Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

Matthew 4 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 Then the Holy Spirit led Jesus into the wilderness to be tempted by the devil. Zvino Jesu adotungamihwa noMweya kusango, kuti aedzewe najabhurosi.
2 And after fasting forty days and forty nights, he was hungry. Adotsanya kwomazuva makumi manai nousiku makumi manai, mumasure mozvakarezvo adonzva nzara.
3 The tempter came and said, "If you're the Son of God, tell these stones to become bread." Muyedzi adouya ndokuti kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, raira mabhwe yakareya kuti yave mazingwa.”
4 But he answered, "It is written, 'People do not live by bread alone, but by every word from our Father's mouth.'" Asi adomupindura achiti, “Kudonyohwa kuti, ‘Munhu anoraramaba nomazingwa chete, asi noshoko rese rinobirika mumuromo maMwari.’”
5 Then the devil took him into the holy city, stood him on the temple's highest point, Zvino jabhurosi adomutora ndokumuendesa kuguta ritsvene, achibva wamuisa pakatorotoro poimba yaMwari.
6 and told him, "If you're God's Son, throw yourself down, since Scripture says, 'He will command his angels about you, and they will carry you on their hands, so you won't strike your foot on a stone.'" Adoti kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, zvikhandire pasi, ndava kudonyohwa kuti, ‘Acharaira ngirozi dzache pamusoro pako, dzichakukacha, kuti gumbo rako rireke kurovera padombo.’”
7 Jesus said to him, "Again it is written, 'You must not put your Father to the test.'" Jesu adoti kwaari, “Kudonyohwa pakare kuti, ‘Damba kuedza Ishe Mwari wako.’”
8 Again the devil took him to a very high mountain and showed him all the world's kingdoms and their glory. Jabhurosi adomutora pakare ndokuenda naye kugomo rirefurefu ndokumunangidza umambo hwese hwopasi nombiri yahwene.
9 He said to him, "All these I will give you, if you bow down and worship me." Adobva wamuti, “Ndichakupasa zvakarezvi zvese, kana ukandipfugamira nokundinamata.”
10 Then Jesus told him, "Get away, Satan! For Scripture says, 'Worship your Father, and serve only him.'" Manje Jesu adoti kwaari, “Birikapa Sathani! Ndava kudonyohwa kuti, ‘Uchanamata Ishe Mwari wako basi, iye chete ndiye waunoshumira.’”
11 Then the devil left him, and suddenly angels came and took care of him. Ipopo jabhurosi adomusiya, zvino ngirozi dzidouya ndokumushandira.
12 Now when he heard that John had been arrested, he withdrew into Galilee. Zvino paadonzva kuti Johwani wasungiwa, adoenda kuGaririya.
13 He left Nazareth and settled in Capernaum, by the sea, in the territory of Zebulun and Naphtali, Paadobirika muNazareta, adoenda kogara kuKaperenaume, papfupi nogungwa, mudunhu roZebhuruni noNafutari.
14 so that what was spoken by the prophet Isaiah might be fulfilled: Kuti zvidonyaihwa nomuporofiti Isaya zvizazisiwe zvokuti,
15 "The land of Zebulun and the land of Naphtali, the way of the sea, beyond the Jordan, Galilee of the Gentiles, “Nyika yoZebhuruni nonyika yoNafutari, kunzira inonanga kugungwa, padonangarana noJorodhani, Gaririya rovasiri vaJudha,
16 the people dwelling in darkness have seen a great light, and for those dwelling in the region and shadow of death, on them a light has dawned." vanhu vaigara murima vadoona chiedza chikuru, pana ivo vaigara munyika yomumvuri worufu chiedza chidovhenekera.”
17 From that time Jesus began to preach, saying, "Repent, for the kingdom of our Father is near." Kubva panguwa yakareyo Jesu adothanga kuparidza achiti, “Pindukai, ndava umambo hwokudenga hwanyedza papfupi.”
18 Walking by the Sea of Galilee, he saw two brothers, Simon called Peter and his brother Andrew, casting a net into the sea—they were fishermen. Paanga achifamba panyasi pogungwa roGaririya, adoona vairi, mukoma nomunin'ina, Simoni anoitiwa Pita naAndireya, vachikhanda mambure yavo mugungwa, ndava vaiva vabati vohove.
19 And he said to them, "Follow me, and I will make you fishers of people." Adoti kwavari, “Nditeverei, ndichakuitai varauri vovanhu.”
20 Immediately they left their nets and followed him. Kabodzi nokabodzi vadosiya mambure yavo vachibva vamutevera.
21 Going on from there, he saw two more brothers—James son of Zebedee and John his brother—in the boat with their father Zebedee, mending nets, and called them. Achibirika kubva pakarepo adoona vamwe vairi mukoma nomunin'ina, Jakobho naJohwani, vanakomana vaZebhedhiya. Vanga vari mukamwadiya pabodzi nababa vavo Zebhedhiya, vachisonanidza mambure yavo. Jesu adobva wavadaidza,
22 Immediately they left the boat and their father and followed him. pakarepo vadosiya kamwadiya nababa vavo, ndokumutevera.
23 He went all through Galilee, teaching in their synagogues, announcing the good news of the kingdom, and healing every disease and sickness among the people. Adotenderera muGaririya rese, achidzidzisa mumasinagoge yavo, achiparidza vhangeri roumambo, nokuporesa matenda yese nohodza dzese pakati povanhu.
24 News of him spread through all Syria. They brought him all who were sick—gripped by various diseases and pains, oppressed by demons, epileptic, paralyzed—and he healed them. Zvino mukurumbira wache udosvika kunyika inoitiwa Siriya kwese, vadouya kwaari novahwere vese, vaishupika nomatenda nomahwadzo, novaiva nomashave, novaiva nopfavi, novanga vadotonhora nhengo. Adobva wavaporesa.
25 Large crowds followed him from Galilee, the Decapolis, Jerusalem, Judea, and beyond the Jordan. Gurusvusvu rikuru ridomutevera richibva muGaririya nomuDhikaporisi, nomuJerusarema, nomuJudhiya, nokumhiri kwaJorodhani.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]