Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

Mark 8 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 In those days, again a large crowd gathered with nothing to eat. Jesus called his disciples and said, Pamazuva yakareyo padoita futi gurusvusvu rikuru rovanhu ridoungana, futi vanga vasinai chokuja, adodaidza vadzidzi vache ndokuti kwavari,
2 "I feel compassion for the crowd—they've been with me three days now and have nothing to eat. “Ndinonzva tsitsi nogurusvusvu rovanhu ava nokuti ndava navo kwomazuva matatu, apa havachinai chokuja.
3 If I send them home hungry, they'll collapse on the way—some have come from far off." Kana ndikavadzotsa kudzimba vanonzara vanokomoka munzira ndava vamwe vavo vanobva kurefu zvidonyanya.”
4 And his disciples answered him, "How can anyone feed these people with bread here in the wilderness?" Asi vadzidzi vache vadomupindura, “Anga munhu angawane poi musango muno zvinogutsa vanhu veseva?”
5 And he asked them, "How many loaves do you have?" They said, "Seven." Iye ndokuvabvunza, “Munomazingwa manganiko?” Ivo ndokuti, “Manomwe.”
6 He told the crowd to sit on the ground, took the seven loaves, gave thanks, broke them, and gave them to his disciples to serve to the people; and they served the crowd. Ipopo adoudza vanhu kuti vagarikike, ndokubva watora mazingwa manomwe yaye, ndokutenda, ndokuyakomora komora achiyapasa vadzidzi vache kuti vakovanise vanhu, ivo ndokuvakovanisa.
7 They also had a few small fish; after blessing them, he told the disciples to serve these to the people. Vanga vano tuhovewo tushomashoma, paadokomborera, adovaudza kamu kuti vakovanise vanhu.
8 And they ate and were satisfied. And they took up seven baskets of the leftover pieces. Vadoja vachiguta. Vadodzounganidza zvimepfu zvidosara ndokuzaza matengu manomwe.
9 About 4,000 people were there. And he sent them away. Vadoja vacho vanga vari varume vanosvika zviuru zvinai, ndokubva wavaendesa.
10 Then immediately he got into the boat with his disciples and went to the district of Dalmanutha. Nokamangu vadopindirafuti mukamwadiya ndokuenda kudunhu roDharumanuta.
11 The Pharisees came and began debating with him, testing him by demanding a sign from heaven. Ipopo vaFarisi vadouya kudzopikisana naye nokumuedza vachipopera kuti avaitire chiratidzo chinobva kudenga.
12 Sighing deeply in his spirit, he said, "Why does this generation demand a sign? Truly I tell you, no sign will be given to this generation." Jesu adothura befu pamweya wache zvidonyanya ndokuti, “Seiko vanhu vanasi vachiruvira kuona chiratidzo? Chokwadi ndinoti musevedzi, hapanai chiratidzo chichapasiwa vanhu vakareva vanasi.”
13 And he left them, got back into the boat, and went to the other side. Adovasiya ndokupinda mukamwadiya achiyambuka kumhiri.
14 They'd forgotten to bring bread—only one loaf was with them in the boat. Vadzidzi vadokangamwa kutakura mazingwa zvokuti mukamwadiya makaremo manga mudondova nozingwa ribodzi.
15 And he warned them, "Watch out—beware of the yeast of the Pharisees and the yeast of Herod." Ipopo adovachenjedza achiti, “Chenjererai mbiriso yovaFarisi noyaHerudhe.”
16 And they began discussing with one another that they had no bread. Vadonyairirana vachiti, “Ari kudaro ndava tasiya mazingwa.”
17 Knowing this, Jesus asked, "Why discuss having no bread? Do you still not see or grasp? Are your hearts hardened? Manje Jesu adoziva zvavainyairirana ndokuti, “Anga zvomazingwa zvamaakunyairirana nzvei kamu? Asi munoonaba nai nomwoyo yenyu yatoti kukutu kuoma nai?
18 Having eyes, do you not see? Having ears, do you not hear? And do you not remember? Munotadza nei kuona imi muno meso? Munotadza nei kunzva, imi nzeve munadzo? Ko hamuchayeuka nai?
19 When I broke the five loaves for the 5,000, how many baskets full of fragments did you collect?" They said, "Twelve." Pandidokomora paye mazingwa mashano kupasa zviuru zvishano, mudounganidza muchizaza matengu mangani yozvimepfu zvidosara?” Vadoti kwaari, “Gumi nomairi.”
20 "And when I broke the seven for the 4,000, how many basketfuls of broken pieces did you gather?" They said, "Seven." “Ko mazingwa manomwe pazviuru zvinai, matengu mangani yadozara zvimepfu zvamudounganidza?” Ivo ndokuti, “Yadosvika manomwe.”
21 And he said to them, "Do you still not understand?" Zvino Iye ndokuti kwavari, “Saka munotadza tini kunzvitsitsa?”
22 They came to Bethsaida, where people brought him a blind man and begged Jesus to touch the man. Zvino vadodzosvika paBhetisaidha, ipopo vadouya norombe kuna Jesu ndokukumbira kuti amubate.
23 He took the blind man's hand, led him out of the village, spit on his eyes, laid hands on him, and asked, "Do you see anything?" Iye adobata rombe racho ruoko achibirika naro pamusha, ndopaadorisvipira mathe mumaziso. Adobata meso yache ndokumubvunza “Chii chauri kuona?”
24 He looked up and said, "I see people, but they look like trees, walking." Adonangara nangara ndokubva wati ndiri kuona vanhu vachitekaira vadoita kunge miti.
25 Then Jesus put his hands on the man's eyes again; he looked intently, was restored, and saw everything distinctly. Ipopo Jesu adobata kamu meso yomurumeyo, meso yache yadobva yapora ndokuona mushe mushe.
26 And he sent him home, saying, "Do not even go into the village." Adomuendesa kumba kwache achimutsindikira, “Reka kana kupinda mumusha.”
27 Jesus and his disciples went to the villages of Caesarea Philippi. On the way he asked them, "Who do people say I am?" Jesu novadzidzi vache adobirika achienda kumaguta yokuKhesariya Firipi. Vari munzira, adobvunza vadzidzi vache, “Ko vanhu vanoti ndini yani?”
28 They told him, "John the Baptist; and others say Elijah; and others, one of the prophets." Vadopindura kuti, “Johwani Muombeki, vamwe vanoti, Eriya, vamwewo ndivo vanoti muri umwe wovaporofiti.”
29 Then he asked them, "But who do you say I am?" Peter answered, "You are the Christ." Iye adoti kwavari, “Ko imipa munoti ndini yani?” Pita adopindura kuti, “Ndimi Khirisitu.”
30 And he strictly warned them not to speak about him. Ipopo adovatsindikira kuti vareke kunyepa munhu nozvake.
31 He began teaching them the Son of Man must suffer much, be rejected by the elders, chief priests, and scribes, be killed, and rise after three days. Pakarepo Jesu adothanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana woMunhu achatambudziwa chaizvo futi acharambiwa novakuru, novaphirisita vakuru novanyori. Vachamubaya, asi kwapera mazuva matatu achamuka kamu.
32 He said this plainly. And Peter took him aside and began to rebuke him. Izvozvo adozvinyaira asingasvisve. Pita adobva wamutora pache wega ndokuthanga kumudzumidza.
33 But turning, he looked at his disciples and rebuked Peter: "Get behind me, Satan! For you are not setting your mind on the things of our Father, but on the things of man." Asi Jesu adochununguka ndokunangara vadzidzi vache, achibva wadzuma Pita achiti, “Ibva kwandiri Sathani! Nokuti unofungaba zvaMwari, unondofunga zvovanhu.”
34 He called the crowd and his disciples and said to them, "Whoever wants to come after me must deny himself, take up his cross, and follow me. Zvino adodaidza gurusvusvu rovanhu novadzidzi vache kuti vauye kwaari, ndokuti, “Wese anoda kunditevera mbaazvirambe atore muchinjikwa wache anditevere.
35 Whoever wants to save his life will lose it; whoever loses his life for my sake and the good news will save it. Nokuti wese anoda kuchidza upenyu hwache achataikihwa nahwo, asi wese anotaikihwa noupenyu hwache nokuda kwangu nokwovhangeri achahuchidza.
36 What good does it do a person to gain the whole world and forfeit his soul? Anga munhu akawana nyika yese achitaikihwa noupenyu hwache anenge wawanei?
37 For what can a person give in exchange for his soul? Chii munhu chaangapereke kutsiva mweya wache nacho?
38 For whoever is ashamed of me and my words in this adulterous, sinful generation—the Son of Man will be ashamed of them too when he comes in his Father's glory with the holy angels." Nokuti wese anondinyara inini nomashoko yangu muvanhu vanasi vadoipa, vanosanganisa, Mwanakomana woMunhu paachauya muukuru hwaBaba vache, nongirozi dzache dzitsvene, achamunyarawo.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]