteousness." So John allowed him. Asi Jesu adomupindura achiti, “Iyezvino reka zviite daro, ndava zvidofanira kuti tizazise kururama kwese.” Ipopo Johwani adobva wabvuma.
16 After Jesus was baptized, he came up out of the water at once, and suddenly the heavens opened to him; he saw the Spirit of our Father coming down like a dove and settling on him. Zvino Jesu paadoombekewa, adobirika mumvura kabodzi nokabodzi. Pakarepo matenga yadozururiwa futi adoona Mweya waMwari achiburuka adoita kunge njiva ndokuvhoda paari.
17 Then a voice from heaven said, "This is my Son, the one I love; I delight in him." Zvino izvi ridobva kudenga richiti, “Wakareyu ndiye Mwanakomana wangu wandinoditsitsa, futi ndinofadziwa maninge naye.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]