Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

Mark 7 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 The Pharisees and some of the scribes who had come from Jerusalem gathered around Jesus, VaFarisi novanyori vanga vabva kuJerusarema vadoungana paanga ari,
2 and they saw that some of his disciples were eating bread with unclean hands—that is, unwashed. pavadoona kuti vamwe vadzidzi vake vanga vachija mazingwa nomanja yanotsambwa, kureva yasinai kushambiwa.
3 (For the Pharisees and all the Jews don't eat unless they wash their hands ceremonially, keeping the elders' tradition. Nokuti vaFarisi novaJudha vese, vanojaba vasati vashamba maoko yavo, kuri kuchengetedza tsika dzovakuru vavo vokare.
4 When they come from the market, they don't eat without washing. They also hold to many other traditions they've received—washing cups, pitchers, and copper vessels.). Pese pavanenge vabva kumusika wokutengesera, vanojaba kana vasati vashamba. Iyoyi njimwe yotsika dzavadobatirira padziri, dzidoita sekusuka makomichi, zvirongo nondiro nomidziyo yondarira.
5 Then the Pharisees and scribes asked him, "Why don't your disciples follow the elders' tradition, but eat bread with unclean hands?" Saka vaFarisi novanyori vadomubvunza, “Indava yei vadzidzi venyu vasingatevere tsika dzovakuru vedu vokare? Nokuti vanoja zvokuja nomanja yanotsambwa.”
6 He replied, "Isaiah prophesied truly about you hypocrites, as written: 'These people honor me with their lips, but their heart is far from me.' Jesu adovapindura kuti, “Imipa vanyengeri, Isaya waireva vakaremi paadoporofita achiti, ‘Vanhu vova vanondikudza nomiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kurefu nainini.
7 'They worship me in vain, teaching as doctrines the commandments of men.' Vanondinamata zvomabhwodo vachitsinhanisa mitemo yaMwari nodzidziso dzidoumbiwa novanhu.’
8 You abandon the commandment of our Father and hold to the tradition of men." Mudosiya mitemo yaMwari chaiyo muchibatirira kutsika dzovanhu.”
9 He said to them, "You do a fine job setting aside our Father's commandment to keep your own tradition!" Adoti kwavari, “Muno uchenjeri hwokuramba mitemo yaMwari muchida kuchengeta tsika dzenyu.
10 For Moses said, 'Honor your father and your mother,' and 'Whoever curses father or mother must be executed.' Nokuti Mozisi adoti, ‘Kudza baba namai, futi wese anoita zvidobookera kuna baba vache kana kuna maache mbaapunziwe apfe.’
11 "But you say: if anyone tells his father or mother, 'Whatever you'd have gained from me is Corban' (a gift devoted to our Father), Manje imipa munoti kana munhu akati kuna baba vache kana amaache, ‘Chinhu chandanga ndichida kukuyamurai nacho chava kobhani,’ kureva kuti chava chipo kuna Mwari.
12 then you no longer let him do anything for his father or mother. Munenge matomurambidza kuyamura baba vache namaache.
13 So you cancel the word of our Father with your handed-down tradition. You do many things like this." Nomutoo wakareyu munosaisa simba Shoko raMwari kuitira kuti muchengetedze tsika dzenyu nozvimwewo zvidodai zvamunoita.”
14 He called the crowd again and said to them, "Listen to me, all of you, and understand: Ipopo adodaidza vanhu vese ndokuti kwavari, “Nditetekerei mese munzvitsitse:
15 Nothing outside a person entering him can make him unclean; rather, what comes out of a person is what makes him unclean." Hapanai chinopinda mumunhu chichibva kunze chinomusvipisa, asi zvinobuda kubva maari ndizvo zvinomusvipisa.
16 Not in this edition “Anonzeve mbaatetekere anzve.”
17 When he had left the crowd and entered the house, his disciples asked him about the parable. Paadobirika pagurusvusvu rovanhu, achipinda mumba, vadzidzi vache vadomubvunza pamusoro pomufananidzo.
18 He said to them, "Are you also this dull? Don't you understand nothing entering a person from outside can make him unclean, Ipopo adovabvunza, “Nemiwo munonzvitsitsaba nai? Ko hamuone kuti hapanai chiri kunze chinopinda mumunhu chingamusvipise?
19 since it doesn't enter his heart but his stomach, and then goes out into the sewer?" (Saying this, he declared all foods clean.). Ndava chinopindaba mumwoyo mache, asi chinondopinda mumimba mache, chichibirika pakare.” (Nokunyaira kwakareko Jesu adoonesa kuti zvokuja zvese zvidochena).
20 He said, "What comes out of a person—that makes him unclean. Adoti, “Zvinobirika mumunhu ndizvo zvinomusvipisa.
21 For from within, out of the human heart, come evil thoughts—sexual sin, theft, murder, Ndava kubva mukati momwoyo womunhu munobirika: mifungo idoipa, upombwe, kuba, nokubayana,
22 adultery, greed, malice, deceit, sensuality, envy, slander, pride, and foolishness. nhafu, kunyangadza, kunyengedza, nokusazvibata, usvinu, kushora, kuzvikudza, noudzemwa.
23 All these evils come from inside and make a person unclean." Zvidoipa zvakarezvi zvese zvinobirika mukati momunhu ndizvo zvinomusvipisa.”
24 Jesus left there for the region of Tyre. He entered a house, wanting no one to know, but couldn't stay hidden. Wabva pakarepo adoenda kudunhu roTire noSidhoni ndokupinda mumba asingade kuti vamuzive, asi haanai kugona kuhwanda.
25 Instead, a woman whose little daughter had an unclean spirit heard about him at once, came, and fell at his feet. Pakarepo paiva nomukadzi wanga ano mwanasikana wanga adogahwa nomweya udoipa. Paadondonzva nozvaJesu adobva wauya kwaari ndokuzviwisira pamberi pache.
26 The woman was Greek, Syrophoenician by birth. She kept asking him to drive the demon out of her daughter. Mukadzi wakareyo waiva muGiriki, adozvarihwa muFonisiya guta roSiriya. Adoteterera Jesu kuti adzinge mweya udoipa pamwanasikana wache.
27 He told her, "Let the children eat first, for it's not right to take their bread and toss it to the dogs." Jesu adoti kwaari, “Ndinofanira kuthanga ndajisa vana, ndava zvinokodzeraba kutora mazingwa yovana uchiposha tuhanda.”
28 But she replied to him, "Sir, even the dogs under the table eat the children's crumbs." Iye adopindura kuti, “Hinde Ishe, kana notuhanda pasi potafura tunojawo mupfupfunyungwe womazingwa yovana.”
29 He said to her, "Because of this answer, go—the demon has left your daughter." Jesu ndokuti kwaari, “Nondava yomapinduriro yakareyo, chienda zvako mweya udoipa wabirika pamwanasikana wako.”
30 And she went home and found the child lying on the bed, and the demon gone. Mukadzi adoenda kumba ndokuwana mwanasikana wache adoenzera pamubhedha, mweya udoipa wabirika paari.
31 Then Jesus left the territory of Tyre, went through Sidon to the Sea of Galilee, into the region of the Decapolis. Zvino Jesu adobva mudunhu roTire achipinda nomuSidhoni ndokusvika pagungwa roGaririya mukati modunhu roDhikaporisi.
32 They brought him a deaf man who could hardly speak, begging him to lay his hand on him. Ipopo vadomuvigira murume wanga ari burunzeve asingagone kutaura vachimuteterera kuti amuturike ruoko pamusoro.
33 Jesus took him aside privately, away from the crowd, put his fingers in the man's ears, spit, and touched his tongue. Jesu adomubiritsa pagurusvusvu rovanhu kwake wega ndokumufindikira tukumo munzeve, achibva wasvipa mathe achibata karimi kochimumumu.
34 Then, looking up to heaven, he sighed deeply and said to him, "Ephphatha!" (that is, "Be opened!"). Adonangara kudzuru ndokuthura chiya achiti kwaari, “Efata,” kureva kuti, “Dziuka.”
35 And immediately his ears were opened, his tongue was released, and he began to speak plainly. Kabodzi nokabodzi nzeve dzache dzidodziuka, karimi kache kadopfuduka ndokuthanga kutaura mushemushe.
36 Jesus ordered them to tell no one; but the more he ordered, the more they proclaimed it. Jesu adovatsindikira kuti vareke kuudza ani zvache, asi paaivatsindikira kuti vazvinyarare ndipo pavaitonyanya kumbondozvishambadzira.
37 They were completely amazed: "He has done everything well—he makes the deaf hear and the mute speak." Vanhu vadoshamisika zvidonyanyitsa. Pakushamisika kwavo vadonyaira vachiti, “Zvaanoita zvese zvidonakitsitsa, anodziura nzeve dzoburunzeve nokupfudura karimi kuti chimumumu chigone kunyaira!”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]