Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

Matthew 2 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 After Jesus was born in Bethlehem, Judea, in the days of King Herod, magi from the east arrived in Jerusalem, Zvino Jesu paadozvahwa muBheterehema roJudhiya mumazuva yamambo Herudhe, varume vaidzidza zvonyenyedzi vadosvika muJerusarema vachibva kumabvazuva.
2 saying, "Where is the one born king of the Jews? For we saw his star in the east and have come to worship him." Vadoti, “Ari poi uyo adozvahwa ari mambo wovaJudha? Ndava tidoona nyenyedzi yache kumabvazuva, tauya kudzomunamata.”
3 When Herod the king heard this, he was troubled, and all Jerusalem with him. Zvino mambo Herudhe paadonzva zvakarezvo, adonetseka pabodzi novese muJerusarema.
4 He gathered all the people's chief priests and scribes, asking where the Christ was to be born. Adounganidza vaphirisita vakuru vese novadzidzisi vovanhu, achivabvunza kwaidzozvarihwa Khirisitu.
5 They told him, "In Bethlehem of Judea, for this is what was written through the prophet: Vadomunyepa kuti, “MuBheterehema roJudhiya. Ndava ndizvo zvidonyohwa nomuporofiti achiti,
6 'Yet you, Bethlehem, in Judah's land, are certainly not the least among Judah's rulers; for from you a ruler will emerge who will shepherd Israel, my people.'" ‘Naiwepa Bheterehema munyika yaJudha, ndiweba mudikitsa pakati povatongi vovaJudha. Ndava mauri muchabva mutongi acharisa vanhu vangu vaIzirairi.’”
7 Then Herod secretly summoned the magi and learned from them the exact time the star had appeared. Pakarepo Herudhe adodaidza kabisira varume vaidzidza zvonyenyedzi kuti azive kubva kwavari nguwa idooneka nyenyedzi.
8 He sent them to Bethlehem, saying, "Go, search carefully for the child. When you find him, come back and tell me, so that I too may go and worship him." Adovatuma kuBheterehema achiti, “Endai kobvunzitsitsa zvomwana, kana mamuwana mundivikhire shoko, kuti nainipanowo ndiuye kudzomunamata.”
9 After hearing the king, they set out; the star they had seen in the east went ahead of them until it stopped over where the child was. Pavadonzva mambo vadopinda munzira yavo. Pakarepo vadobva vaona nyenyedzi yavanga vaona kumabvazuva yaakuvatungamira, kusvikira yamira pamusoro panzvimbo yanga ino mwana.
10 When they saw the star, they rejoiced with overwhelming joy. Pavadoona nyenyedzi vadoingidzika kufara nomufaro mukuru.
11 Entering the house, they saw the child with Mary his mother, fell down and worshiped him. They opened their treasure boxes and gave him gifts: gold, frankincense, and myrrh. Pavadopinda mumba vachiona mwana naMariya amai vache. Vadokotamira pasi vachimunamata. Ipopo vadovhura zvipo zvavo ndokumupasa, ndarama, zvinonushira nomura.
12 Warned in a dream not to return to Herod, they went back to their own country by a different route. Kudzoti vachenjedzewa muchiroto, kuti vareke kudzokera kuna Herudhe, vadoenda kunyika yavo noimwe nzira.
13 After they left, an angel of our Father appeared to Joseph in a dream: "Get up, take the child and his mother, flee to Egypt, and stay until I tell you—Herod is about to search for the child to kill him." Vadzidzi vonyenyedzi pavadondobva, ngirozi yaIshe idozvinangidza kuna Josefa muchiroto ichiti, “Sumuka, utore mwana namai vache, utizire kuIjipiti. Ugare kwakareko kusvikira ndakunyepa, ndava Herudhe wava kutsvaga mwana kuti amupunze.”
14 And he got up and took the child and his mother by night and left for Egypt, Ipopo Josefa adomuka usiku ndokutora mwana namai vache, ndokuenda kuIjipiti.
15 and stayed there until Herod died, fulfilling what our Father said through the prophet: "Out of Egypt I called my son." Vadogara kwakareko kusvikira pakupfa kwaHerudhe. Uku kwanga kuri kuzazisa zvidonyaihwa naIshe kuburikidza nomuporofiti achiti, “Kubva kuIjipiti ndidodaidza mwanakomana wangu.”
16 Then Herod, seeing the magi had outwitted him, grew furious and sent men to kill all boys two years old and under in Bethlehem and its whole region, matching the time he'd learned from the magi. Zvino Herudhe paadoona kuti wabatisiwa dombo novarume vaidzidza zvonyenyedzi, adopupuma noukari. Adobva waraira kuti vanakomana vese vanomakore mairi zvichidzika vapunziwe muBheterehema, nomudunhu rese. Zvichienderana nonguwa idotauhwa novarume vaidzidza zvonyenyedzi.
17 This fulfilled what was spoken through Jeremiah the prophet: Ipopo padozazisiwa zvidonyaihwa namuporofiti Joromiya achiti,
18 "A voice was heard in Ramah, weeping and loud mourning, Rachel weeping for her children; she refused to be comforted, because they are no more." “Izvi ridonzvika muRama, maundu nomhere ikuru. Rakeri achiririra vana vache, achiramba kunyaradziwa, ndava havachisipo.”
19 But when Herod died, an angel of our Father appeared in a dream to Joseph in Egypt, Kudzoti Herudhe wapfa, ngirozi yaIshe idozvinangidza kuna Josefa mukurota muIjipiti,
20 saying, "Get up, take the child and his mother, go to Israel's land, for those seeking the child's life are dead." ichiti, “Sumuka, utore mwana namai vache muende kunyika yaIzirairi, ndava vaye vaitsvaga upenyu hwomwana, vadopfa.”
21 So he got up, took the child and his mother, and went to Israel's land. Adosumuka ndokutora mwana namai vache, vachidzokera kunyika yaIzirairi.
22 Hearing that Archelaus was ruling Judea in place of his father Herod, he was afraid to go there. Warned in a dream, he withdrew to the region of Galilee. Asi paadonzva kuti Akerausi wava kutonga kuJudhiya pachinzvimbo chababa vache Herudhe, adocha kukuenda pakare. Nokuchenjedzewa muchiroto, adodzonanga kudunhu rikuru roGaririya.
23 He went and lived in a town called Nazareth, fulfilling the prophets' words: "He will be called a Nazarene." Adoenda kogara muguta rinoitiwa Nazareta, kuti zvidonyaihwa novaporofiti zvokuti, “Achatenzewa kuti muNazarini,” zvizazisiwe.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]